Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 6:1-21

Mako 6:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akabva ipapo akaenda kuguta rokwake, vadzidzi vake vachimutevera. Sabata rakati rasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi zvinhu izvi? Uchenjeri hupi uhu hwaakapiwa hwokuti anotoita zvishamiso? Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Uye vakagumburwa naye. Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.” Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye nokuvaporesa. Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo Jesu akapota nemisha achidzidzisa. Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa. Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu. Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri. Pose pamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva muguta iroro. Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.” Vakabuda vakaenda kundoparidza kuti vanhu vatendeuke. Vakadzinga madhimoni mazhinji uye vakazodza mafuta vanhu vazhinji vairwara uye vakavaporesa. Mambo Herodhi akanzwa nezvazvo, nokuti zita raJesu rakanga rozivikanwa kwazvo. Vamwe vakanga vachiti, “Johani Mubhabhatidzi akamutswa kubva kuvakafa; uye ndokusaka zviratidzo zvesimba zvichiitika.” Vamwe vakati, “NdiEria.” Uye vamwezve vakati, “Ndiye muprofita, akaita somumwe wavaprofita vekare.” Asi Herodhi akati anzwa izvozvo, akati, “Johani, murume wandakagura musoro, akamutswa kubva kuvakafa!” Nokuti Herodhi pachake akanga arayira kuti Johani asungwe, uye akaita kuti asungwe nengetani uye aiswe mutorongo. Akaita izvi nokuda kwaHerodhiasi mukadzi womununʼuna wake Firipi waakanga awana. Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hazvitenderwi kuti utore mukadzi womununʼuna wako.” Saka Herodhiasi akachengeta ruvengo mumwoyo make pamusoro paJohani uye akada kumuuraya. Asi akanga asingakwanisi kuita izvozvo, nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama uye ari mutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera. Pakupedzisira mukana wakazovapo. Pazuva rokuberekwa kwake, Herodhi akaitira vabati vake vakuru, navakuru vamauto uye navarume vaitungamirira muGarirea mabiko.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akabvapo, akasvika kunyika yake, vadzidzi vake vakamutevera. Musi weSabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge; vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu awanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namaoko ake? Ko uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano pakati patiri here?” Vakagumburwa naye. Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.” Akasagona kubata basa resimba ipapo, asi akaisa maoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akavaporesa. Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo akapota nemisha, achidzidzisa. Zvino akadanira kwaari vane gumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa; akavarayira kuti “Varege kutongotora zvomunzira, asi mudonzvo bedzi; varege kutora chingwa, nehombodo, nemari muchikwama. Asi vapfeke shangu, varege kupfeka nguo mbiri.” Akati kwavari; “Pose pamunopinda mumba, mugaremo, kusvikira muchibvapo. Pose pavasingakugamuchirii nokukunzwai, kana muchibvapo, muzunze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.” Vakabuda, vakaparidza kuti vanhu vatendeuke. Vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza vazhinji vairwara mafuta, vachivaporesa. Zvino mambo Herodhi akazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati, “Johani Mubhabhatidzi akamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.” Vamwe vakati, “NdiEria;” vamwe vakati, “Muporofita, akafanana nomumwe wavaporofita.” Asi Herodhi akati achizvinzwa, akati, “NdiJohani akamuka, uya wandakagura musoro.” Nokuti Herodhi akanga atuma vanhu, akabata Johani, akamusunga mujeri nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake, nokuti akanga amuwana. Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hauna kutenderwa kuti uve nomukadzi womunun'una wako.” Herodhiasi akamuvenga, akada kumuuraya, akasagona; nokuti Herodhi akanga achitya Johani, achiziva kuti munhu akarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Akati amunzwa, akatambudzika kwazvo kunyangwe zvakadaro, aisafanira kumunzwa. Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhi nezuva rokupemberera kuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezviuru zvamazana navakuru veGariria mutambo mukuru

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akabvapo akaenda kudunhu rokwake; vadzidzi vake vakamutevera. Kuzoti wava musi weSabata, akatanga kudzidzisa musinagogu. Vazhinji vakamunzwa vakashamiswa kwazvo vachiti, “Ko nhaimi, uyu akawanepiko zvinhu izvi? Ko ungwaru hworudziiko hwakapiwa kune munhu uyu? Naizvoka zvishamiso zvaanoita namaoko ake! Ko handiye muvezi here uyu, mwana waMaria, mukomanomunun'una nanaJemusi naJosesi naJudhasi naSimoni. Ko hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Vakabva vamugumbukira. Jesu ndokuti kwavari, “Hakuna kwaasingaremekedzwi muporofita kusara kwomudunhu rokwake, nomukati mehama dzake nomukati mevemba yake.” Haana kuzogona kuita kana nechishamiso zvacho ikoko; akangoisa maoko ake pamisoro yavarwere vashomanana akavaporesa. Akashamiswa kwazvo nokusadavira kwavo. Akapota nemisha achidzidzisa. Akadaidza vane gumi navaviri kwaari ndokutanga kuvatuma vari vaviri vaviri achivapawo simba pamusoro pemweya yetsvina. Akavaudza kuti varege kutakura chinhu parwendo rwavo kusiya tsvimbo chete, varege kutakura chingwa kana tsapo kana mari zvayo mumindya yavo. Shangu vangapfeka zvavo, asi vagorega kupfeka hanzu mbiri. Akatizve kwavari, “Kwose kwose kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mazobvako. Panzvimbo ipi neipi pavasingakugamuchirei kana pavasingakuteererei, pakubvapo kwenyu, gumai guruva retsoka dzenyu kuti rive chapupu kwavari.” Nokudaro vakaenda vakandoparidza kuti vanhu vapinduke. Vakadzinga mweya yakaipa mizhinji, vakazorawo varwere vazhinji mafuta, vachivaporesa. Zvino mambo Herodhi akanzwa zvose izvi, nokuti zita raJesu rakanga rava nomukurumbira. Vamwe vaiti, “Johani Muombeki akamutswa muvafi, ndosaka ana masimba akadai maari okuita zvishamiso.” Asi vamwe vaiti ndiEriya, vamwewo vachiti, “Muporofita akangofananawo navamwe vaporofita vakare.” Asi Herodhi, paakanzwa izvi, akati, “Johani uya wandakadimbura musoro ndiye akamutswa.” Nokuti Herodhi uyu akanga atuma vanhu kundobata Johani akamuisa mujeri pamusana paHerodhiasi, mudzimai waFiripi, munun'una wake waakatora. Nokuti Johani aiti kuna Herodhi, “Hazvibvumirwi kuti iwe ugare nomukadzi womunun'una wako.” Ipapo Herodhiasi aiva nedaka naJohani, achida kumuuraya, asi akakoniwa. Pamusana pokuti Herodhi aitya Johani nokuti aiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, aimudzivirira. Zvaimutambudza kwazvo kunzwa zvaaireva asi zvaimufadza kuteerera zvaaitaura. Zvino zuva rakanga rakamirirwa naHerodhiasi rakazosvika nomusi wokupemberera kuberekwa kwaHerodhi. Pazuva iroro, Herodhi akaitira mabiko vakuru–vakuru vehurumende yake navatungamiriri vehondo navakuru–vakuru veGarirea.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakabva’po, akaȿika kunyika yake, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. Musi wesaɓata wakati waȿika, akataŋga kudzidzisa musinagoge; ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimunzwa, ʋakashamiswa, ʋaciti: Munhu uyu wawanepiko iɀoɀi? Kucenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namaɓasa esimba akaɗai anoitwa namaʋoko ake? Ko uyu haazi muʋezi here, mŋanakomana waMaria, nomukoma waJakobo, naJose, naJuda, naSimoni? Nehanɀadzi dzake hadzizi pano pakati patiri here? Ʋakagumburwa naye. Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make. Akasagona kuɓate‐ɓasa resimba ipapo, asi wakaisa maʋoko ake pamsoro paʋairwara ʋashoma, akaʋaporesa. Akashamiswa nokusatenda kwaʋo. Ipapo wakapota nemisha, acidzidzisa. Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanegumi naʋaʋiri, akataŋga kuʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri, akaʋapa simba pamsoro pemŋeya yetȿina; akaʋaraira kuti ʋarege kutoŋgotora ɀomunzira, asi muɗonɀo ɓedzi; ʋarege kutora ciŋgwa, nehomboɗo, nemari mucikwama. Asi ʋafuke shaŋgu, ʋarege kupfeka ŋguʋo mbiri. Akati kwaʋari: Pose pamunopinda mumba, mugare’mo, kuȿikira mucibva’po. Pose paʋasiŋgakugamuciriyi nokukunzwai, kana mucibva’po, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu, ciʋe capupu kwaʋari. Ʋakaɓuɗa, ʋakaparidza kuti ʋanhu ʋatendeʋuke. Ʋakaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji, ʋakazodza ʋazhinji ʋairwara mafuta, ʋaciʋaporesa. Ɀino mambo Herode wakaɀinzwa, nokuti zita rake rakaŋga rakurumbira, akati: Johane Mubapatidzi wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari. Ʋamŋe ʋakati: NdiEria; ʋamŋe ʋakati: Muprofita wakafanana nomumŋe waʋaprofita. Asi Herode wakati aciɀinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, uya wandakagura musoro. Nokuti Herode wakaŋga atuma ʋanhu, akaɓata Johane, akamusuŋga mutoroŋgo nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake, nokuti wakaŋga amuwana. Nokuti Johane wakaŋga ati kunaHerode: Haunakutenderwa kuti uʋe nomukadzi womunuŋuna wako. Herodiasi akamuʋeŋga, akaɗa kumuʋuraya, akasagona; nokuti Herode wakaŋga acitya Johane, aciziʋa kuti munhu wakarurama, mutȿene, akamuceŋgeta ɀakanaka. Wakati amunzwa, akakaŋganiswa kwaɀo, akasifara kumunzwa. Asi zuʋa rakafanira rakati raȿika, Herode nezuʋa rokuɓerekwa kwake akaitira madzishe ake naʋakuru ʋeɀuru ɀamazana naʋaɓati ʋakuru ʋeGarirea mutambo mukuru

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 6

Mako 6:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)