Wakabva’po, akaȿika kunyika yake, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. Musi wesaɓata wakati waȿika, akataŋga kudzidzisa musinagoge; ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimunzwa, ʋakashamiswa, ʋaciti: Munhu uyu wawanepiko iɀoɀi? Kucenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namaɓasa esimba akaɗai anoitwa namaʋoko ake? Ko uyu haazi muʋezi here, mŋanakomana waMaria, nomukoma waJakobo, naJose, naJuda, naSimoni? Nehanɀadzi dzake hadzizi pano pakati patiri here? Ʋakagumburwa naye. Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make. Akasagona kuɓate‐ɓasa resimba ipapo, asi wakaisa maʋoko ake pamsoro paʋairwara ʋashoma, akaʋaporesa. Akashamiswa nokusatenda kwaʋo.
Ipapo wakapota nemisha, acidzidzisa.
Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanegumi naʋaʋiri, akataŋga kuʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri, akaʋapa simba pamsoro pemŋeya yetȿina; akaʋaraira kuti ʋarege kutoŋgotora ɀomunzira, asi muɗonɀo ɓedzi; ʋarege kutora ciŋgwa, nehomboɗo, nemari mucikwama. Asi ʋafuke shaŋgu, ʋarege kupfeka ŋguʋo mbiri. Akati kwaʋari: Pose pamunopinda mumba, mugare’mo, kuȿikira mucibva’po. Pose paʋasiŋgakugamuciriyi nokukunzwai, kana mucibva’po, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu, ciʋe capupu kwaʋari. Ʋakaɓuɗa, ʋakaparidza kuti ʋanhu ʋatendeʋuke. Ʋakaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji, ʋakazodza ʋazhinji ʋairwara mafuta, ʋaciʋaporesa.
Ɀino mambo Herode wakaɀinzwa, nokuti zita rake rakaŋga rakurumbira, akati: Johane Mubapatidzi wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari. Ʋamŋe ʋakati: NdiEria; ʋamŋe ʋakati: Muprofita wakafanana nomumŋe waʋaprofita. Asi Herode wakati aciɀinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, uya wandakagura musoro. Nokuti Herode wakaŋga atuma ʋanhu, akaɓata Johane, akamusuŋga mutoroŋgo nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake, nokuti wakaŋga amuwana. Nokuti Johane wakaŋga ati kunaHerode: Haunakutenderwa kuti uʋe nomukadzi womunuŋuna wako. Herodiasi akamuʋeŋga, akaɗa kumuʋuraya, akasagona; nokuti Herode wakaŋga acitya Johane, aciziʋa kuti munhu wakarurama, mutȿene, akamuceŋgeta ɀakanaka. Wakati amunzwa, akakaŋganiswa kwaɀo, akasifara kumunzwa. Asi zuʋa rakafanira rakati raȿika, Herode nezuʋa rokuɓerekwa kwake akaitira madzishe ake naʋakuru ʋeɀuru ɀamazana naʋaɓati ʋakuru ʋeGarirea mutambo mukuru