Mako 4:3-8
Mako 4:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya. Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko. Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”
Mako 4:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Teererai, Mukushi akabuda kundokusha. Akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika; asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi. “Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga, dzikasaita vana. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikaita vana, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikabereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.”
Mako 4:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Teererai munzwe, Mukushi akaenda kundokusha mbeu. Paakanga achikusha dzimwe mbeu dzakandowira munzira, shiri ndokuuya dzikadzidya. Dzimwe dzakandowira parukangarahwe padzakashaya ivhu rakadzika; dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. Kuzoti zuva rakwira dzakapiswa nezuva, sezvo dzakanga dzisina midzi, dzakashwauruka. Dzimwe mbeu dzakandowira muminzwa; minzwa yakakura ikadzivhunga dzikasaita vana. Dzimwewo dzakandowira muvhu rakanaka dzikamera dzikakura ndokuberekana, dzimwe ndokuita makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu dzimwewo zana.”
Mako 4:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tererai: Mukushi wakaɓuɗa kundokusha. Wakati acikusha, dzimŋe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikaʋuya dzikadzidya. Dzimŋe dzakawira parukaŋgarabge, padzakaŋga dzisinevu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakaŋga dzisinevu rakadzika; asi zuʋa rakati raɓuɗa, dzikapiswa; dzikawoma, nokuti dzakaŋga dzisinomudzi. Dzimŋe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivuŋga, dzikasaɓereka ɀiɓereko. Dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikaɓereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.
Mako 4:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)