Mako 4:26-32
Mako 4:26-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei. Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura. Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.” Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure? Hwakafanana netsanga yemasitadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu. Asi kana yadyarwa, inokura igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”
Mako 4:26-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakadaizvi, hwakaita somunhu anomwaya mbeu muvhu. Angavate zvake usiku, masikati achimukawo, asi mbeu iya inomera ichitokura, iye asingambozivi kuti zvinoitika sei. Zvinongoitika pachazvo zvoga kuti ivhu rinobereka zvirimwa, pokutanga nhungo, teverei hura, ndokuzouya koroni yakakora pahura dziya. Zvino kana koroni yaibva, anobva apinza jeko kuicheka, nokuti kukohwa kwasvika.” Akatizve, “Umambo hwaMwari tingauenzanise neiko? Uye tingahufananidze nomuenzanisoiko? Hwakaita setsanga yamasitadhi yokuti painodyarwa muvhu, inenge iri duku duku pane mbeu dzose dzapasi pose. Asi kana yadyarwa inokura kwazvo kudarika magwenzi ose. Inoita mapazi makuru, zvokuti shiri dzedenga dzinogona kuvaka matendere adzo mumumvuri wayo.”
Mako 4:26-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana nomunhu anodyara mbeu muvhu, akavata, akamuka, usiku namasikati; mbeu inomera, ichikura, iye asingazivi kuti zvinoitika sei; ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura. Kana yaibva, pakarepo anocheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.” Zvino akati, “Ushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahuenzanisira nomufananidzo upiko? Hwakafanana netsanga yemasitadhi, iyo kana ichidyarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika; asi kana yadyarwa, inomera, ichiva huru kumiriwo yose ichiita matavi makuru, akadaro kuti shiri dzedenga dzinovakira matendere adzo imomo.”
Mako 4:26-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakadaizvi, hwakaita somunhu anomwaya mbeu muvhu. Angavate zvake usiku, masikati achimukawo, asi mbeu iya inomera ichitokura, iye asingambozivi kuti zvinoitika sei. Zvinongoitika pachazvo zvoga kuti ivhu rinobereka zvirimwa, pokutanga nhungo, teverei hura, ndokuzouya koroni yakakora pahura dziya. Zvino kana koroni yaibva, anobva apinza jeko kuicheka, nokuti kukohwa kwasvika.” Akatizve, “Umambo hwaMwari tingauenzanise neiko? Uye tingahufananidze nomuenzanisoiko? Hwakaita setsanga yamasitadhi yokuti painodyarwa muvhu, inenge iri duku duku pane mbeu dzose dzapasi pose. Asi kana yadyarwa inokura kwazvo kudarika magwenzi ose. Inoita mapazi makuru, zvokuti shiri dzedenga dzinogona kuvaka matendere adzo mumumvuri wayo.”
Mako 4:26-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari bgakafanana nomunhu unodɀara mbeu muvu, akaʋata, akamuka, ʋusiku namasikati; mbeu inomera, icikura, iye asiŋgaziʋi kuti ɀinoitika sei; ivu rinoŋgoɓereka haro, pakutaŋga cipande, pashure hura, pashure ɀiyo ɀakakora pahura. Kana ɀiɓereko ɀaibva, pakarepo unoceka neɓaŋga, nokuti kuceka kwaȿika. Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari ticabgufananidza neiko? Ticabguenzanisira nomufananidzo upiko? Bgakafanana netsaŋga yemastarda, iyo kana icidɀarwa muvu iɗuku kumbeu dzose dzapanyika; asi kana yadɀarwa, inomera, iciʋa huru kumiriʋo yose iciita mataʋi makuru, akaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinogara pamumvuri wayo.