Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 4:10-41

Mako 4:10-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu. Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo kuitira kuti, “ ‘zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa; uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa; kana kuti vangatendeuka uye vakaregererwa!’ ” Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo? Murimi anokusha shoko. Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo. Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarahwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro. Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa. Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko; asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuvo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko. Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.” Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here? Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena. Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Chiyero chamunoshandisa, ndicho chamuchayerwawo nacho kunyange zvakapfuurisa. Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.” Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei. Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura. Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.” Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure? Hwakafanana netsanga yemasitadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu. Asi kana yadyarwa, inokura igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.” Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose sezvavaigona kunzwisisa. Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose. Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi.” Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo. Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura. Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?” Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru. Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?” Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 4

Mako 4:10-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akati ari oga, vakanga vanaye vane gumi navaviri vakamubvunza zvemifananidzo. Akati kwavari, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari, asi kuna ava, vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo, kuti, kuona vaone, asi varege kuonesesa, nokunzwa vanzwe, asi varege kunzwisisa, kuti zvimwe varege kutendeuka, vakaregererwa zvivi zvavo.” Zvino akati kwavari, “Hamuzivi here mufananidzo uyu? Muchaziva seiko mifananidzo yose? Mukushi ndiye anokusha shoko. Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya, ndokubvisa shoko rakakushwa mavari. Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro, asi havana mudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku; pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa. “Vamwe vanokushwa muminzwa, ndivo vanonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma, nokuchiva zvimwe, kunopinda, kuchivhunga shoko, rikashaiwa zvibereko. “Vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, vakarigamuchira, vakabereka, mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana.” Zvino akati kwavari, “Mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu, kana pasi pomubhedha here? Hausipo kuti uiswe pachigadziko here? Nokuti hapana chinhu chakavanzika chisingazooneswi, hapana chavigwa chisingazobudi pachena. Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Zvino akati kwavari, “Chenjerai zvamunonzwa. Chiero chamunoera nacho, nemi muchaerwa nacho; mukawedzerwa. Nokuti uya ane chaanacho achapiwa, asi uya asina, achatorerwa kunyangwe nechaanacho.” Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana nomunhu anodyara mbeu muvhu, akavata, akamuka, usiku namasikati; mbeu inomera, ichikura, iye asingazivi kuti zvinoitika sei; ivhu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura. Kana yaibva, pakarepo anocheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.” Zvino akati, “Ushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahuenzanisira nomufananidzo upiko? Hwakafanana netsanga yemasitadhi, iyo kana ichidyarwa muvhu iduku kumbeu dzose dzapanyika; asi kana yadyarwa, inomera, ichiva huru kumiriwo yose ichiita matavi makuru, akadaro kuti shiri dzedenga dzinovakira matendere adzo imomo.” Akasireva shoko kwavari nemifananidzo mizhinji yakadaro, pavaigona kunzwa napo. Haana kutaura navo kunze kwemifananidzo, asi waizodudzira vadzidzi vake zvose vari voga. Zvino nezuva iro, ava madekwana, akati kwavari, “Ngatiyambukire mhiri.” Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye muigwa akangodaro; mamwe magwa akanga aiva naye. Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova achipinda muigwa, rikanga roda kuzara. Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?” Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikame!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo. Zvino akati kwavari, “Munotyireiko kudaro? Hamuna kutenda here?” Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, “Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 4

Mako 4:10-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kuzoti ava oga, vakanga vanaye pamwechete navane gumi navaviri vakamubvunza nezvemienzaniso. Iye ndokuti kwavari, “Imi makapiwa zvakavanzika zvoumambo hwaMwari asi kune vokunze zvose zvinopiwa nemienzaniso, kuti, “Kutarisisa vatarisise zvavo asi vasina zvavanoona. Kuteerera vateererese zvavo asi vasinganzwisisi nokuti vangadaro vakapinduka vakazoregererwa.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Ko, hamuna kunzwisisa muenzaniso uyu here? Ko zvino muchazonzwisisa sei mienzaniso yose. Mukushi anomwaya izwi. Vari munzira munokushwa izwi, ndivo vaya vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya obvisa izwi rakushwa mavari. Ndizvozvo zvimwechete navakakushwa parukangarahwe, vanoti kana vanzwa izwi vanobva varigamuchira pakarepo norufaro; asi havana midzi mavari, vanongovapo kwechinguvana chete. Zvino kana dambudziko nokushushirwa izwi zvauya vanobva vatsauka pakarepo. Vanokushwa muminzwa ndivo vaya vanonzwa izwi, asi kuzvidya mwoyo nezvapasi pano nokutorwa mwoyo noupfumi, uyezve ruchiva rwezvimwe zvinhu, zvinopinda zvovhunga izwi, rokundikana kubereka michero. Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vaya vanonzwa shoko nokurigamuchira nokubereka michero, dzimwe makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe zana.” Akatizve kwavari, “Ko mwenje unounzirwa kuti ukwidibirwe nedengu here kana kuti uiswe pasi pomubhedha here? Handiti kuti ugoiswa pachidzimikiro? Chinhu chose chakavanzika chakavanzirwa kuti chizoburitswa pachena; hakunawo chinhu chakavigwa chisingazobudi pachena. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Akati kwavari, “Nyatsochenjerai zvamuri kunzwa: chiereso chamunoera nacho, ndicho chamuchaererwawo nacho, uye muchapamidzirwa. Nokuti uyo anazvo achawedzerwa, nouyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa.” Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakadaizvi, hwakaita somunhu anomwaya mbeu muvhu. Angavate zvake usiku, masikati achimukawo, asi mbeu iya inomera ichitokura, iye asingambozivi kuti zvinoitika sei. Zvinongoitika pachazvo zvoga kuti ivhu rinobereka zvirimwa, pokutanga nhungo, teverei hura, ndokuzouya koroni yakakora pahura dziya. Zvino kana koroni yaibva, anobva apinza jeko kuicheka, nokuti kukohwa kwasvika.” Akatizve, “Umambo hwaMwari tingauenzanise neiko? Uye tingahufananidze nomuenzanisoiko? Hwakaita setsanga yamasitadhi yokuti painodyarwa muvhu, inenge iri duku duku pane mbeu dzose dzapasi pose. Asi kana yadyarwa inokura kwazvo kudarika magwenzi ose. Inoita mapazi makuru, zvokuti shiri dzedenga dzinogona kuvaka matendere adzo mumumvuri wayo.” Nemienzaniso mizhinji yakadai aivataurira izvi maererano nezvavaikwanisa kubata. Haaimbotaura kwavari asingashandisi mienzaniso. Asi pavainge vava voga aizotsanangura zvose kuvadzidzi vake. Kuzoti ava manheru ezuva rakarero akavati, “Ngatichiyambukirai mhiri.” Vakasiya vanhu vazhinji vaya, vakamutora voenda naye ari mugwa sezvaakanga arimo nakare. Kwakanga kuina mamwe magwa aiva naye. Ipapo dutu guru rakamuka, mafungu akaroverera pagwa achipindamo zvokuti igwa rakanga rotoda kuzara nemvura. Asi iye akanga ari mugwa necheshure akakotsira akatsamira pamutsago. Vadzidzi vake vakumumutsa vachiti kwaari, “Mudzidzisi hamuna hanya here kuti tava kupera?” Jesu akamuka akakarira dutu achiti kugungwa, “Nyarara! Udzikame!” Dutu rakati zi–i kunyarara, kukabva kwanyatsoti dzikadzika. Zvino Jesu akati kwavari, “Sei muchitya kudai? Hamuna chitendero here?” Ivo vakabatwa nokutya kukuru, ndokutaurirana vachiti, “Ko uyu ndianiko uyu anoteererwa kunyange nemhepo negungwa?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 4

Mako 4:10-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakati ari oga, ʋakaŋga ʋanaye naʋanegumi naʋaʋiri ʋakamubvunza ɀemifananidzo. Akati kwaʋari: Imi makapiwa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgaMŋari, asi kunaaʋa, ʋari kunze, ɀose ɀinoitwa nemifananidzo. Kuti kuʋona ʋaʋone, asi ʋarege kuʋonesesa, nokunzwa ʋanzwe, asi ʋarege kunzwisisa, kuti ɀimŋe ʋarege kutendeʋuka, ʋakaŋganwirwe. Ɀino akati kwaʋari: Hamuziʋi here mufananidzo uyu? Mucaziʋa seiko mifananidzo yose? Mukushi unokusha shoko. Ʋari munzira panokushwa shoko ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa, pakarepo Satani unoʋuya, ndokubvisa shoko rakakushwa mukati maʋo. Naʋakakushwa parukaŋgarabge ʋakaita saiɀoɀo, ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa shoko rakakushwa, ʋanorigamucira pakarepo nomufaro, asi haʋanomudzi maʋari, asi ndiʋo ʋeciŋguʋa ciɗuku; pashure kana kutambudzika nokuʋeŋgwa ɀiciʋuya nokuɗa kweshoko, pakarepo ʋanogumburwa. Ʋamŋe ʋanokushwa muminzwa, ndiʋo ʋanonzwa shoko, asi kufuŋganya kwenyika, nokunyeŋgera kwefuma, nokuciʋa ɀimŋe, ɀinopinda, ɀicivuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko. Ʋakakushwa muvu rakanaka, ndiʋo ʋanonzwa shoko, ʋakarigamucira, ʋakaɓereka, mumŋe makumi matatu, mumŋe makumi matanhatu, mumŋe zana. Ɀino wakati kwaʋari: Mŋenje uri’po kuti uiswe pasi peɗeŋgu, kana pasi pomubeda here? Hauzi’po kuti uiswe pacigadziko here? Nokuti hapanecinhu cakaʋanzika cisiŋgazoʋoneswi, hapana‐cakaʋigwa cisiŋgazoɓuɗi pacena. Kana munhu anenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Ɀino akati kwaʋari: Cenjerai ɀamunonzwa. Ciyero camunoyera naco, nemi mucayerwa naco; mukawedzerwa. Nokuti unaco ucapiwa, asi usina, ucatorerwa necaanaco. Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari bgakafanana nomunhu unodɀara mbeu muvu, akaʋata, akamuka, ʋusiku namasikati; mbeu inomera, icikura, iye asiŋgaziʋi kuti ɀinoitika sei; ivu rinoŋgoɓereka haro, pakutaŋga cipande, pashure hura, pashure ɀiyo ɀakakora pahura. Kana ɀiɓereko ɀaibva, pakarepo unoceka neɓaŋga, nokuti kuceka kwaȿika. Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari ticabgufananidza neiko? Ticabguenzanisira nomufananidzo upiko? Bgakafanana netsaŋga yemastarda, iyo kana icidɀarwa muvu iɗuku kumbeu dzose dzapanyika; asi kana yadɀarwa, inomera, iciʋa huru kumiriʋo yose iciita mataʋi makuru, akaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinogara pamumvuri wayo. Akasireʋa shoko kwaʋari nemifananidzo mizhinji yakaɗaro, paʋaigona kunzwa napo. Haana‐kutaura naʋo kunze kwemifananidzo, asi waiɗudzira ʋadzidzi ʋake ɀose ʋari ʋoga. Ɀino nezuʋa iro, aʋa maɗekwana, wakati kwaʋari: Ŋgatiyambukire mhiri. Ʋakasiya ʋanhu ʋazhinji, ʋakaenda naye mugwa akaŋgoɗaro; mamŋe magwa akaŋga aiʋa naye. Ɀino ɗutu guru remhepo rakamuka, mafuŋgu emvura akaroʋa mugwa, rikaŋga roɗo‐kuzara. Asi iye wakaŋga ari mushure megwa aʋete pamutsago; ʋakamumutsa, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, hamunehanya kunyaŋge tofa here? Akamuka, akaraira mhepo, akati kuguŋgwa: Nyarara, ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukaʋa’po. Ɀino akati kwaʋari: Munotyireiko kuɗaro? Hamunokutenda here? Ʋakatya nokutya kukuru, ʋakataurirana ʋaciti: Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyaŋge neguŋgwa ɀinomuterera?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 4

Mako 4:10-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)