Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 14:22-52

Mako 14:22-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji. Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva randichazochinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.” Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi. Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.’ Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea imi mozotevera.” Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.” Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vamwe vose vakadarowo. Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.” Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika. Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.” Akati aenda chinhambwe zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti kana zvichibvira nguva iyi ipfuure, ibve kwaari. Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Simoni, wavata here? Hauna kugona kurinda kweawa imwe chete here? Rindai munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.” Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo. Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari. Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi. Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!” Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru. Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.” Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda. Vanhu vakabata Jesu vakamusunga. Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake. Jesu akati, “Ko, ndiri kutungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuti muzondibata? Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.” Ipapo vose vakamusiya vakatiza. Rimwe jaya, rakanga rakapfeka nguo yakaisvonaka, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata, rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 14

Mako 14:22-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokuvapa, achiti, “Gamuchirai, ichi uyu muviri wangu.” Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri. Akati kwavari, “Ichi iropa rangu rechitenderano itsva, rinodururirwa vazhinji. “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handichazonwizve muchero womudzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muushe hwaMwari.” Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi. Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.’ Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.” Zvino Petirosi akati kwaari, “Kunyange vose vakagumburwa, ini kwete.” Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti nhasi, usiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Asi iye akareva nokusimbisa, achiti, “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambii.” Navose vakadarowo. Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichindonyengetera.” Akatora Petirosi naJakobho naJohani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa. Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.” Akapfuura mberi zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti, kana zvichibvira, nguva ipfuure kwaari. Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.” Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwechete here? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haine simba.” Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko iwayo. Akaendazve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura. Akaendazve rwechitatu, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; zvaringana, nguva yasvika, tarirai, Mwanakomana womunhu woiswa mumaoko avatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.” Pakarepo, achataura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji vakabata minondo netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navanyori navakuru vakuru. Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye, mumubate muende naye makamusunga zvakasimba.” Zvino akati asvika, pakarepo akaswedera kwaari, akati, “Rabhi!” Akamutsvoda kwazvo. Ipapo vakaisa maoko kwaari, vakamubata. Zvino mumwe wavakanga vamirepo, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. Ipapo Jesu akapindura, akati kwavari, “Mabuda kuzondibata neminondo netsvimbo, sendiri gororo here? Ndakanga ndinemi mazuva ose, ndichikudzidzisai mutemberi, mukarega kundibata, asi izvi zvaitwa, kuti Magwaro aitike.” Ipapo vakamusiya vose, vakatiza. Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakapfeka mucheka bedzi pamuviri, vakaribata; asi rakasiya mucheka, rikatiza risina nguo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 14

Mako 14:22-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano, rinodeurirwa vazhinji. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handichazonwizve waini yomugirepisi kusvikira zuva randichanwa yava waini itsva muumambo hwaMwari.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda voenda kugomo reMiorivhi. Jesu akazoti kwavari, “Mucharasiswa mose nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi, hwai dzigopararira.’ Asi mushure mokunge ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” Pita akati kwaari, “Kunyange vamwe vose vangarasiswe zvavo asi ini kwete.” Jesu ndokuti kwaari, “Zviro kwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi, iwe uchandiramba katatu jongwe risati rarira kaviri.” Asi iye akabva atosimbisisa kwazvo achiti, “Kana zvazvo ndikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Vamwe vose vakadarowo. Vakaenda panzvimbo inonzi Getsemani. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndimbonamata.” Akatora Pita, naJemusi naJohani. Akatanga kubatwa nokutya kukuru nokusuruvara. Akati kwavari, “Ini ndadumbirwa zvokunge ndichafa zvangu. Sarai pano murindire.” Akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi akanamata kuti kana zvichigoneka zvaizoitika nguva iyi zvimupfuure zvake. Akati, “Abba, baba, kwamuri zvose zvinogoneka, bvisai mukombe wamatambudziko uyu pandiri, asi kusave kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Akadzoka akavawana vatokotsira ndokuti kuna Pita, “Nhai Simoni watokotsira zvako here? Watadza kugarira kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi muviri wakarukutika.” Akasudurukazve, akanamata achitaura mazwi mamwecheteyo. Akadzokazve ndokuvawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru uye vakashaya chokumupindura. Akadzokazve kechitatu akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu nokuzorora nhai? Zvakwana. Nguva yatosvika. Mwanakomana womunhu ava kuzoiswa mumaoko avatadzi. Simukai tiende, houno anondipandukira wava kusvika.” Pakarepo paakanga achiri kutaura, Judhasi mumwe wavane gumi navaviri akabva asvika aine chikwata chavanhu vakanga vaina mapakatwa netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru. Zvino mupanduki uya akanga avapa chiratidzo chokuti, “Wandinotsvoda ndiyeyo, mubatei muende naye makamuchengetesa.” Naizvozvo kuzoti asvika akabva aenda kwaari oti, “Tikukwaziseika Mudzidzisi,” ndokumutsvoda. Vakabva vati Jesu dzvi, kumubata. Zvino mumwe wavakanga vamirepo akati bakatwa rake wee ndokuvaura nzeve yomuranda womupristi mukuru, akamudimura nzeve. Jesu akati kwavari, “Nhaimi inga matouya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuzobata gororo? Zuva nezuva ndainge ndinemi muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata? Regai Magwaro azadzikiswe.” Vose vakabva vamusiya votiza. Mumwe mukomana akamutevera akafuka jira rerineni chete pamuviri wake. Vakamubata, asi akasiya jira riya rerineni otiza asina chaakapfeka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 14

Mako 14:22-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋakati ʋacidya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa, aciti: Torai, ici ndiwo muʋiri waŋgu. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, ʋakanwa ʋose pauri. Akati kwaʋari: Ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rinoɗururirwa ʋazhinji. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handicazonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaMŋari. Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa, ʋakaenda kugomo reMiorivi. Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai acaparadzwa. Asi kana ndamutswa, ndicakutuŋgamirirai Garirea. Ɀino Petro akati kwaari: Kunyaŋge ʋose ʋakagumburwa, ini kwete. Jesu akati kwaari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, kuti nhasi, ʋusiku bguno, joŋgwe risati rarira kaʋiri, ucandiramba katatu. Asi iye wakareʋa nokusimbisa, aciti: Kunyaŋge ndikafanira kufa nemi, handiŋgatoŋgokurambiyi ini. Naʋose ʋakaɗaro ʋo. Ɀino ʋakaȿika panɀimbo inonzi Getsemani, akati kuʋadzidzi ʋake: Garai pano, ini ndicindonyeŋgetera. Akatora Petro naJakobo naJohane, akataŋga kuvunduka kwaɀo nokuɗumbirwa. Akati kwaʋari: Mŋeya waŋgu uneshuŋgu kwaɀo, kuȿikira pakufa; garai pano murinde. Akapfuʋura mberi ɀishoma, akawira pasi, akayeŋgetera kuti, kana ɀicibvira, ŋguʋa ipfuʋure kwaari. Akati: Aba, Ƃaɓa, ɀose ɀinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuɗa kwaŋgu ŋgakurege kuitwa, asi kuɗa kwenyu. Ɀino akaȿika, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Simoni, uʋete here? Wakaŋga usiŋgagoni kurinda ŋguʋa imŋe cete here? Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba. Akaenda ɀe, akanyeŋgetera acireʋa mashoko iwayo. Akaenda ɀe, akaʋawana ʋaʋata, nokuti meso aʋo akaŋga aɓatwa nehope kwaɀo; ʋakasaziʋa ɀaʋaŋgamupindura. Akaenda ɀe rwecitatu, akati kwaʋari: Ciʋatai henyu, muzorore; ɀariŋgana, ŋguʋa yaȿika, tarirai, Mŋanakomana womunhu woiswa mumaʋoko aʋatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwaʋari waʋa pedyo. Pakarepo, acataura, Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji ʋakaɓata minondo netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru. Ɀino iye, wakamupandukira, wakaŋga aʋapa ciratidzo, aciti: Uyo wandinoȿeta ndiye, mumuɓate muende naye makamusuŋga ɀakaɓata. Ɀino wakati aȿika, pakarepo akasweɗera kwaari, akati: Rabi! Akamuȿeta ɀikuru. Ipapo ʋakaisa maʋoko kwaari, ʋakamuɓata. Ɀino mumŋe waʋakaŋga ʋamire’po, wakavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake. Ipapo Jesu akapindura, akati kwaʋari: Maɓuɗa kuzondiɓata neminondo netȿimbo, sendiri gororo here? Ndakaŋga ndinemi mazuʋa ose, ndicikudzidzisai mutembere, mukarega kundiɓata, asi iɀi ɀaitwa, kuti Magwaro aitike. Ipapo ʋakamusiya ʋose, ʋakatiza. Ɀino rimŋe jaya rakamuteʋera, rakapfeka muceka ɓedzi pamuʋiri, ʋakariɓata; asi rakasiya muceka, rikatiza risineŋguʋo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 14

Mako 14:22-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)