Mako 14:17-26
Mako 14:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ava madekwana, Jesu akasvika navane gumi navaviri. Vakati vagere pakudya, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira, mumwe ari kudya neni.” Vakasuwiswa nazvo, mumwe nomumwe akati kwaari, “Zvirokwazvo, kwete ini?” Iye akapindura akati, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, iye anoseva chingwa chake mundiro neni. Mwanakomana woMunhu achaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvaiva nani kwaari dai akanga asina kuzvarwa.” Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji. Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva randichazochinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.” Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.
Mako 14:17-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ava madekwana, akauya navane gumi navaviri. Zvino vakati vagere pakudya, Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira, iye anodya neni.” Ipapo vakatanga kuva neshungu, mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?” Akati kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, anoisa ruoko neni mundiro. Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.” Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokuvapa, achiti, “Gamuchirai, ichi uyu muviri wangu.” Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri. Akati kwavari, “Ichi iropa rangu rechitenderano itsva, rinodururirwa vazhinji. “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handichazonwizve muchero womudzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muushe hwaMwari.” Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi.
Mako 14:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ava manheru akauya navane gumi navaviri. Pavakanga vagere pakudya Jesu akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu ari kudya neni, achanditengesa.” Vakatanga kusuruvara. Mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?” Iye ndokuti kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri wandiri kuseva naye mundiro.” Nokuti, zvechokwadi, Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu, zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake. Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano, rinodeurirwa vazhinji. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handichazonwizve waini yomugirepisi kusvikira zuva randichanwa yava waini itsva muumambo hwaMwari.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda voenda kugomo reMiorivhi.
Mako 14:17-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Aʋa maɗekwana, akaʋuya naʋanegumi naʋaʋiri. Ɀino ʋakati ʋagere pakudya, Jesu akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira, iye unodya neni. Ipapo ʋakataŋga kuʋa neshuŋgu, mumŋe nomumŋe akati kwaari: Ndini here? Akati kwaʋari: Ndomumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, unoisa ruʋoko neni mundiro. Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa. Ɀino ʋakati ʋacidya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa, aciti: Torai, ici ndiwo muʋiri waŋgu. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, ʋakanwa ʋose pauri. Akati kwaʋari: Ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rinoɗururirwa ʋazhinji. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handicazonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaMŋari. Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa, ʋakaenda kugomo reMiorivi.
Mako 14:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)