Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 13:1-26

Mako 13:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Paakanga ava kubuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati, “Mudzidzisi, tarirai kukura kwakaita matombo! Iko kunaka kwedzimba!” Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga vakati, “Tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichaitika rini? Uye chii chichava chiratidzo chokuti zvose zvava pedyo nokuzozadziswa?” Jesu akati kwavari, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai. Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji. Pamunonzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, musavhunduka. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika, asi kuguma kuchazosvika hako. Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwamarwadzo okusununguka. “Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari. Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose. Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene. “Mukoma achaurayisa mununʼuna, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa. “Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kana kupinda mumba kuti abudise chinhu chipi zvacho chiri mumba. Munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kumba kuti andotora jasi rake. Zvichava zvinotyisa zvakadiniko kuvakadzi vane mimba navanoyamwiswa mumazuva iwayo! Nyengeterai kuti izvi zvirege kuitika munguva yechando, nokuti ayo achava mazuva okutambudzika asina kumbovapo kubva pakutanga, Mwari paakasika nyika, kusvikira zvino, uye haachazombovapozve. Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake. Panguva iyo kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarirai, uyo ari apo!’ musazvitenda. Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana zvaigoneka. Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika. “Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, “ ‘zuva richasvibiswa, uye mwedzi hauchazovhenekeri; nyeredzi dzichawa kudenga, uye masimba okudenga achadengenyeka.’ “Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 13

Mako 13:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akati achibuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!” Jesu akati kwaari, “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.” Zvino akati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netemberi, Petirosi, naJakobho, naJohani, naAndireya vakamubvunza vari voga, vachiti, “Tiudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?” Zvino Jesu akatanga kuvaudza, akati, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.’ Kana muchinzwa zvokurwa, nenyaya yokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, ushe huchamukira ushe; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo. “Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pamadzishe namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari. Vhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose. Kana vachienda nemi kunotongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamusirimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene. Mukoma achaisa munun'una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsunga kusvikira pakuguma achaponeswa. “Zvino kana muchiona nyangadzi yokuparadza imire paisina kufanira kumira anorava ngaacherekedze, vari muJudhea ngavatizire kumakomo; ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make. Nowari mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake. Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo! Nyengeterai kuti zvirege kuva panguva yechando. Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. “Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa vaakasanangura, akatapudza mazuva iwayo. “Zvino kana munhu achiti kwamuri, ‘Tarirai Kristu ari pano, tarirai, ari apo,’ regai kutenda. Nokuti vanaKristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira. Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvose! “Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa. Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya mumakore nesimba guru nokubwinya.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 13

Mako 13:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Paaibuda muTemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi tarisai muone kunaka kwamatombo aya nedzimba dzacho.” Jesu akamupindura achiti, “Uri kuona here mazimba mahombe aya? Hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.” Paakanga akagara pasi pagomo reMiorivhi rakatarisana neTemberi, Pita naJemusi naJohani naAndrea vakamubvunza vari pachavo vachiti, “Tiudzeiwo kuti izvi zvichaitika rini uye kuti chiratidzo chokuti zvose izvi zvava kuda kuitika chichava chei?” Ipapo Jesu akatanga kuvaudza achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. Kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye,’ vachirasisa vazhinji. Kana monzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo musanyanye kutya. Izvi zvinofanira kuti zviitike, asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo; kuchava nokudengendeka kwapasi, munzvimbo dzakasiyana–siyana; kuchava nedzinzara. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. Asi imi zvingwarirei nokuti vachakukwidzai pamatare, uye mucharohwa mumasinagogu; muchamira pamberi pavatongi namadzimambo pamusana pangu kuti chive chapupu kwavari. Shoko Rakanaka rinofanira kuti ritange raparidzwa kumarudzi ose. Kana voenda nemi, vava kundokukwidzai pamatare, musazvinetse nezvokuti muchazondotaurei; asi zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, taurai izvozvo, nokuti hamusirimi munenge motaura asi Mweya Mutsvene. Mukoma kana munun'una vachacherana kuti mumwe auraiwe, baba vachadarowo kumwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo vachivauraisa Uye muchazovengwa navanhu vose pamusana pangu. Uyo anotsungarara kusvikira kumagumo ndiye achaponeswa. “Asi kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chomira pachisingafaniri kumira, anoverenga ngaanzwisisewo, saka vari Judhea ngavatizire kumakomo. Anenge ari pamusoro pemba, ngaarege kuburukira pasi kuti apinde mumba make kundotora chinhu. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jazi rake. Hameno zvavo vanenge vane pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti zvisaitike panguva yechando. Nokuti pamazuva iwayo pachava nenhamo isati yamboitika kubvira pakutanga kwokusikwa kwezvinhu zvakasikwa naMwari kusvika pari nhasi, uye hazvichazomboitikazve. Dai kuri kuti Tenzi haana kutapudza zvake mazuva iwayo, hapana munhu airarama, asi pamusana pavasarudzwi vaakasarudza akatapudza mazuva acho. “Panguva iyoyo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu! Kana kuti ari koko!’ Musazvitende. Kuchamuka vana kristu venhema navaporofita venhema vachionesa zviratidzo namashura kuti vatsautse vasarudzwi, kana zvichigoneka. Asi, imimi chichenjerai, ndafanokuudzai zvinhu zvose. “Asi mumazuva iwayo, mushure menhamo iyoyo zuva richaora, mwedzi ucharega kuvhenekera, uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga, uye masimba omudenga achazungunutswa. Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba guru nembiri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 13

Mako 13:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakati aciɓuɗa mutembere, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabge, kunaka! nedzimba kunaka! Jesu akati kwaari: Unoʋona dzimba idzi huru? Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi. Ɀino wakati agere pagomo reMiorivi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobo, naJohane, naAndrea ʋakamubvunza ʋari ʋoga, ʋaciti: Tiʋudzei kuti iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipiko, kana iɀoɀi ɀose ɀoɗo‐kuitwa? Ɀino Jesu akataŋga kuʋaʋudza, akati: Cenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu, ʋacitsausa ʋazhinji. Kana mucinzwa ɀokurwa, neguhu rokurwa, musavunduka; iɀoɀo ɀinofanira kumboitika; asi kuguma kucigere kuȿika. Nokuti rudzi rucamukira rudzi, ʋushe bgucamukira ʋushe; kuɗeŋgenyika kwenyika kucaʋa’po kunedzimŋe nɀimbo; nenzara dzicaʋa’po. Ndiko kutaŋga kwenhamo. Ɀicenjerei imi, nokuti ʋacakuisai kumakurukota, ʋuye mucarobga mumasinagoge, mucaiswa pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, ciʋe capupu kwaʋari. NeEvaŋgeri inofanira kutaŋga kumboparidzirwa marudzi ose. Kana ʋacienda nemi kukutoŋgwa, ʋacikuisai kumakurukota, musambofuŋganya ɀamucataura, asi taurai camuneŋge mapiwa neŋguʋa iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndi Mŋeya Mutȿene. Mukoma ucaisa munuŋuna kurufu, naɓaɓa mŋana waʋo; naʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋurayisa. Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋga kuȿikira pakuguma ucaponeswa. Ɀino kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza imire paisina‐kufanira kumira (unoraʋa ŋgaacerekedze), ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; uri pamsoro peɗeŋga reimba ŋgaarege kuɓuruka, kana kupinda kuzotora cinhu mumba make. Nouri mumunda ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake. Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo! Nyeŋgeterai kuti ɀirege kuʋa pacando. Nokuti namazuʋa iwayo kucaʋa’po kutambudzika, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwokusikwa kwakasikwa naMŋari, kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po. Ƌai Ishe asaitapudza mazuʋa iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa ʋaakasanaŋgura, wakatapudza mazuʋa iwayo. Ɀino kana munhu aciti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda. Nokuti ʋanaKristu ʋenhema ʋacamuka, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaita ɀiratidzo neɀinoshamisa, kuti ʋatsause ʋakasanaŋgurwa, kana ɀicibvira. Asi cenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuʋudzai ɀose! Asi namazuʋa iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuʋa ricaȿiɓa, Nomŋedzi haucazobginyi, nenyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba ari kuɗeŋga acazunuŋguswa. Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya mumakore nesimba guru nokubginya.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 13

Mako 13:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)