Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 11:1-25

Mako 11:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pavakanga vava kusvika kuJerusarema uye vasvika kuBhetifage neBhetani paGomo reMiorivhi, Jesu akatuma vaviri vavadzidzi vake, achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu, akasungirirwa ipapo. Mumusunungure mugouya naye pano. Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’ ” Vakaenda vakandowana mwana wembongoro ari kunze munzira yomumusha, akasungirirwa pamukova. Pavakamusunungura, vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?” Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda. Vakauya nembongoro iyi kuna Jesu vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi. Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, vamwe vakawaridza matavi avakanga vatema musango. Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!” “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!” “Hosana kumusoro-soro!” Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri. Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Vadzidzi vake vakamunzwa achidaro. Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga nokutengeserana imomo. Akapidigura tafura dzevaitsinhana mari nezvigaro zvevaitengesa njiva, uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chete mberi. Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti: “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose’? Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ” Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake. Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta. Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi. Petro akarangarira akati kuna Jesu, “Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!” Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu. Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 11

Mako 11:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vakati vachiswedera Jerusaremu, paBhetifage neBhetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake, akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasva nomunhu; muisunungure, mugouya nayo. Kana munhu akati kwamuri, munoitireiko kudaro? Muti, Ishe anoida. Pakarepo achaidzora pano.” Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamusuo, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura. Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari, “Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?” Vakavaudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega. Zvino vakauya nemhuru yembongoro kuna Jesu, vakawarira nguo dzavo pamusoro payo; iye ndokuitasva. Vazhinji vakawarira nguo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema mubundo. Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti, “Hosana, ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe. Ngahukudzwe ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hunouya! Hosana kumusoro-soro!” Ipapo Jesu akapinda Jerusaremu mutemberi; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Bhetania ana vane gumi navaviri. Fume mangwana vakati vachibva Bhetania, akaziya; zvino akati achiona muonde uri kure unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamaonde. Akapindura, akati kwavari, “Kusava nomunhu, anozodya michero pauri nokusingaperi.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. Vakasvika Jerusaremu; akapinda mutemberi, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutemberi. Akadzidzisa, achiti kwavari, “Hakuna kunyorwa here kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose?’ Asi imi makaiita bako ramakororo.” Vapristi vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake. Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, waienda kunze kweguta. Vakati vachipfuura napo mangwanani, vakaona muonde waoma kubva pamidzi. Petirosi akarangarira, akati kwaari, “Rabhi, tarirai muonde wamakatuka waoma.” Jesu akapindura, akati kwavari, “Ivai nokutendeka kuna Mwari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo. Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 11

Mako 11:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvavakanga vava kusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage neBhetania pagomo reMiorivhi; akatuma vamwe vavadzidzi vake vaviri achivati, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Muchangopindamo muchawana gondora redhongi, rakasungirirwa, risina kumbotasvwa nomunhu. Risunungurei muuye naro. Kana munhu akakutii, ‘Muri kuzviitirei?’ Muudzei kuti Tenzi ari kurida; acharidzosa nokukurumidza.” Vakaenda, vakandowana gondora redhongi rakasungirirwa pamusuo nechapanze pedyo nomugwagwa, vakarisunungura. Vamwe vakanga vamirepo vakati kwavari, “Ko ndochii chamavakuita, kusunungura gondora iri redhongi?” Vakavaudza zvakanga zvataurwa naJesu, ndokubva vovarega vachienda zvavo. Zvino vakaenda negondora redhongi riya kuna Jesu vakawarira hanzu dzavo pamusoro paro akabva aritasva. Vazhinji vakawarira hanzu dzavo munzira, vamwe vakawarira mapazu anamashizha avakatemha muminda. Zvino vaifamba vari mberi navaimutevera vakadaidzira vachiti; “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Ngahurumbidzwe umambo hwababa vedu Dhavhidhi. Huri kuuya. Hosana kumusorosoro.” Zvino Jesu akapinda muJerusaremu ndokundopinda muTemberi. Paakapedza kuongorora zvinhu zvose; akabuda oenda Bhetania pamwechete navane gumi navaviri, nokuti kunze kwakanga kwaenda. Fume ramangwana, zvavakanga vachibva kuBhetania akanzwa nzara. Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ndokubva ati kwauri, “Pasazove nomunhu anodya muchero wako narini.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. Vakazosvika kuJerusaremu. Akapinda muTemberi, ndokutangisa kudzinga vanhu vaitengesera muTemberi navaitengamo. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari, nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Uye haana kubvumira munhu kuti apfuure nomuTemberi akatakura chinhu. Akavadzidzisa achiti, “Hazvina kunyorwa here zvichinzi; “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira, yamarudzi ose avanhu, asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakazvinzwa, vakatsvaka nzira yokumupfuudza nayo, nokuti vaimutya pamusana pokuti vanhu vazhinji vakanga vachishamiswa norudzidziso rwake. Kuzoti ava manheru, vakabuda muguta. Fume mangwana, vakapfuura napamuonde uya, vakaona wakaoma nemidzi yose. Pita akayeuka ndokuti, “Mudzidzisi tarisai! Muonde uya wamakarengerera rushambwa wakaoma.” Jesu ndokuvapindura achiti, “Ivai nechitendero muna Mwari. Zvirokwazvo ndinokuudzai kuti, ‘Ani naani anoti kugomo iri simudzwa ukandwe mugungwa,’ asingakahadziki mumwoyo make asi achitenda kuti zvinhu zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, ‘Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato tendai kuti matochipiwa, chichava chenyu. Nguva dzose pamunomira muchinamata, kana pano mumwe wamuine chigumbu naye, muregererei, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo zvikanganiso zvenyu.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 11

Mako 11:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋakati ʋacisweɗera Jerusarema, paBetfage neBetania, pagomo reMiorivi, akatuma ʋaʋiri ʋaʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana mucipinda mauri, mucawana mhuru yemboŋgoro yakasuŋgirwa, isina‐kumbotaȿwa nomunhu; muisunuŋgure, mugoʋuya nayo. Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko kuɗaro? muti: Ishe unoiɗa. Pakarepo ucaitumira ɀe pano. Ʋakaenda, ʋakandowana mhuru yemboŋgoro yakasuŋgirwa kunze pamukoʋa, pamharadzano dzenzira, ʋakaisunuŋgura. Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po, ʋakati kwaʋari: Munoiteiko ɀamunosunuŋgura mhuru yemboŋgoro? Ʋakaʋaʋudza seɀaʋakarairwa naJesu; ʋakaʋarega. Ɀino ʋakaʋuya nemhuru yemboŋgoro kunaJesu, ʋakakandira ŋguʋo dzaʋo pamsoro payo; akagara pamsoro payo. Ʋazhinji ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo panzira, naʋamŋe mashizha aʋakaŋga ʋatema kuɓundo. Aʋo ʋakaŋga ʋacituŋgamira, naʋakaŋga ʋaciteʋera ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana, ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe. ŋgabgukudzwe ʋushe bgaƂaɓa ʋeɗu Davidi, bgunoʋuya! Hosana kumsoro‐soro! Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema mutembere; akati ariŋga‐riŋga ɀinhu ɀose, zuʋa ɀarakaŋga raʋira, akaɓuɗa, akaenda Betania naʋanegumi naʋaʋiri. Fume maŋgwana ʋakati ʋacibva Betania, akaziya; ɀino wakati aciʋona muʋonde uri kure. unamashizha, akaenda’ko, aciti, ɀimŋe uŋgawana cinhu pauri; ɀino aciȿika pauri, haana‐kuwana cinhu, asi mashizha ɓedzi; nokuti yakaŋga isi ŋguʋa yamaʋonde. Akapindura, akati kwauri: Kusaʋa nomunhu, unozodya ɀiɓereko pauri nokusiŋgaperi. Ʋadzidzi ʋake ʋakaɀinzwa. Ʋakaȿika Jerusarema; akapinda mutembere, akataŋga kuɓuɗisa ʋaiteŋgesa, naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa. Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere. Akadzidzisa, aciti kwaʋari: Hakunakunyorwa here kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita ɓako ramakororo. Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatȿaka paʋaŋgamuʋuraya napo; nokuti ʋakaŋga ʋacimutya, nokuti ʋazhinji ʋose ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake. Ɀino, ŋguʋa dzose kana aʋa maɗekwana, waienda kunze kweguta. Ʋakati ʋacipfuʋura napo maŋgwanani, ʋakaʋona muʋonde wawoma kubva pamidzi. Petro akaraŋgarira, akati kwaari: Rabi, tarirai muʋonde wamakatuka wawoma. Jesu akapindura, akati kwaʋari: Iʋai nokutenda kunaMŋari. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe muguŋgwa, asiŋganyunyuti mumŋoyo make, asi acitenda kuti ɀaanoreʋa ɀicaitika, ucaʋa naɀo. Saka ndinoti kwamuri: Ɀinhu ɀose ɀose ɀamunonyeŋgeterera nokukumbira, tendai kuti maɀigamucira, mugoʋa naɀo. Kana mukamira mucinyeŋgetera, kaŋganwirai kana munemhaka nomumŋe, kuti naƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, ʋakukaŋganwirei kuɗarika kwenyu; [

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 11

Mako 11:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)