Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 11:1-25

Mariko 11:1-25 SCLB

Zvavakanga vava kusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage neBhetania pagomo reMiorivhi; akatuma vamwe vavadzidzi vake vaviri achivati, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Muchangopindamo muchawana gondora redhongi, rakasungirirwa, risina kumbotasvwa nomunhu. Risunungurei muuye naro. Kana munhu akakutii, ‘Muri kuzviitirei?’ Muudzei kuti Tenzi ari kurida; acharidzosa nokukurumidza.” Vakaenda, vakandowana gondora redhongi rakasungirirwa pamusuo nechapanze pedyo nomugwagwa, vakarisunungura. Vamwe vakanga vamirepo vakati kwavari, “Ko ndochii chamavakuita, kusunungura gondora iri redhongi?” Vakavaudza zvakanga zvataurwa naJesu, ndokubva vovarega vachienda zvavo. Zvino vakaenda negondora redhongi riya kuna Jesu vakawarira hanzu dzavo pamusoro paro akabva aritasva. Vazhinji vakawarira hanzu dzavo munzira, vamwe vakawarira mapazu anamashizha avakatemha muminda. Zvino vaifamba vari mberi navaimutevera vakadaidzira vachiti; “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Ngahurumbidzwe umambo hwababa vedu Dhavhidhi. Huri kuuya. Hosana kumusorosoro.” Zvino Jesu akapinda muJerusaremu ndokundopinda muTemberi. Paakapedza kuongorora zvinhu zvose; akabuda oenda Bhetania pamwechete navane gumi navaviri, nokuti kunze kwakanga kwaenda. Fume ramangwana, zvavakanga vachibva kuBhetania akanzwa nzara. Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ndokubva ati kwauri, “Pasazove nomunhu anodya muchero wako narini.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. Vakazosvika kuJerusaremu. Akapinda muTemberi, ndokutangisa kudzinga vanhu vaitengesera muTemberi navaitengamo. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari, nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Uye haana kubvumira munhu kuti apfuure nomuTemberi akatakura chinhu. Akavadzidzisa achiti, “Hazvina kunyorwa here zvichinzi; “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira, yamarudzi ose avanhu, asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakazvinzwa, vakatsvaka nzira yokumupfuudza nayo, nokuti vaimutya pamusana pokuti vanhu vazhinji vakanga vachishamiswa norudzidziso rwake. Kuzoti ava manheru, vakabuda muguta. Fume mangwana, vakapfuura napamuonde uya, vakaona wakaoma nemidzi yose. Pita akayeuka ndokuti, “Mudzidzisi tarisai! Muonde uya wamakarengerera rushambwa wakaoma.” Jesu ndokuvapindura achiti, “Ivai nechitendero muna Mwari. Zvirokwazvo ndinokuudzai kuti, ‘Ani naani anoti kugomo iri simudzwa ukandwe mugungwa,’ asingakahadziki mumwoyo make asi achitenda kuti zvinhu zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, ‘Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato tendai kuti matochipiwa, chichava chenyu. Nguva dzose pamunomira muchinamata, kana pano mumwe wamuine chigumbu naye, muregererei, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo zvikanganiso zvenyu.’ ”

Verenga chikamu Mariko 11