Mako 10:35-45
Mako 10:35-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.” Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.” Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?” Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo, asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.” Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwira Jakobho naJohani. Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi neveDzimwe Ndudzi vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo. Hazvina kudaro pakati penyu. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose. Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
Mako 10:35-45 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya, kwaari, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.” Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakati kwaari, “Tigarisei mukubwinya kwenyu, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe.” Asi Jesu akati kwavari, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?” Vakati kwaari, “Tingagona.” Jesu akati kwavari, “Muchanwira henyu mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.” Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohani. Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari, “Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni vanovaita mukundo navakuru vakuru vano vanovaitira zvesimba. “Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu; ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose. “Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”
Mako 10:35-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jemusi naJohani vanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu vakati, “Mudzidzisi tinoda kuti mutiitirewo chero chatinenge takukumbirai.” Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Ivo vakati kwaari, “Tibvumirei kuti, mumbiri yenyu, tizogara takati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akavapindura achiti, “Hamuzivi zvamurikukumbira. Munogona here kunwa mukombe wandinonwa ini kana kuombekwa noruombeko rwandinoombekwa narwo ini?” Ivo vakati kwaari, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Hongu mukombe wandinonwa ini, muchanwa noruombeko rwandinoombekwa narwo muchaombekwawo narwo; asi zvokugara kurudyi rwangu kana kuti kuruboshwe rwangu handisirini ndinozvipa, ndokweavo vakakugadzirirwa.” Zvino vamwe gumi vaya, pavakazvinzwa vakatsamwira vana Jemusi naJohani. Jesu akavadaidza akavati, “Munoziva kuti kune vechirudzi vanonzi vatongi vaya, pakutonga vanoita zvechisimba uye vakuru vakuru vavo vanoita zvomukundo. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuve wokutanga pakati penyu anofanira kuve muranda wavose. Nokuti kunyange Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira vamwe, uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
Mako 10:35-45 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋakaʋuya kwaari, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoɗa kuti mutiitire seɀatinokumbira kwamuri. Akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikuitireiko? Ʋakati kwaari: Tigarisei pakubginya kwenyu, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe. Asi Jesu wakati kwaʋari: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona. Jesu akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo ini; asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, kana kuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀaʋakaɀigadzirirwa iɀo. Ʋanegumi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakataŋga kutsamŋira Jakobo naJohane. Ipapo Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati kwaʋari: Munoziʋa kuti aʋo ʋanonzi macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo. Ɀino pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu; aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda waʋose. Nokuti Mŋanakomana womunhu naiye haana‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji.
Mako 10:35-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)