Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 10:35-45

Mako 10:35-45 SNA2002

Zvino Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya, kwaari, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.” Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakati kwaari, “Tigarisei mukubwinya kwenyu, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe.” Asi Jesu akati kwavari, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?” Vakati kwaari, “Tingagona.” Jesu akati kwavari, “Muchanwira henyu mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.” Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohani. Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari, “Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni vanovaita mukundo navakuru vakuru vano vanovaitira zvesimba. “Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu; ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose. “Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”

Verenga chikamu Mako 10