Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 10:32-52

Mako 10:32-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vakanga vari munzira vachikwidza kuenda kuJerusarema, Jesu achivatungamirira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari. Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi, avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.” Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.” Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.” Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?” Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo, asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.” Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwira Jakobho naJohani. Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi neveDzimwe Ndudzi vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo. Hazvina kudaro pakati penyu. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose. Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.” Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achipemha. Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana murume uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.” Akakanda jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu. Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.” Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 10

Mako 10:32-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusaremu; Jesu akanga achivatungamirira; vakashamiswa; navakanga vachitevera, vakatya. Ipapo akatorazve vane gumi navaviri, akatanga kuvaudza izvo zvaakanga oda kuitirwa, achiti, “Tarirai tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni. Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurova kwazvo, nokumuuraya; kana mazuva matatu apfuura, achamukazve.” Zvino Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya, kwaari, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.” Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakati kwaari, “Tigarisei mukubwinya kwenyu, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe.” Asi Jesu akati kwavari, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?” Vakati kwaari, “Tingagona.” Jesu akati kwavari, “Muchanwira henyu mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.” Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohani. Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari, “Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni vanovaita mukundo navakuru vakuru vano vanovaitira zvesimba. “Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu; ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose. “Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” Vakasvika Jeriko; zvino akati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bhatimeo, mwanakomana waTimeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira. Iye akati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye akanyanya kudanidzira kwazvo, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Ipapo Jesu akamira, akati, “Mudanei.” Vakadana bofu, vachiti kwariri, “Tsunga mwoyo, simuka, anokudana.” Ipapo akarasira nguo yake, akasimuka, akaenda kuna Jesu. Jesu akamupindura, akati kwaari, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Bofu rikati kwaari, “Rabhoni, kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa.” Pakarepo akaona, akatevera Jesu munzira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 10

Mako 10:32-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Zvino vari munzira, vachikwira kuJerusaremu, Jesu aifamba ari mberi kwavo. Zvakavashamisa kwazvo. Vaitevera vakatya. Akazotorazve vane gumi navaviri akatanga kuvaudza zvaizoitika kwaari achiti, “Chinzwai, tava kukwira kuJerusaremu; Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo; vachamutongera rufu; vachimuisawo mumaoko evechirudzi; vachamunyomba; vachimusvipira mate nokumurova zvakanyanya; vozomuuraya. Asi mushure memazuva matatu achamukazve.” Jemusi naJohani vanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu vakati, “Mudzidzisi tinoda kuti mutiitirewo chero chatinenge takukumbirai.” Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Ivo vakati kwaari, “Tibvumirei kuti, mumbiri yenyu, tizogara takati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akavapindura achiti, “Hamuzivi zvamurikukumbira. Munogona here kunwa mukombe wandinonwa ini kana kuombekwa noruombeko rwandinoombekwa narwo ini?” Ivo vakati kwaari, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Hongu mukombe wandinonwa ini, muchanwa noruombeko rwandinoombekwa narwo muchaombekwawo narwo; asi zvokugara kurudyi rwangu kana kuti kuruboshwe rwangu handisirini ndinozvipa, ndokweavo vakakugadzirirwa.” Zvino vamwe gumi vaya, pavakazvinzwa vakatsamwira vana Jemusi naJohani. Jesu akavadaidza akavati, “Munoziva kuti kune vechirudzi vanonzi vatongi vaya, pakutonga vanoita zvechisimba uye vakuru vakuru vavo vanoita zvomukundo. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuve wokutanga pakati penyu anofanira kuve muranda wavose. Nokuti kunyange Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira vamwe, uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.” Vakazosvika kuJeriko. Kuzoti ava kubuda muJeriko navadzidzi vake negurumwandira ravanhu, Bhatimeusi mwana waTimeo, mupemhi aiva bofu akanga agere parutivi pomugwagwa. Paakanzwa kuti ndiJesu weNazareti, akatanga kudaidzira achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vazhinji vakamutsiura vachiti anyarare, asi iye ndipo paakatonyanya kudaidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati, “Mudaidzei.” Vakadaidza bofu riya vachiti kwaari, “Tsunga mwoyo; simuka; ari kukudaidza.” Akakanda jasi rake pasi, ndokukwakuka ouya kuna Jesu. Jesu ndokuti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Bofu rakati kwaari, “Mudzidzisi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chienda zvako, chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona, akatevera Jesu munzira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 10

Mako 10:32-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mako 10:32-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋakaŋga ʋari munzira, ʋacikwira Jerusarema; Jesu wakaŋga aciʋatuŋgamirira; ʋakashamiswa; naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakatya. Ipapo akatora ɀe ʋanegumi naʋaʋiri, akataŋga kuʋaʋudza iɀo ɀaakaŋga oɗo‐kuitirwa, aciti: Tarirai tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋaprista ʋakuru naʋanyori; ʋacamutoŋgera rufu, nokumuisa kuʋahedeni. Ʋacamuseka, nokumupfira mate, nokumuroʋesa, nokumuʋuraya; kana mazuʋa matatu apfuʋura, ucamuka ɀe. Ɀino Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋakaʋuya kwaari, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoɗa kuti mutiitire seɀatinokumbira kwamuri. Akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikuitireiko? Ʋakati kwaari: Tigarisei pakubginya kwenyu, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe. Asi Jesu wakati kwaʋari: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona. Jesu akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo ini; asi kugara kuruʋoko rwaŋgu rworudyi, kana kuruɓoshwe, handizini ndinopa, asi ndeɀaʋakaɀigadzirirwa iɀo. Ʋanegumi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakataŋga kutsamŋira Jakobo naJohane. Ipapo Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati kwaʋari: Munoziʋa kuti aʋo ʋanonzi macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo. Ɀino pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu; aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda waʋose. Nokuti Mŋanakomana womunhu naiye haana‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji. Ʋakaȿika Jeriko; ɀino wakati aciɓuɗa Jeriko naʋadzidzi ʋake naʋazhinjizhinji, Bartimeo, mŋanakomana waTimeo, raiʋa ɓofu riri rombe, wakaŋga agere panzira. Iye wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akataŋga kuɗanidzira, aciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ʋazhinji ʋakamuraira kuti anyarare, asi iye wakanyanya kuɗanidzira kwaɀo, aciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ipapo Jesu akamira, akati: Muɗanei. Ʋakaɗana ɓofu, ʋaciti kwariri: Tsuŋga mŋoyo, simuka, unokuɗana. Ipapo akarasha ŋguʋo yake, akasimuka, akaenda kunaJesu. Jesu akamupindura, akati kwaari: Unoɗa kuti ndikuitireiko? Ƃofu rikati kwaari: Raboni, kuti ndiʋone. Jesu akati kwaari: Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo akaʋona, akateʋera Jesu munzira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 10