Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 10:32-52

Mako 10:32-52 SNA2002

Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusaremu; Jesu akanga achivatungamirira; vakashamiswa; navakanga vachitevera, vakatya. Ipapo akatorazve vane gumi navaviri, akatanga kuvaudza izvo zvaakanga oda kuitirwa, achiti, “Tarirai tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni. Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurova kwazvo, nokumuuraya; kana mazuva matatu apfuura, achamukazve.” Zvino Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya, kwaari, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire sezvatinokumbira kwamuri.” Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakati kwaari, “Tigarisei mukubwinya kwenyu, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe.” Asi Jesu akati kwavari, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?” Vakati kwaari, “Tingagona.” Jesu akati kwavari, “Muchanwira henyu mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo.” Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohani. Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati kwavari, “Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni vanovaita mukundo navakuru vakuru vano vanovaitira zvesimba. “Zvino pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu; ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wavose. “Nokuti Mwanakomana womunhu naiye haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” Vakasvika Jeriko; zvino akati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bhatimeo, mwanakomana waTimeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira. Iye akati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Vazhinji vakamuraira kuti anyarare, asi iye akanyanya kudanidzira kwazvo, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Ipapo Jesu akamira, akati, “Mudanei.” Vakadana bofu, vachiti kwariri, “Tsunga mwoyo, simuka, anokudana.” Ipapo akarasira nguo yake, akasimuka, akaenda kuna Jesu. Jesu akamupindura, akati kwaari, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Bofu rikati kwaari, “Rabhoni, kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa.” Pakarepo akaona, akatevera Jesu munzira.

Verenga chikamu Mako 10