Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mika 5:1-6 - Compare All Versions

Mika 5:1-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto, nokuti takombwa nomuvengi. Vacharova mutongi waIsraeri netsvimbo padama. “Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.” Naizvozvo Israeri achasiyiwa kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara uye hama dzake dzose dzadzoka kuzobatana navaIsraeri. Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika. Uye iye achava rugare rwavo. MuAsiria paacharwisa nyika yedu agofamba achipfuura nomunhare dzedu, tichamumutsira vafudzi vanomwe kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu. Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo, nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa. Achatirwira kubva kumuAsiria paachapinda munyika yedu nokupinda pamiganhu yedu.

Pakurirana nevamwe
Mika 5 BDSC

Mika 5:1-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Zvino muchafanira kuungana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muvengi wakatikomba, vacharova mutongi waIsiraeri netsvimbo padama rake. “Asi iwe Bheterehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akarekare. “Naizvozvo uchavaisa kuvavengi vavo, kusvikira panguva yokuzvara kwaiye anosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzichadzoka navana vaIsiraeri. Achamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehovha, noumambo hwezita raJehovha Mwari wake; zvino vachagara zvakanaka, nokuti zvino achava mukuru kusvikira kumigumo yenyika. Iye achava rugare rwedu. Kana muAsiria achipinda munyika yedu, kana achitsika mudzimba dzedu dzoushe, tichamutsa vafudzi vanomwe namachinda masere pakati pavanhu kuti varwe naye. Ivo vachaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimurodhi painopindwa napo; iye achatirwira kumuAsiria, kana achinge achipinda nyika yedu nokutsika mukati memiganho yedu.

Pakurirana nevamwe
Mika 5 SNA2002

Mika 5:1-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ronganisa hondo dzako iwe guta rehondo dzavarwi nokuti watokombwa iwe. Vacharova mutongi weIsiraeri neshamhu padama. “Iwe Bheterehemu wokwaEfurata, kunyange uri muduku zvako, mukati memadzinza okwaJudha, mauri iwe muchabuda mutongi wangu, achatonga Isiraeri, dzinde rokwaakabva nderakare kare rapasichigare chaipo.” Naizvozvo achambovaregera vakadaro kwechinguva kusvikira ane pamuviri pari kurwadza asununguka. Ipapo dzimwe hama dzake dzose ndopadzichadzokera kuvanhu veIsiraeri. Mwana iyeyo ndiye achatozomira chaizvo achifudza danga rake rezvipfuwo aine simba raTenzi, aine chiremera chezita raTenzi Mwari wake uye vachanyatsogara zvakanaka nokuti ukuru hwake huchasvika kwakaperera nyika. Iyeyu ndiye achatozovawanisa rugare. Patichapindirwa neAsiria munyika medu ichitsokodzera zvayo munzvimbo dzedu, tichaimutsira vokutifudza vanomwe vokuonana nayo, makurukota chaiwo avanhu, kana kutoita masere chaiwo. Ivava ndivo vachatozotonga nyika yeAsiria nehondo yamapakatwa, vachatonga nyika iyoyi yeNimurodhi vakaiburitsira bakatwa. Ivava ndivo vachatinunura kuAsiria patinenge tapindirwa munyika medu neAsiria paya ichitsokodzera munyika medu.

Pakurirana nevamwe
Mika 5 SCLBD

Mika 5:1-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino mucafanira kuʋuŋgana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muʋeŋgi wakatikomba, ʋacaroʋa mutoŋgi waIsraeri netȿimbo paɗama rake. Asi iwe Beti‐rehema Efrata, muɗuku kwaɀo pakati peɀuru ɀamazana ɀaJuda, kwauri kucandiɓuɗira mumŋe ucaʋa muɓati pakati paIsraeri; maɓuɗiro ake ndaakare, pamazuʋa akare‐kare. Naiɀoɀo ucaʋaisa kuʋaʋeŋgi ʋaʋo, kuȿikira paŋguʋa yokuɀara kwaiye unosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzicadzoka naʋana ʋaIsraeri. Ucamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehova, noʋumambo bgezita raJehova Mŋari wake; ɀino ʋacagara ɀakanaka, nokuti ɀino ucaʋa mukuru kuȿikira kumigumo yenyika. Iye ucaʋa rugare rweɗu. Kana muAsiria acipinda munyika yeɗu, kana acitsika mudzimba dzeɗu dzoʋushe, ticamutsa ʋafudzi ʋanomŋe namacinda masere pakati paʋanhu kuti ʋarwe naye. Iʋo ʋacaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimrodi painopindwa napo; iye ucatirwira kumuAsiria, kana aciŋge acipinda nyika yeɗu nokutsika mukati memiganho yeɗu.

Pakurirana nevamwe
Mika 5 SUB1949

Mika 5:1-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mika 5 SCLB