Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mika 4:1-13

Mika 4:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mumazuva okupedzisira gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa segomo guru pakati pamakomo; richasimudzwa pamusoro pezvikomo, uye marudzi achaenda kwariri. Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai, handei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho. Achatidzidzisa nzira dzake, kuti tigofamba munzira dzake.” Murayiro uchabuda kubva paZioni, shoko raJehovha kubva paJerusarema. Achatonga pakati pamarudzi mazhinji uye achapedza gakava pakati pendudzi dzine simba dziri kure kure. Vachapfura minondo yavo vagoiita mapadza, namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzirizve kurwa. Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, napasi pomuonde wake, uye hapana anozovaita kuti vatye, nokuti Jehovha Wamasimba Ose ataura. Ndudzi dzose dzingafamba muzita ravamwari vadzo; isu tichafamba muzita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Ndichaunganidza vakaremara; ndichaunganidza vakadzingwa neavo vandakatambudza. Ndicharemadza vakasara, vaya vakadzingwa, ivo rudzi rwakasimba. Jehovha achavatonga paGomo reZioni kubva pazuva iroro nokusingaperi. Kana uri iwe, chirindo cheboka iwe nhare yoMwanasikana weZioni, ushe hwakare huchadzoswa kwauri; umambo huchauya kuMwanasikana weJerusarema.” Sei muchiridza mhere iye zvino, hamuna mambo here? Gota renyu raparara here zvokuti kurwadza kwakubatai sekwomukadzi anosununguka? Tambura ugomere, iwe Mwanasikana weZioni, somukadzi ari pakusununguka, nokuti zvino unofanira kubuda muguta unogara kusango. Uchaenda kuBhabhironi; ikoko uchandonunurwa. Ikoko Jehovha achakudzikinura kubva paruoko rwavavengi vako. Asi zvino ndudzi zhinji dzakaunganira kuzokurwisa. Vanoti, “Ngaasvibiswe, maziso edu ngaatarise Zioni!” Asi havazivi pfungwa dzaJehovha; havanzwisisi kuronga kwake, iye anovaunganidza sezvisote paburiro. “Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni, nokuti ndichakupa nyanga dzesimbi; ndichakupa mahwanda endarira uye uchapwanya kuita zvidimbu ndudzi zhinji.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mika 4

Mika 4:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Asi namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri. Marudzi mazhinji achaenda, achiti, ‘Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndipo pachabuda murayiro, napaJerusaremu shoko raJehovha.’ Iye achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna angazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo. Nokuti marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri. “Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaunganidza vanokamhina, ndichaunganidza vakadzingwa, navakatambudzwa neni; vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZioni kubva zvino nokusingaperi. “Zvino iwe, rutura rwamakwai, iwe chikomo chomukunda weZioni, zvichasvika kwauri, zvirokwazvo ushe hwokutanga huchasvika, ihwo ushe hwomukunda weJerusaremu. Zvino munodanidzireiko? Hakuna mambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, zvamabatwa nokurwadziwa sokwomukadzi anosurumuka? Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi ari pakasurumuka; nokuti zvino uchabuda muguta, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikinurapo pamaoko avavengi vako. Zvino marudzi mazhinji avanhu akakuunganira, anoti, ‘Ngaasvibiswe, meso edu ngaaone Zioni.’ Asi havazivi zvinofungwa naJehovha, havanzwisisi zvaakatema; nokuti wakavaunganidza semwanda paburiro. “Simuka upure, iwe mukunda weZioni, nokuti runyanga rwako ndicharuita dare, uye mahwanda ako ndichaaita ndarira; uchaputsanya marudzi mazhinji; zvavakazviwanira ndichazvitsaurira Jehovha, pfuma yavo ndichapa Ishe wenyika yose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mika 4

Mika 4:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mumazuva achauya zvichaitika kuti gomo reTemberi yaTenzi richaitwa kuti rive gomo rakarebesesa kupfuura makomo ose zvawo. Marudzi avanhu achakurumukira kuenda kwariri, ndudzi zhinji dzavanhu dzichauya dzichiti: “Uyai, tikwire kugomo raTenzi, kumba yaMwari wokwaJakobho atidzidzise makwara ake, titevedze nzira dzake nokuti muZioni ndimo muchabva mutemo, shoko raTenzi richabva kuJerusaremu.” Ndiye achava mutongi wamarudzi avanhu akawanda achienzanisira mhosva dzendudzi dzavanhu kusvikira kuna vari kure kure. Vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yegejo, mapfumo avo vachiaita majeko okupemhenesa miti nawo, pasisina rudzi runosumudzira rumwe rudzi bakatwa, uye zvokudzidza kurwa hondo panenge pasisina. Asi munhu wose achagara pamunda wake wamagirepisi newamaonde, pasina anovatyisidzira nokuti ndozvataurwa naTenzi wehondo nehondo nomuromo wake. Asi zviripowo ndezvizvi zvokuti: marudzi ose avanhu, rudzi norudzi runofamba muzita ramwari warwo. Isuwo tichafamba muzita raTenzi Mwari wedu narini narini. “Zvanzi naTenzi, pazuva iroro, ndichaunganidza zvirema, ndichakokorodza vakadzingirwa kure navandakapinza nhamo. Zvirema izvozvo ndizvo zvandichaita chitsama chacho chavanhu vanosara. Ivava pamwechete navakambodzingirwa kure vaya ndichavaita rudzi rwakasimba. Tenzi achavatonga ari paGomo reZioni kubvira ipapo kusvikira nokusingaperi.” Kana zviri zvewe nharirire yedanga rezvipfuwo, iwe gomo reguta reZioni, ukuru hwawaiva nahwo, uchahudzoserwa. Umambo huchauya paguta reJerusaremu. Zvino chii chaizvo chaunobongomorera kudai? Asi mauri hamuna mambo here? Jinda rako raparara here kubva warwadzwa kudai somukadzi arwadziwa napamuviri? Shanyarika udunure, iwe guta reZioni somukadzi arwadziwa napamuviri nokuti iye zvino uchabva muguta irori undogara musango zvamo. Uchaenda iwe kuBhabhironi, ikoko uchaponeswa. Tenzi achakununura ikoko mumaoko mavavengi vako. Izvozvi marudzi mazhinji avanhu ari kukukokerana achiti, “Guta reZioni ngarin'oreswe, tirionerere.” Asi zviri mumwoyo maTenzi havazvizivi, zvirongwa zvake, havazvinzwisisi kuti atovaunganidza sezvisote zvaunzwa paburiro. “Chisimuka upure zvako iwe guta reZioni nokuti ndichaita kuti uve nenyanga dzesimbi namatsiko endarira uchapwapwanyisa marudzi namarudzi ugopira kuna Tenzi zvavakanga vawana, kupira upfumi hwavo kuna Changamire wapasi pose.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mika 4

Mika 4:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Asi namazuʋa okupedzisira gomo reimba yaJehova ricagadzwa pamisoro yamakomo, ricakwiridzwa kumsoro kweɀikomo; marudzi aʋanhu acamhanyira kwariri. Marudzi mazhinji acaenda, aciti: Ʋuyai, hendei kugomo raJehova nokuimba yaMŋari waJakobo; iye ucatidzidzisa nzira dzake, ʋuye isu ticafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndi’po pacaɓuɗa murairo, napaJerusarema shoko raJehova. Iye ucatoŋga pakati pamarudzi mazhinji, ucaruramisira marudzi anesimba ari kure; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rudzi rumŋe haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa. Asi mumŋe nomumŋe ucagara pasi pomuzambiriŋga wake napasi pomuʋonde wake, hakuna‐uŋgazoʋatyisa, nokuti muromo waJehova wehondo wakataura iɀoɀo. Nokuti marudzi ose aʋanhu anofamba, rumŋe norumŋe nezita ramŋari warwo; asi isu ticafamba nezita raJehova Mŋari weɗu nokusiŋgaperi‐peri. Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋuŋganidza ʋanokamhina, ndicaʋuŋganidza ʋakadziŋgwa, naʋakatambudzwa neni; ʋaikamhina ndicaʋaita ʋakasara, ʋuye ʋakaŋga ʋakarashirwa kure ndicaʋaita rudzi rwakasimba; Jehova ucaʋaɓata ʋushe pagomo reZioni kubva ɀino nokusiŋgaperi. Ɀino iwe, rutura rwamakwai, iwe cikomo comukunda weZioni, ɀicaȿika kwauri, ɀirokwaɀo ʋushe bgokutaŋga ʋucaȿika, ibgo ʋushe bgomukunda weJerusarema. Ɀino munoɗanidzireiko? Hakunamambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, ɀamaɓatwa nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka? Cirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi uri pakusurumuka; nokuti ɀino ucaɓuɗa muguta, ucandogara kusaŋgo, ucandoȿika Babironi; ipapo ucandorwirwa, Jehova ucakudzikinura’po pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋako. Ɀino marudzi mazhinji aʋanhu akakuʋuŋganira, anoti: Ŋgaaȿiɓiswe, meso eɗu ŋgaaʋone Zioni. Asi haʋaziʋi ɀinofuŋgwa naJehova, haʋanzwisisi ɀaakatema; nokuti wakaʋaʋuŋganidza semŋanda paɓuriro. Simuka upure, iwe mukunda weZioni, nokuti runyaŋga rwako ndicaruita ɗare, ʋuye mahwanda ako ndicaaita ndarira; ucaputsanya marudzi mazhinji; ɀaʋakaɀiwanira ndicaɀitsaurira Jehova, fuma yaʋo ndicapa Ishe wenyika yose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mika 4

Mika 4:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)