Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mika 4:1-13

Mika 4:1-13 SUB1949

Asi namazuʋa okupedzisira gomo reimba yaJehova ricagadzwa pamisoro yamakomo, ricakwiridzwa kumsoro kweɀikomo; marudzi aʋanhu acamhanyira kwariri. Marudzi mazhinji acaenda, aciti: Ʋuyai, hendei kugomo raJehova nokuimba yaMŋari waJakobo; iye ucatidzidzisa nzira dzake, ʋuye isu ticafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndi’po pacaɓuɗa murairo, napaJerusarema shoko raJehova. Iye ucatoŋga pakati pamarudzi mazhinji, ucaruramisira marudzi anesimba ari kure; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rudzi rumŋe haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa. Asi mumŋe nomumŋe ucagara pasi pomuzambiriŋga wake napasi pomuʋonde wake, hakuna‐uŋgazoʋatyisa, nokuti muromo waJehova wehondo wakataura iɀoɀo. Nokuti marudzi ose aʋanhu anofamba, rumŋe norumŋe nezita ramŋari warwo; asi isu ticafamba nezita raJehova Mŋari weɗu nokusiŋgaperi‐peri. Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋuŋganidza ʋanokamhina, ndicaʋuŋganidza ʋakadziŋgwa, naʋakatambudzwa neni; ʋaikamhina ndicaʋaita ʋakasara, ʋuye ʋakaŋga ʋakarashirwa kure ndicaʋaita rudzi rwakasimba; Jehova ucaʋaɓata ʋushe pagomo reZioni kubva ɀino nokusiŋgaperi. Ɀino iwe, rutura rwamakwai, iwe cikomo comukunda weZioni, ɀicaȿika kwauri, ɀirokwaɀo ʋushe bgokutaŋga ʋucaȿika, ibgo ʋushe bgomukunda weJerusarema. Ɀino munoɗanidzireiko? Hakunamambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, ɀamaɓatwa nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka? Cirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi uri pakusurumuka; nokuti ɀino ucaɓuɗa muguta, ucandogara kusaŋgo, ucandoȿika Babironi; ipapo ucandorwirwa, Jehova ucakudzikinura’po pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋako. Ɀino marudzi mazhinji aʋanhu akakuʋuŋganira, anoti: Ŋgaaȿiɓiswe, meso eɗu ŋgaaʋone Zioni. Asi haʋaziʋi ɀinofuŋgwa naJehova, haʋanzwisisi ɀaakatema; nokuti wakaʋaʋuŋganidza semŋanda paɓuriro. Simuka upure, iwe mukunda weZioni, nokuti runyaŋga rwako ndicaruita ɗare, ʋuye mahwanda ako ndicaaita ndarira; ucaputsanya marudzi mazhinji; ɀaʋakaɀiwanira ndicaɀitsaurira Jehova, fuma yaʋo ndicapa Ishe wenyika yose.

Verenga chikamu Mika 4