Mateo 5:5-9
Mateo 5:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo. Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi. Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari. Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
Mateo 5:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
vakakomborerwa zvavo vakapfava nokuti vachawana nhaka yenyika. Vakakomborerwa zvavo vane nzara nenyota yoururami nokuti vachagutswa. Vakakomborerwa zvavo vane tsitsi nokuti vachaitirwawo tsitsi. Vakakomborerwa zvavo vakachena pamwoyo nokuti vachaona Mwari. Vakakomborerwa zvavo vawadzanisi nokuti vachanzi vana vaMwari.
Mateo 5:5-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Vakaropafadzwa vakapfava; nokuti vachagara nhaka yenyika. “Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yoururami; nokuti vachagutiswa. “Vakaropafadzwa vane ngoni; nokuti vachaitirwa ngoni. “Vakaropafadzwa vane mwoyo yakachena; nokuti vachaona Mwari. “Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti vachanzi vana vaMwari.
Mateo 5:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
vakakomborerwa zvavo vakapfava nokuti vachawana nhaka yenyika. Vakakomborerwa zvavo vane nzara nenyota yoururami nokuti vachagutswa. Vakakomborerwa zvavo vane tsitsi nokuti vachaitirwawo tsitsi. Vakakomborerwa zvavo vakachena pamwoyo nokuti vachaona Mwari. Vakakomborerwa zvavo vawadzanisi nokuti vachanzi vana vaMwari.
Mateo 5:5-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaropafadzwa ʋanyoro; nokuti ʋacagara nhaka yenyika. Ʋakaropafadzwa ʋanenzara nenyota yokururama; nokuti ʋacagutiswa kwaɀo. Ʋakaropafadzwa ʋaneŋgoni; nokuti ʋacaitirwa ŋgoni. Ʋakaropafadzwa ʋakacena pamŋoyo; nokuti ʋacaʋona Mŋari. Ʋakaropafadzwa ʋanoyananisa; nokuti ʋacanzi ʋana ʋaMŋari.