Mateo 5:27-48
Mateo 5:27-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make. Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena. Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena. “Zvakanzi, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake anofanira kumupa gwaro rokurambana.’ Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe. “Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’ Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo; kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru. Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema. Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’ Asi ndinokuudzai kuti, Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo. Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako. Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri. Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’ Asi ini ndinokuudzai kuti, Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai, kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama. Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here? Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here? Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.
Mateo 5:27-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe anotarira mukadzi achimuchiva, atoita upombwe naye mumwoyo make. Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise, urirasire kure kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena. Kana ruoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, urugure ururasire kure kwauri, nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.’ Zvakanziwo, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwokumuramba.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva youpombwe, anomuitisa upombwe; ani naani aNowana arambwa, anoita upombwe.’ “Makanzwawo kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musatongopika, kana nokudenga, nokuti ndicho chigaro choushe chaMwari; kana nenyika, nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusaremu, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.’ Asi shoko renyu rizoti, ‘Hongu,’ ave ‘hongu;’ ‘Kwete,’ ave ‘kwete;’ zvinopfuura izvozvo zvinobva kumuipi. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsihwa neziso, zino nezino.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musadzivisa akaipa, asi anokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo.’ Kana munhu achida kukukwirira, kuti akutorere nguo yako yomukati, umutendere nenguo yokunzewo. Ani naani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri. “Anokumbira kwauri mupe, usafuratira anoda kukwereta kwauri. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, venga muvengi wako.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ida vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai; kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira zuva ravo vakanaka nevakaipa vanonisira mvura vakarurama navasakarurama.’ Nokuti kana muchida avo vanokudai, muno mubayiro weiko? Ko vateresi havaiti saizvozvowo here? “Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuura vamwe neiko? Ko vahedheni havaiti saizvozvowo here? “Naizvozvo muve vakakwana, saBaba venyu vari kudenga vakakwana.
Mateo 5:27-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Makanzwa kuti zvakanzi, musaite upombwe Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ani naani anotarisa mukadzi achimuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.’ Kana ziso rako rorudyi richikukonzera kutadza risvukunure urikande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe nhengo yomuviri wako panze pokuti muviri wako wose ukandwe mugomba romoto. Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera kutadza rudimbure urwukande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo dzako panze pokuti muviri wako wose uende kugomba remoto. “Zvakanziwo uyo anoramba mukadzi wake ngaamupe tsamba yegupuro. Asi ini ndinoti, ‘Ani naani anoramba mudzimai wake kunze kokunge chikonzero chacho chiri choupombwe, anomuita kuti aite upombwe. Ani naaniwo anoroora mukadzi akarambwa anoita upombwe.’ “Makanzwawo kuti zvakanzi kuvanhu vakare musapike nhema asi kuti munotofanira kuita zvamakapika kuna Tenzi. Asi ini ndinoti kwamuri usambopika zvako naTenzi kana nedenga nokuti chigaro choumambo chaMwari; kana kupika nenyika nokuti chitambarariko chetsoka dzake; kana kupika neJerusaremu nokuti iguta ramambo mukuru. Usapike nomusoro wako nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako kuti ruve ruchena kana rutema. Regai hongu wenyu angova hongu nakwete wenyu angova kwete; zvimwe zvose zvinopfuura ipapa zvinobva kuna wakaipa uya. “Makanzwa kuti zvakanzi ziso rinofanira kutsiviwa neziso zino richitsiviwa nezino. Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Usadzivise wakaipa.’ Kana munhu akakurova mbama padama rorudyi mutendeudzire rimwezve. Kana munhu achida kukukwirira dare achida kukutorera bhatye rako ibva wamupa nejasi rako. Kana munhu akakumanikidza kuti umuperekedze kiromita imwechete, muperekedze kwamakiromita maviri. Munhu anokukumbira, mupe. Usanyime uyo anoda kukukwereta. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida mumwe wako uvenge muvengi wako.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga,’ nokuti ivo vanobudisira zuva ravo vakaipa navakanaka; uye vanonaisira mvura yavo vakarurama navasina kururama. Ko kana muchida vanokudai, munowana mubayiro wei, ko vateresi havaiti saizvozvo here? Kana muchingokwazisa hama dzenyu chete, chii chamunokunda vamwe nacho ipapa? Vechirudzi havaiti zvimwechetezvo here? Nezvo imi munofanira kuva vakaruramisisa sezvakangoita Baba venyu vokudenga vakaruramisisa.”
Mateo 5:27-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makanzwa kuti ɀakanzi: Usaita ʋupombge. Asi ini ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unotarira mukadzi acimuciʋa, watoita ʋupombge naye mumŋoyo make. Kana ziso rako rorudyi ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure kwauri; nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena. Kana ruʋoko rwako rworudyi rucikugumbusa, urugure, ururashire kure kwauri, nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena. Ɀakanzi ʋo: Aninani unorasha mukadzi wake, ŋgaamupe rugwaro rwokumuramba. Asi ini ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unorasha mukadzi wake, asi nemhoȿa yoʋupombge, unomuitisa ʋupombge; aninani unowana warashwa, unoita ʋupombge. Makanzwa ʋo kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo. Asi ini ndinoti kwamuri: Musatoŋgopika, kana nokuɗeŋga, nokuti ndico cigaro coʋushe caMŋari; kana nenyika, nokuti ndico citsiko cetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvudzi rumŋe kuti ruʋe rucena kana rutema. Asi shoko renyu riʋe: Hoŋo, hoŋo; kwete, kwete; ɀinopfuʋura iɀoɀo ɀinobva kunowakaipa. Makanzwa kuti ɀakanzi: Ziso rinotsibga neziso, zino nezino. Asi ini ndinoti kwamuri: Musadziʋisa wakaipa, asi unokuroʋa paɗama rorudyi, umurinzire rimŋe ʋo. Kana munhu aciɗa kukukwirira, kuti akutorere ŋguʋo yako yomukati, umutendere neŋguʋo yokunze ʋo. Aninani unokumanikidza kuenda maira imŋe, uende naye mbiri. Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoɗa kukwereta kwauri. Makanzwa kuti ɀakanzi: Uɗe wokwako, uʋeŋge muʋeŋgi wako. Asi ini ndinoti kwamuri: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, munyeŋgeterere ʋanokutambudzai; kuti muʋe ʋanakomana ʋaƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga; nokuti ʋanoɓuɗisira ʋakaipa naʋakanaka zuʋa raʋo, nemvura ʋanoinisira ʋakarurama naʋasakarurama. Nokuti kana muciɗa ʋanokuɗai, munomuɓairo weiko? Ko ʋateresi haʋaiti saiɀoɀo ʋo here? Kana mucikwazisa hama dzenyu ɓedzi, munopfuʋura ʋamŋe neiko? Ko naʋahedeni haʋaiti saiɀoɀo ʋo here? Naiɀoɀo muʋe ʋakakwana, saƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋakakwana.
Mateo 5:27-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)