Makanzwa kuti ɀakanzi: Usaita ʋupombge. Asi ini ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unotarira mukadzi acimuciʋa, watoita ʋupombge naye mumŋoyo make. Kana ziso rako rorudyi ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure kwauri; nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena. Kana ruʋoko rwako rworudyi rucikugumbusa, urugure, ururashire kure kwauri, nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena. Ɀakanzi ʋo: Aninani unorasha mukadzi wake, ŋgaamupe rugwaro rwokumuramba. Asi ini ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unorasha mukadzi wake, asi nemhoȿa yoʋupombge, unomuitisa ʋupombge; aninani unowana warashwa, unoita ʋupombge.
Makanzwa ʋo kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo. Asi ini ndinoti kwamuri: Musatoŋgopika, kana nokuɗeŋga, nokuti ndico cigaro coʋushe caMŋari; kana nenyika, nokuti ndico citsiko cetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvudzi rumŋe kuti ruʋe rucena kana rutema. Asi shoko renyu riʋe: Hoŋo, hoŋo; kwete, kwete; ɀinopfuʋura iɀoɀo ɀinobva kunowakaipa.
Makanzwa kuti ɀakanzi: Ziso rinotsibga neziso, zino nezino. Asi ini ndinoti kwamuri: Musadziʋisa wakaipa, asi unokuroʋa paɗama rorudyi, umurinzire rimŋe ʋo. Kana munhu aciɗa kukukwirira, kuti akutorere ŋguʋo yako yomukati, umutendere neŋguʋo yokunze ʋo. Aninani unokumanikidza kuenda maira imŋe, uende naye mbiri. Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoɗa kukwereta kwauri.
Makanzwa kuti ɀakanzi: Uɗe wokwako, uʋeŋge muʋeŋgi wako. Asi ini ndinoti kwamuri: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, munyeŋgeterere ʋanokutambudzai; kuti muʋe ʋanakomana ʋaƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga; nokuti ʋanoɓuɗisira ʋakaipa naʋakanaka zuʋa raʋo, nemvura ʋanoinisira ʋakarurama naʋasakarurama. Nokuti kana muciɗa ʋanokuɗai, munomuɓairo weiko? Ko ʋateresi haʋaiti saiɀoɀo ʋo here? Kana mucikwazisa hama dzenyu ɓedzi, munopfuʋura ʋamŋe neiko? Ko naʋahedeni haʋaiti saiɀoɀo ʋo here? Naiɀoɀo muʋe ʋakakwana, saƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋakakwana.