Mateo 27:33-38
Mateo 27:33-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya. Uye vakagara pasi, vakamurinda. Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.” Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
Mateo 27:33-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vasvika panzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru, kuti anwe; asi akati aravira, akaramba kunwa. Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake pakati pavo, vachikanda mijenya, (kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike, zvinoti: Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu) Vakagara, vakamurindapo. Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake, rwokuti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Vakarovera pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe.
Mateo 27:33-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakasvika panzvimbo inonzi Gorogota zvinoreva kuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakasanganiswa nenduru kuti anwe. Paakairavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange. Vakagara pasi vachimuchengetedza ipapo. Nechapamusoro vakaisa chiga chemhosva yake chaiti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Ipapo makororo maviri akarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye, mumwe ari kurudyi mumwe kuruboshe.
Mateo 27:33-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Gorgota, ndokuti nɀimbo yeɗehenya, ʋakamupa waini yakaveŋganiswa nenduru, kuti anwe; asi wakati araʋira, akaramba kunwa. Ʋakati ʋamuroʋera pamucinjikwa, ʋakagoʋana ŋguʋo dzake pakati paʋo, ʋacikanda mijenya, [kuti ɀakarebga nomuprofita ɀiitike, ɀinoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, ʋakakanda mijenya pamsoro peɀokufuka ɀaŋgu.] Ʋakagara, ʋakamurinda’po. Ʋakaisa pamsoro pomusoro wake rugwaro rwemhoȿa yake, rwokuti: UYU NDIJESU MAMBO WAƲAJUDA. Ʋakaroʋera pamŋe cete naye makororo maʋiri, mumŋe kurudyi, mumŋe kuruɓoshwe.
Mateo 27:33-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)