Mateo 27:24-26
Mateo 27:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.” Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa.
Mateo 27:24-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!” Vanhu vose vakapindura, vakati, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pavana vedu.” Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa.
Mateo 27:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pirato paakaona kuti hapana zvazviri kubatsira asi kuti pavakutomuka bongozozo, akatora mvura akageza maoko ake pamberi pemhomho iyoyo achiti, “Handina mhosva paropa romunhu uyu. Chizvionerai moga iyemi.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngaritipfukire isu navana vedu.” Akavasunungurira Bharabhasi. Asi ndokurova Jesu zvikuru akamuturira mumaoko avo kuti vamuroverere pamuchinjikwa.
Mateo 27:24-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Pirato, aciʋona kuti haɀiɓatsiri, asi kuti pomuka ɓope, wakatora mvura, akashamba maʋoko ake pamberi paʋanhu ʋazhinji, aciti: Handinemhaka neropa romunhu uyu wakarurama; mhaka yenyu! Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ropa rake ŋgariʋe pamsoro peɗu napaʋana ʋeɗu. Ɀino akaʋasunuŋgurira Barabasi, asi Jesu wakamuroʋesa kwaɀo, akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa.
Mateo 27:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)