Mateo 26:3-16
Mateo 26:3-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru ainzi Kayafasi, uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya. Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.” Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuhwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura. Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko? Mafuta anonhuhwira aya angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.” Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo. Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuchava neni nguva dzose. Paadira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.” Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha. Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari.
Mateo 26:3-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vapristi vakuru, navakuru vavanhu vakaungana muruvazhe rwomupristi mukuru, ainzi Kaifasi. Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuuraya. Asi vakati, “Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.” Zvino Jesu akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari anechinu chearibhasitera chaiva namafuta chino mutengo mukuru, akachidururira mumusoro wake, agere pakudya. Asi vadzidzi vake vachizviona, vakafa neshungu, vakati, “Kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?” “Nokuti mafuta awa angadai atengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.” Asi Jesu, achizvinzwa, akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti andiitira basa rakanaka. Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose. Nokuti zvaakadira mafuta awa pamuviri wangu, akazviitira kuvigwa kwangu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri iyi panyika dzose, izvi zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.” Zvino mumwe wavane gumi navaviri, wainzi Judhasi Isikarioti, akaenda kuvapristi vakuru, akati, “Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri?” Vakamutemera makumi matatu emari yesirivha. Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo.
Mateo 26:3-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakaungana mumuzinda womupristi mukuru ainzi Kaifasi. Vakaita bangano rokuti vasunge Jesu zvomuchivande vagomuuraya asi vakati kwete pamazuva makuru nokuti pangadaro pakaita bongozozo pakati pavanhu. Jesu paakanga ari kuBhetania ari mumba maSimoni wamaperembudzi. Kwakauya mumwe mukadzi nechinu chamafuta okuzora anokosha kwazvo chearabhasita. Akadururira mafuta acho mumusoro maJesu paakanga agere pakudya. Vadzidzi pavakazviona vakagumburwa nazvo vachiti, “Kurasa mari kudai!” Nokuti mafuta aya angadai atengeswa nemari yakawanda kwazvo ikapiwa kuvarombo. Jesu achizviziva, akati kwavari, “Ko munonetserei mukadzi uyu? Inga aita chinhu chakanakisisa wani kwandiri. Varombo munavo nguva dzose wani asi ini hamuneni nguva dzose. Nokudira kwaaita mafuta aya pamuviri wangu, aita izvi kundigadzirira kuvigwa kwangu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kuchaparidzwa shoko rakanaka iri, pasi pose, zvaaita zvichataurwa sechinhu chokumuyeuka nacho.” Zvino mumwe wavane gumi navaviri ainzi Judhasi Isikarioti akaenda kuvapristi vakuru akati, “Muchandipa chii kana ndikamuturira kwamuri.” Vakamubhadhara makumi matatu emari yesirivha. Kubvira ipapo Judhasi akanga achitsvaka nguva yokuti amutengese nayo.
Mateo 26:3-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaprista ʋakuru, naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuŋgana muruʋazhe rwomuprista mukuru, wainzi Kayafasi. Ʋakaraŋgana kuti ʋaɓate Jesu namano, ʋagomuʋuraya. Asi ʋakati: Ɀirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuʋa neɓope pakati paʋanhu. Ɀino Jesu wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, mumŋe mukadzi akaʋuya kwaari anecinu cearbastera caiʋa necizoro cinomuteŋgo mukuru, akaciɗurura pamusoro wake, agere pakudya. Asi ʋadzidzi ʋake ʋaciɀiʋona, ʋakafa neshuŋgu, ʋakati: Kuparadzwa kwakaɗaro kwaitirweiko? Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa nemari zhinji, ikapiwa ʋarombo. Asi Jesu, aciɀinzwa, akati kwaʋari: Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira ɓasa rakanaka. Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose, asi ini hamuneni ŋguʋa dzose. Nokuti ɀaakaɗira cizoro ici pamuʋiri waŋgu, wakaɀiitira kuʋigwa kwaŋgu. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evaŋgeri iyi panyika dzose, iɀi ɀakaitwa naye ɀicarebga ʋo, ʋamuraŋgarire naɀo. Ɀino mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wainzi Judasi Iskarioti, wakaenda kuʋaprista ʋakuru, akati: Mucandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri? Ʋakamuyerera masirveri anamakumi matatu. Ɀino kubva ipapo akatȿaka ŋguʋa yakafanira yokumuisa kwaʋari nayo.
Mateo 26:3-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)