Mateo 24:32-51
Mateo 24:32-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo. Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka, uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro. Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri. “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira? Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake. Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose. Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’ uye ipapo otanga kurova vamwe varanda uye nokudya nokunwa nezvidhakwa. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi. Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.
Mateo 24:32-51 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu, kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti ava pedyo asvika pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga. Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi zvichavawira kusvikira mvura zhinji yauya, ikavaparadza vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nenguva iyo vaviri vachava mumunda, mumwe achatorwa, mumwe akasiyiwa. Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe, mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa. Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro. Asi zivai izvi, kuti dai saimba, aiziva nguva yokusvika kwembavha, angadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzirira; nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yomusingamutariri. Ndianiko muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake, kuti avape zvokudya nenguva yakafanira? “Akaropafadzwa muranda uyo, anoti kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri, achamugadza kuti ave mutariri wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uyo akaipa akataura mumwoyo make, achiti, ‘Ishe wangu anonoka;’ akatanga kurova vamwe varanda vanoshanda pamwechete naye, akadya, akanwa pamwechete navanoraradza, ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingamutariri, nenguva yaasingazivi; akamurovesa kwazvo, akamupa mugove wake pamwechete navanyengeri; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

Mateo 24:32-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvose, zivai kuti iye ava padyo, atova pamusuo chaipo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri, zvinhu izvi zvisati zvaitika. Denga napasi zvichapera asi mazwi angu haambopfuuri. “Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vedenga, kanawo Mwanakomana asi Baba voga. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavatsvaira vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Pavarume vaviri vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. Nezvo rindirai nokuti hamuzivi kuti Tenzi wenyu anouya zuva ripi. Asi zivai izvi zvokuti dai saimba aiziva nguva yousiku ichauya nayo mbavha aigaririra. Haairega imba yake ichipazwa. Saizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingamutarisiri. “Ndoupi zvino muranda wakatendeka uye akangwara anoiswa pabasa natenzi wake rokutarira vomumusha make kuti avape zvokudya zvavo nenguva kwayo? Akakomborerwa muranda uyo anoti kana tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. Zvechokwadi, ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uya akaipa, achizviti mumwoyo, ‘Tenzi wangu anonoka,’ iye wotanga kurova vamwe varanda naye, achidya nokunwa nezvidhakwa; tenzi womuranda uyu achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi, omuranga achimuisa pamwechete navanyengedzi, ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.
Mateo 24:32-51 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo: Kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀose, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri kuȿikira iɀoɀi ɀose ɀaitika. Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri. Asi kana riri zuʋa iro neŋguʋa iyo, hakuna‐unoɀiziʋa, kunyaŋge ʋatumŋa ʋokuɗeŋga, kunyaŋge Mŋanakomana, asi Ƃaɓa ʋoga. Sapamazuʋa aNoa, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Nokuti sapamazuʋa iwayo, mvura zhinji isati yaȿika, ʋaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa Noa raakapinda naro muareka, ʋasiŋgaziʋi kuȿikira mvura zhinji yaʋuya, ikaʋabvisa ʋose; ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Neŋguʋa iyo ʋaʋiri ʋacaʋa mumunda, mumŋe ucatorwa, mumŋe akasiyiwa. Ʋakadzi ʋaʋiri ʋacakuya paguyo rimŋe, mumŋe ucatorwa, mumŋe akasiyiwa. Rindai naiɀoɀo, nokuti hamuziʋi zuʋa, Ishe wenyu raanoʋuya naro. Asi ziʋai iɀi, kuti mŋene weimba, ɗai aiziʋa ŋguʋa yokuȿika kwembava, uŋgaɗai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe. Naiɀoɀo nemi ʋo, garai makaɀigadzira; nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yomusiŋgamutariri. Ndianiko muranda wakatendeka, wakaŋgwara, wakagadzwa nashe wake aʋe mutariri weimba yake, kuti aʋape ɀokudya neŋguʋa yakafanira? Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake aciȿika, akamuwana aciita saiɀoɀo. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ucamugadza aʋe mutariri weɀose ɀaanaɀo. Asi kana muranda uyo wakaipa akataura mumŋoyo make, aciti: Ishe waŋgu wanonoka; akataŋga kuroʋa ʋamŋe ʋaranda ʋanoɓata pamŋe cete naye, akadya, akanwa pamŋe cete naʋakaɓatwa; ishe womuranda uyo ucaȿika nezuʋa raasiŋgamutariri, neŋguʋa yaasiŋgaziʋi; akamuroʋesa kwaɀo, akamupa mugoʋe wake pamŋe cete naʋanyeŋgeri; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
Mateo 24:32-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)