Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 24:32-51

Mateo 24:32-51 SUB1949

Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo: Kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀose, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri kuȿikira iɀoɀi ɀose ɀaitika. Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri. Asi kana riri zuʋa iro neŋguʋa iyo, hakuna‐unoɀiziʋa, kunyaŋge ʋatumŋa ʋokuɗeŋga, kunyaŋge Mŋanakomana, asi Ƃaɓa ʋoga. Sapamazuʋa aNoa, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Nokuti sapamazuʋa iwayo, mvura zhinji isati yaȿika, ʋaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa Noa raakapinda naro muareka, ʋasiŋgaziʋi kuȿikira mvura zhinji yaʋuya, ikaʋabvisa ʋose; ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Neŋguʋa iyo ʋaʋiri ʋacaʋa mumunda, mumŋe ucatorwa, mumŋe akasiyiwa. Ʋakadzi ʋaʋiri ʋacakuya paguyo rimŋe, mumŋe ucatorwa, mumŋe akasiyiwa. Rindai naiɀoɀo, nokuti hamuziʋi zuʋa, Ishe wenyu raanoʋuya naro. Asi ziʋai iɀi, kuti mŋene weimba, ɗai aiziʋa ŋguʋa yokuȿika kwembava, uŋgaɗai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe. Naiɀoɀo nemi ʋo, garai makaɀigadzira; nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yomusiŋgamutariri. Ndianiko muranda wakatendeka, wakaŋgwara, wakagadzwa nashe wake aʋe mutariri weimba yake, kuti aʋape ɀokudya neŋguʋa yakafanira? Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake aciȿika, akamuwana aciita saiɀoɀo. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ucamugadza aʋe mutariri weɀose ɀaanaɀo. Asi kana muranda uyo wakaipa akataura mumŋoyo make, aciti: Ishe waŋgu wanonoka; akataŋga kuroʋa ʋamŋe ʋaranda ʋanoɓata pamŋe cete naye, akadya, akanwa pamŋe cete naʋakaɓatwa; ishe womuranda uyo ucaȿika nezuʋa raasiŋgamutariri, neŋguʋa yaasiŋgaziʋi; akamuroʋesa kwaɀo, akamupa mugoʋe wake pamŋe cete naʋanyeŋgeri; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.

Verenga chikamu Mateo 24