Mateo 23:37-39
Mateo 23:37-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo. Tarira, wasiyirwa imba yako yangova dongo. Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’ ”
Mateo 23:37-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Jerusaremu! Jerusaremu! Iwe unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, sembambo inounganidza hukwana dzayo, munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo. Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe.’ ”
Mateo 23:37-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uye uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai. Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako pamwechete sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo, asi makaramba. Chiona imba yako yasiiwa yava dongo. Nokuti ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
Mateo 23:37-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jerusarema! Jerusarema! iwe unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri! Ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako, semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe.
Mateo 23:37-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)