Mateo 23:13-39
Mateo 23:13-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwedenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda. [ Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita minyengetero mirefu yemanomano; naizvozvo muchatongerwa zvakaipa nokupfuurisa.] “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri. “Mune nhamo, imi vatungamiriri vakapofumara, munoti, ‘Ani naani anopika netemberi, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nendarama yetemberi, ndiye anemhosva.’ Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana temberi, inoita ndarama ive tsvene? Munotizve, ‘Ani naani anopika nearitari, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye ane mhosva.’ Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene? “Naizvozvo, anopika nearitari, anopika nayo, nezvose zviri pamusoro payo. “Neanopika netemberi, anopika nayoo, neanogara mairi. Neanopika nedenga, anopika nechigaro choushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi chemindi, neanisi, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurayiro, zvinoti kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo. Imi vatungamiri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza ngamera. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nekukara nokusazvidzora. “Iwe muFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose. Saizvozvo nemiwo munoonekwa navanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama, muchiti, dai taivapo pamazuva amateteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuuraya vaporofita. Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakauraya vaporofita. Zvino chizadzisai gamha rakasiyiwa namateteguru enyu. Imi nyoka, imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena? Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchauraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose. Kuti ropa rose ravakarurama, rakateurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAbheri akanga akarurama, kusvikira paropa raZekariya, mwanakomana waBharakia, wamakauraya pakati petemberi nearitari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, izvi zvose zvichauya pamusoro porudzi urwu. “Jerusaremu! Jerusaremu! Iwe unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, sembambo inounganidza hukwana dzayo, munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo. Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe.’ ”
Mateo 23:13-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi. Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi. “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’ Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene? Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’ Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene? Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi. Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi. Uye uyo anopika nedenga anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga. Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora. Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina. Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama. Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’ Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita. Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu! “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena? Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta. Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu. “Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo. Tarira, wasiyirwa imba yako yangova dongo. Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’ ”
Mateo 23:13-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munopfigira ʋanhu ʋushe bgokuɗeŋga; nokuti imi hamupindi mumene, naiʋo, ʋopinda, hamuʋatenderi kupinda. [Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munoparadza dzimba dzecirikadzi muciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; naiɀoɀo mucatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa.] Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munofamba paguŋgwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumŋe; kana awanikwa, munomuita mŋanakomana weGehena kukunda imi kaʋiri. Munenhamo, imi ʋatuŋgamiriri ʋakapofumara, munoti: Aninani unopika netembere, haɀina haɀo; asi aninani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhoȿa. Imi mapenzi namapofu! Cikuru ndecipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama iʋe tȿene? Munoti ɀe: Aninani unopika neartari, haɀina haɀo; asi aninani unopika necipo ciri pamsoro payo, ndiye unemhoȿa. Imi mapenzi namapofu! Cikuru ndecipiko, cipo kana artari, inoita cipo ciʋe citȿene? Naiɀoɀo, unopika neartari, unopika nayo, neɀose ɀiri pamsoro payo. Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi. Nounopika nokuɗeŋga, unopika necigaro coʋushe caMŋari, nounogara pamsoro paco. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munopa cegumi ceminte, neanise, nekumini, mucirega ɀinhu ɀikuru ɀomurairo, ɀinoti: Kururamisira mhaka, neŋgoni, nokutendeka; maifanira kuɀiita iɀi, nokusarega kuita iɀoɀo. Imi ʋatuŋgamiri ʋakapofumara, munomimina runyunyu, mucimedza kamera. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusaɀidzora. Iwe muFarise wakapofumara, taŋga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwaɀo kugocena ʋo. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti makafanana namarinda akaceneswa, anoʋonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa aʋakafa netȿina yose. Saiɀoɀo nemi ʋo munoʋonekwa naʋanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyeŋgera nokuipa. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise ʋanyeŋgeri! Nokuti munoʋaka marinda aʋaprofita, nokushoŋgedza marinda aʋakarurama, muciti: Ƌai taiʋa’po pamazuʋa amateteguru eɗu, tiŋgaɗai tisina‐kuʋaɓatsira kuʋuraya ʋaprofita. Saka munoɀipupurira kuti muri ʋanakomana ʋaʋakaʋuraya ʋaprofita. Ɀino cizadzisai ciyero camateteguru enyu. Imi nyoka, imi ʋana ʋenyoka! Mucatiza seiko kutoŋga kweGehena? Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri ʋaprofita, naʋakacenjera, naʋanyori; mucaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo, nokuʋaroʋer cinjikwa; mucaroʋesa ʋamŋe ʋaʋo mumasinagoge enyu, nokuʋadziŋgirira mumaguta ose. Kuti ropa rose raʋakarurama, rakateʋurirwa panyika, riʋuye pamsoro penyu, kubva paropa raAberi wakaŋga akarurama, kuȿikira paropa raZakaria, mŋanakomana waBarakia, wamakaʋuraya pakati petembere neartari. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri Iɀi ɀose ɀicaʋuya pamsoro porudzi urwu. Jerusarema! Jerusarema! iwe unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri! Ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako, semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe.