“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwedenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda. [ Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita minyengetero mirefu yemanomano; naizvozvo muchatongerwa zvakaipa nokupfuurisa.]
“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri.
“Mune nhamo, imi vatungamiriri vakapofumara, munoti, ‘Ani naani anopika netemberi, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nendarama yetemberi, ndiye anemhosva.’ Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana temberi, inoita ndarama ive tsvene? Munotizve, ‘Ani naani anopika nearitari, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye ane mhosva.’ Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene?
“Naizvozvo, anopika nearitari, anopika nayo, nezvose zviri pamusoro payo.
“Neanopika netemberi, anopika nayoo, neanogara mairi. Neanopika nedenga, anopika nechigaro choushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho.
“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi chemindi, neanisi, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurayiro, zvinoti kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo. Imi vatungamiri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza ngamera.
“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nekukara nokusazvidzora.
“Iwe muFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.
“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose. Saizvozvo nemiwo munoonekwa navanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.
“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama, muchiti, dai taivapo pamazuva amateteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuuraya vaporofita. Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakauraya vaporofita. Zvino chizadzisai gamha rakasiyiwa namateteguru enyu. Imi nyoka, imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena? Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchauraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose. Kuti ropa rose ravakarurama, rakateurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAbheri akanga akarurama, kusvikira paropa raZekariya, mwanakomana waBharakia, wamakauraya pakati petemberi nearitari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, izvi zvose zvichauya pamusoro porudzi urwu.
“Jerusaremu! Jerusaremu! Iwe unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, sembambo inounganidza hukwana dzayo, munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo. Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe.’ ”