Mateo 20:1-12
Mateo 20:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwanani-ngwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa. Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa. “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita. Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’ Saka vakaenda. “Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo. Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’ “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’ “Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’ “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’ “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari. Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari. Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda. Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’
Mateo 20:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nokuti ushe hwokudenga hwakafanana nasaimba, akabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemidzambiringa vashandi. Akati atenderana navashandi kuvapa dhenari pazuva, akavatuma kumunda wake wemidzambiringa. “Akabuda nenguva inenge yechitatu, akaona vamwe vamire padare, vasina basa, akati kwavari, ‘Endai imiwo mumunda wemidzambiringa, ndigokupai zvakafanira.’ Vakaenda. Akabudazve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadarozve. Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari, ‘Makamirireiko pano zuva rose musina basa.’ Vakati kwaari, ‘Nokuti hapana nomunhu akatipa basa.’ Akati kwavari, ‘Endai nemiwo mumunda wangu wemidzambiringa.’ Ava madekwana, mwene womunda wemidzambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi, uvape mubayiro wavo, uchitanga kunowokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’ “Zvino venguva inenge yegumi neimwe vakati vachiuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari. Vokutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti tichapiwa kupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhenari. Vakati vachipiwa, vakapopotera saimba, vakati, ‘Ava vokupedzisira, vakashanda awa imwechete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.’
Mateo 20:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Umambo hwedenga hwakaita sasamusha akafumoenda kundotsvaka vashandi vokushanda mumunda wake wamagirepisi. Akawirirana navashandi mari yapazuva yedhenari, ndokuvatuma kumunda wake wamagirepisi. Akazobudazve paawa yechipfumbamwe mangwanani akaona vamwe vakamira zvavo pamusika. Akavati, “Imi endaiwo mumunda wamagirepisi. Ndichakupaiwo zvinokodzera.” Saizvozvo vakaenda. Akazobudazve paawa yegumi nembiri masikati neawa yechitatu masikati akaita zvimwechetezvo. Panguva inenge yechishanu zuva ravakuda kudoka akabuda akaona vamwe vakamira zvavo. Iye akati kwavari, “Ko munodarirei kungomira zvenyu kudai zuva rose musina chamuri kuita?” Vakati kwaari, “Nokuti hapana atitora kuti atipewo basa.” Iye akati, “Nemiwo endaiwo mumunda wamagirepisi.” Kumanheru muridzi womunda wamagirepisi akati kuno mutariri wake, “Chidaidza vashandi uvape mibayiro yavo utangise novokupedzisira uchigumisira nevokutanga.” Vaya vakapiwa basa paawa yechishanu manheru pavakauya, mumwe nomumwe wavo akagamuchira mubayiro wapazuva uya wedhenari. Vokutanga vaya pavakauyawo, vakafunga kuti vachagamuchira yakawanda, asi mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhenari. Pavairigamuchira vakanyunyutira saimba uya vachiti, “Ava vokupedzisira vashanda kweawa imwechete chete asi imi mavaenzanisa nesu, isu tabinduka zuva rose tichipiswa nezuva.”
Mateo 20:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nomŋene weimba, wakaɓuɗa maŋgwanani kundotȿakira munda wake wemizambiriŋga ʋaɓati. Wakati atenderana naʋaɓati kuʋapa denari pazuʋa, akaʋatuma kumunda wake wemizambiriŋga. Akaɓuɗa neŋguʋa ineŋge yecitatu, akaʋona ʋamŋe ʋamire paɗare, ʋasiŋgaɓati; akati kwaʋari: Endai imi ʋo mumunda wemizambiriŋga, ndigokupai ɀakafanira. Ʋakaenda. Akaɓuɗa ɀe neŋguʋa ineŋge yecitanhatu neyepfumbamŋe, akaɗaro ɀe. Akaɓuɗa neŋguʋa ineŋge yegumi neimŋe, akawana ʋamŋe ʋamire; akati kwaʋari: Makamirireiko pano zuʋa rose musiŋgaɓati? Ʋakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa ɓasa. Akati kwaʋari: Endai nemi ʋo mumunda wemizambiriŋga. Aʋa maɗekwana, mŋene womunda wemizambiriŋga akati kumutariri wake: Ƌana ʋaɓati, uʋape muɓairo waʋo, ucitaŋga kunoʋokupedzisira, ugumire kunoʋokutaŋga. Ɀino ʋeŋguʋa ineŋge yegumi neimŋe ʋakati ʋaciʋuya, mumŋe nomumŋe akapiwa denari. Ʋokutaŋga ʋakati ʋaciʋuya, ʋakati ʋacapiwa nokupfuʋura; iʋo ʋakapiwa ʋo mumŋe nomumŋe denari. Ʋakati ʋacipiwa, ʋakapopotera mŋene weimba, ʋakati: Aʋa ʋokupedzisira, ʋakaɓata ŋguʋa imŋe cete, maʋaenzanisa nesu, takatambudzika zuʋa rose, ticipiswa nezuʋa.
Mateo 20:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)