Umambo hwedenga hwakaita sasamusha akafumoenda kundotsvaka vashandi vokushanda mumunda wake wamagirepisi. Akawirirana navashandi mari yapazuva yedhenari, ndokuvatuma kumunda wake wamagirepisi. Akazobudazve paawa yechipfumbamwe mangwanani akaona vamwe vakamira zvavo pamusika. Akavati, “Imi endaiwo mumunda wamagirepisi. Ndichakupaiwo zvinokodzera.” Saizvozvo vakaenda. Akazobudazve paawa yegumi nembiri masikati neawa yechitatu masikati akaita zvimwechetezvo. Panguva inenge yechishanu zuva ravakuda kudoka akabuda akaona vamwe vakamira zvavo. Iye akati kwavari, “Ko munodarirei kungomira zvenyu kudai zuva rose musina chamuri kuita?” Vakati kwaari, “Nokuti hapana atitora kuti atipewo basa.” Iye akati, “Nemiwo endaiwo mumunda wamagirepisi.” Kumanheru muridzi womunda wamagirepisi akati kuno mutariri wake, “Chidaidza vashandi uvape mibayiro yavo utangise novokupedzisira uchigumisira nevokutanga.” Vaya vakapiwa basa paawa yechishanu manheru pavakauya, mumwe nomumwe wavo akagamuchira mubayiro wapazuva uya wedhenari. Vokutanga vaya pavakauyawo, vakafunga kuti vachagamuchira yakawanda, asi mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhenari. Pavairigamuchira vakanyunyutira saimba uya vachiti, “Ava vokupedzisira vashanda kweawa imwechete chete asi imi mavaenzanisa nesu, isu tabinduka zuva rose tichipiswa nezuva.”
Verenga chikamu Mateu 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 20:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo