Mateo 15:10-28
Mateo 15:10-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, “Teererai, munzwisise. Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu, asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.” Zvino vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Munoziva kuti vaFarisi vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?” Akapindura, akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.” “Varegei; mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.” Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tidudzireiwo mufananidzo uyu.” Iye akati, “Nazvino nemiwo muchigere kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazoraswa kunze? Asi zvinobuda mumuromo, zvinobva mumwoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noupfeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokushonha Mwari; ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namaoko asati ashamba, hazvisvibisi munhu.” Zvino Jesu akabvapo, akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni. Zvino, tarira, mukadzi muKanani akabva kunyika iyo, akadana, achiti, “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akabatwa kwazvo nomweya wakaipa.” Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakauya vakakumbira kwaari, vachiti, “Mumuendesei, nokuti anodanidzira shure kwedu.” Asi akapindura, akati, “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsiraeri.” Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.” Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.” Akati, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.” Zvino Jesu akapindura, akati kwaari, “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo.
Mateo 15:10-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise. Icho chinopinda mumuromo momunhu ‘hachimusvibisi’, asi chinobuda mumuromo make ndicho ‘chinomusvibisa’.” Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?” Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.” Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.” Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa? Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze! Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu. Izvi ndizvo ‘zvinosvibisa’ munhu, asi kudya asina kushamba maoko ‘hazvimusvibisi’.” Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.” Jesu haana chaakapindura. Ipapo vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.” Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.” Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!” Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.” Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.” Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.

Mateo 15:10-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akadaidza vanhu ndokuti kwavari, “Teererai munzwisise, “Munhu haan'oreswe nezvinopinda mukanwa make asi zvinobuda mukanwa make ndizvo zvinon'oresa munhu.” Vadzidzi vake vakauya vakati kwaari, “Munoziva here kuti vaFarisei vakagumbuka pavakanzwa zvamakataura zviya.” Iye akati, “Chose chisina kudyarwa naBaba vangu chichadzipurwa. Varegei vakadaro, mapofu avatungamiri. Zvino kana bofu, rikatungamirira rimwe bofu vachawira vose mugomba.” Asi Pita akati kwaari, “Titsanangurirei muenzaniso uyu.” Jesu ndokuti, “Nemiwo hamunzwisise nhai? Hamuoni here kuti chinhu chose chinopinda mukanwa chinopfuura nomudumbu chichizobva chorasirwa kunze. Asi chinobuda mukanwa momunhu chinobva mumwoyo, ndicho chinon'oresa munhu. Nokuti mumwoyo ndimo munobva pfungwa dzakaipa dzinoti, umhondi noupombwe nokufeva nokuba nokurevera vamwe nhema uye kutaura zvakaipa nezvavamwe. Izvi ndizvo zvinon'oresa munhu asi zvokudya usina kushamba maoko hazvin'orese munhu.” Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Hoyo mumwe mudzimai wechiKanani, womudunhu iroro, akauya achichema achiti, “Ndinzwireiwo tsitsi, Tenzi, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akagarwa zvakanyanya nomweya wakaipa.” Asi Jesu haana chaakamupindura. Vadzidzi vake vakauya vakamukumbira vachiti, “Mutaurirei aende nokuti ari kutitevera achichema.” Iye akapindura achiti, “Ini ndakatumwa kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri.” Asi mudzimai uya akauya akapfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, ndibatsirei zvenyu.” Jesu akamupindura achiti, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikanda kuimbwa.” Mudzimai uya akati, “Hongu zvazvo Tenzi; asi kunyange mbwanana dzinodya tumedu tunodonha pateburu yavatenzi vadzo.” Jesu akamupindura achiti, “Iwe mudzimai chitendero chako chikuru! Ngazviitwe sokuda kwako.” Mwanasikana wake akabva anaya pakarepo.
Mateo 15:10-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akaɗana ʋanhu ʋazhinji kwaari, akati kwaʋari: Tererai, munzwisise: Iɀo ɀinopinda mumuromo, haɀiȿiɓisi munhu, asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Munoziʋa kuti ʋaFarise ʋakagumburwa ʋacinzwa shoko iri here? Akapindura, akati: Muti mumŋe nomumŋe usina‐kusimŋa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ucadzurwa. Ʋaregei; mapofu anotuŋgamirira mapofu. Ɀino kana ɓofu ricituŋgamirira ɓofu, acawira mugomba ose ari maʋiri. Petro akapindura, akati kwaari: Tiɗudzirei ʋo mufananidzo uyu. Iye akati: Naɀino nemi ʋo mucigere kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀinopinda mumuromo, ɀinoenda muɗumbu, ɀikazorashwa kunze? Asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ɀinobva mumŋoyo; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Nokuti mumŋoyo munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noʋupombge, nokuɓa, nokupupura nhema, nokumhura Mŋari; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu; asi kudya namaʋoko asati ashambga, haɀiȿiɓisi munhu. Ɀino Jesu wakabva’po, akaenda kumatiʋi enyika yeTire neSidoni. Ɀino, tarira, mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo, akaɗana, aciti: Ndinzwirei ŋgoni, Ishe, Mŋanakomana waDavidi; mŋanasikana waŋgu wakaɓatwa kwaɀo nomŋeya wakaipa. Asi haana‐kumupindura neshoko rimŋe. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Mumuendisei, nokuti unoɗanidzira shure kweɗu. Asi wakapindura, akati: Ndakaŋgotumirwa kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri. Ɀino akaʋuya, akamunamata, akati: Ishe, ɗondiɓatsirai henyu. Akapindura, akati: Haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo. Ɀino Jesu akapindura, akati kwaari: Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, ɀaunoɗa ŋgaɀiitwe. Mŋanasikana wake akapora kubva paŋguʋa iyo.
Mateo 15:10-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)