Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, “Teererai, munzwisise. Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu, asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.”
Zvino vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Munoziva kuti vaFarisi vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?”
Akapindura, akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.” “Varegei; mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.”
Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tidudzireiwo mufananidzo uyu.” Iye akati, “Nazvino nemiwo muchigere kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazoraswa kunze? Asi zvinobuda mumuromo, zvinobva mumwoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noupfeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokushonha Mwari; ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namaoko asati ashamba, hazvisvibisi munhu.”
Zvino Jesu akabvapo, akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni.
Zvino, tarira, mukadzi muKanani akabva kunyika iyo, akadana, achiti, “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akabatwa kwazvo nomweya wakaipa.”
Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakauya vakakumbira kwaari, vachiti, “Mumuendesei, nokuti anodanidzira shure kwedu.”
Asi akapindura, akati, “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsiraeri.”
Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.”
Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.”
Akati, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”
Zvino Jesu akapindura, akati kwaari, “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo.