Mateo 14:25-31
Mateo 14:25-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!” Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!” Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu. Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!” Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?”
Mateo 14:25-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva yechina yousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka, vachiti, “Madzimudzangara,” vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akataura navo, akati, “Tsungai mwoyo ndini, musatya.” Zvino Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, kana murimi, ndiraire kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya!” Petirosi akaburuka muigwa, akafamba pamusoro pemvura, akaenda kuna Jesu. Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino akati otanga kunyura, akadanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!” Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Iwe unokutenda kuduku, wakona kutenda neiko?”
Mateo 14:25-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti yava nguva yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa. Asi vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya zvikuru vachiti, “Idzimudzangara.” Vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.” Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Pita akabuda mugwa akafamba napamusoro pemvura achienda kuna Jesu. Pita paakaona mhepo, akatya. Akatangisa kunyura ndokudaidzira achiti, “Tenzi ndiponesei.” Pakarepo Jesu akabva atambanudza ruoko rwake akamubata achiti kwaari, “Inga une chitendero chiduku. Wakahadzikireiko.”
Mateo 14:25-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa yecinna yoʋusiku akaʋuya kwaʋari, acifamba pamsoro peguŋgwa. Ɀino ʋadzidzi ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakamanikidzwa, ʋaciti madzimudzaŋgara, ʋakaɗanidzira nokutya. Pakarepo Jesu akataura naʋo, akati: Tsuŋgai mŋoyo ndini, musatya. Ɀino Petro akamupindura, akati: Ishe, kana muri’mi, ndiraire kuti ndiʋuye kwamuri pamsoro pemvura. Iye akati: Ʋuya! Petro akaɓuruka mugwa, akafamba pamsoro pemvura, akaenda kunaJesu. Asi wakati aciʋona mhepo inesimba, akatya; ɀino wakati otaŋga kunyura, akaɗanidzira aciti: Ishe, ndiponesei! Pakarepo Jesu akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Iwe unokutenda kuɗuku, wanyunyutireiko?
Mateo 14:25-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)