Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 14:25-31

Mateu 14:25-31 SCLBD

Kuzoti yava nguva yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa. Asi vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya zvikuru vachiti, “Idzimudzangara.” Vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.” Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Pita akabuda mugwa akafamba napamusoro pemvura achienda kuna Jesu. Pita paakaona mhepo, akatya. Akatangisa kunyura ndokudaidzira achiti, “Tenzi ndiponesei.” Pakarepo Jesu akabva atambanudza ruoko rwake akamubata achiti kwaari, “Inga une chitendero chiduku. Wakahadzikireiko.”

Verenga chikamu Mateu 14

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateu 14:25-31