Mateo 13:47-58
Mateo 13:47-58 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove. Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa. Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.” Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?” Vakapindura vakati, “Hongu.” Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.” Jesu akati apedza mifananidzo iyi, akabvapo. Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya? Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanunʼuna vake havasi Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi? Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?” Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.” Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo.
Mateo 13:47-58 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ushe hwedenga hwakafananazve nousvasvi hunokandirwa mugungwa, hunounganidza marudzi ose ehove; kana hwazara vanohukwevera pamhenderekedzo, vakagara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirasa. Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika; vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakarurama, vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.” (Jesu akati kwavari), “Manzwisisa izvozvo zvose here?” Vakati kwaari, “Hongu, Ishe.” Akati kwavari, “Naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvoushe hwekudenga, akafanana, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvekare papfuma yake.” Jesu akati apedza mifananidzo iyo, akabvapo. Akasvika kunyika yake, akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara, vakati, “Munhu uyu awanepiko kuchenjera uku namabasa esimba? Ko haasi mwanakomana womuvezi here? Ko mai vake havazonzi Maria here, vakoma navanun'una vake havanzi Jakobho, naJosefa, naSimoni, naJudhasi here. Nehanzvadzi dzake hadzisi pakati patiri dzose here? Ko iye akagowanepi zvinhu izvozvo zvose?” Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nomumba make.” Akasaita mabasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwavo.
Mateo 13:47-58 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Umambo hwedenga hwakafananazve nousvasvi hwakakandwa mugungwa hukakukudza hove dzorudzi norudzi. Pahwakanga hwazara, vakahukwevera pamahombekombe. Vakagara pasi vachisarudza dzakanaka vachiisa mumidziyo vachirasa dzakaipa. Ndizvozvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Vatumwa vachabuda vachindokamura vakaipa kubva muna vakarurama vachivakanda mubisiro romoto. Imomo vanhu vachachema vachirumanidza mazino. “Manyatsonzwisisa here zvose izvi?” Ivo vakati kwaari, “Hongu.” Iye akati kwavari, “Sokudaro nyanzvi yose yomutemo yakanyatsodzidziswa zvomutemo woumambo hwedenga, yakafanana nasaimba anoburitsa mudura rake zvitsva nezvitsaru.” Jesu paakapedza mienzaniso iyi, akabvapo oenda. Paakasvika kunyika yokwake, akavadzidzisa musinagogu mavo zvokuti vakashamiswa vachiti, “Munhu uyu akawanepi ungwaru uhu nezvishamiso izvi? Haasiri iye here mwanakomana womuvezi? Amai vake handivo here vanonzi Maria? Ko vana Jemusi naJosefi naSimoni naJudhasi havasi mukoma nomunun'una naye here? Inga hanzvadzi dzake dzose tinadzo wani. Ko munhu uyu, zvose izvi akazviwana kupi?” Vakagumbuka naye. Jesu akati kwavari, “Muporofita anoremekedzwa kumwe kose kusiya munyika make nomumusha make.” Haana kukwanisa kuita zvishamiso zvizhinji ikoko nokuda kokusatenda kwavo.
Mateo 13:47-58 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe norutaʋa runokandirwa muguŋgwa, runoʋuŋganidza marudzi ose ehoʋe; kana rwazara ʋanorukweʋera pamhenderekedzo, ʋakagara pasi, ʋakaʋuŋganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa ʋanodzirasha. Ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika; ʋatumŋa ʋacaɓuɗa, ʋacaɓuɗisa ʋakaipa pakati paʋakarurama, ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. [Jesu akati kwaʋari:] Manzwisisa iɀoɀo ɀose here? Ʋakati kwaari: Hoŋo, [Ishe]. Akati kwaʋari: Naiɀoɀo munyori mumŋe nomumŋe wakadzidziswa ɀoʋushe bgokuɗeŋga, wakafanana nomunhu, mŋene weimba, unoɓuɗisa ɀinhu ɀitȿa neɀekare pafuma yake. Jesu wakati apedza mifananidzo iyo, akabva’po. Akaȿika kunyika yake, akaʋadzidzisa musinagoge raʋo, nokuɗaro ʋakakatyamara, ʋakati: Munhu uyu wawanepiko kucenjera uku namaɓasa esimba? Ko haazi mŋanakomana womuʋezi here? Ko mai ʋake haʋaidzwi Maria here, naʋanuŋuna ʋake Jakobo, naJosefa, naSimoni, naJudasi here? Nehanɀadzi dzake hadzizi pakati patiri dzose here? Ko iye wakagowanepi ɀinhu iɀoɀo ɀose? Ʋakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nomumba make. Akasaita maɓasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwaʋo.
Mateo 13:47-58 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)