Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 13:47-58

Mateo 13:47-58 BDSC

“Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove. Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa. Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.” Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?” Vakapindura vakati, “Hongu.” Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.” Jesu akati apedza mifananidzo iyi, akabvapo. Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya? Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanunʼuna vake havasi Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi? Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?” Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.” Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo.