Mateo 12:43-50
Mateo 12:43-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kana mweya wakaipa wabva pano munhu, unofamba-famba nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo asi unorishaya. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka. Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita kurudzi urwu rwakaipa.” Jesu paakanga achiri kutaura kuvanhu vazhinji, mai vake navanunʼuna vake vakamira panze vachida kutaura naye. Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vamire panze, vari kuda kutaura nemi.” Akamupindura akati, “Ko, mai vangu ndiani, navanunʼuna vangu ndivanaani?” Achinongedzera vadzidzi vake akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu. Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.”

Mateo 12:43-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu unopota panzvimbo dzisina mvura, uchitsvaka zororo, uchirishayiwa. “Zvino unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda;’ asi uchisvika, unoiwana isina chiro, yakatsvairwa, yanatswa. Zvino unoenda, ndokutora mimwe mweya minomwe inoupfuura nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo. Kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Zvichaita saizvozvowo norudzi urwu rwakaipa.” Akati achataura navanhu vazhinji, tarira, mai vake navanun'una vake vakamira kunze, vachitsvaka kutaura naye. Mumwe akati kwaari, “Havo mai venyu navanun'una venyu vamire kunze, vachitsvaka kutaura nemi.” Akapindura, akati kuna iye amuudza, “Mai vangu ndianiko, navanun'una vangu ndivanaaniko?” Ndokutambanudza ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati, “Tarirai, mai vangu navanun'una vangu! “Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye mukoma nomunun'una, nehanzvadzi, namai kwandiri.”
Mateo 12:43-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu, unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera, asi unopashaya. Zvino unozoti, regai ndidzokere kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unosvikoiwana isina chirimo yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa. Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogara imomo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga. Ndizvo zvichaitika kuchizvarwa chino ichi chakaipa.” Paakanga achiri kutaura kugungano riya ravanhu, amai vake navakoma navanun'una naye vakanga vatomira panze vachikumbira kutaura naye. [ Naizvozvo mumwe munhu akamutaurira kuti, “Amai venyu navakoma navanun'una venyu vamire panze, vari kukumbira kutaura nemi.”] Jesu akapindura munhu akanga amuudza achiti, “Ko amai vangu ndiani vakoma navanun'una vangu ndavanani?” Akatambanudza ruoko kuna vadzidzi vake achiti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu! Nokuti aninaani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mukoma nomunun'una neni nehanzvadzi naamai vangu.”
Mateo 12:43-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana mŋeya wetȿina waɓuɗa kumunhu, unopota panɀimbo dzisinemvura, ucitȿaka zororo, ucirishaiwa. Ɀino unoti: Ndicadzokera kumba kwaŋgu kwandakaɓuɗa; asi uciȿika, unoiwana isineciro, yakatȿairwa, yanatswa. Ɀino unoenda, ndokutora mimŋe mŋeya minomŋe inoupfuʋura nokuipa, ndokupinda, ndokugara’mo; kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuʋura kutaŋga kwake. Ɀicaita saiɀoɀo ʋo norudzi urwu rwakaipa. Wakati acataura naʋanhu ʋazhinji, tarira, mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakamira kunze, ʋacitȿaka kutaura naye. Mumŋe akati kwaari: Haʋo mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu ʋamire kunze, ʋacitȿaka kutaura nemi. Akapindura, akati kunaiye wamuʋudza: Mai ʋaŋgu ndianiko, naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋananiko? Ndokutambanudza ruʋoko rwake kuʋadzidzi ʋake, akati: Tarirai, mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu! Nokuti aninani unoita kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga, ndiye munuŋuna waŋgu, nehanɀadzi, namai.
Mateo 12:43-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)