Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 12:43-50

Mateu 12:43-50 SCLBD

“Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu, unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera, asi unopashaya. Zvino unozoti, regai ndidzokere kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unosvikoiwana isina chirimo yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa. Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogara imomo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga. Ndizvo zvichaitika kuchizvarwa chino ichi chakaipa.” Paakanga achiri kutaura kugungano riya ravanhu, amai vake navakoma navanun'una naye vakanga vatomira panze vachikumbira kutaura naye. [ Naizvozvo mumwe munhu akamutaurira kuti, “Amai venyu navakoma navanun'una venyu vamire panze, vari kukumbira kutaura nemi.”] Jesu akapindura munhu akanga amuudza achiti, “Ko amai vangu ndiani vakoma navanun'una vangu ndavanani?” Akatambanudza ruoko kuna vadzidzi vake achiti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu! Nokuti aninaani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mukoma nomunun'una neni nehanzvadzi naamai vangu.”

Verenga chikamu Mateu 12