Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 11:7-30

Mateo 11:7-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here? Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura muprofita. Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: “Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.” Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora. Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti: “ ‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’ Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’ Mwanakomana woMunhu akanga achidya uye achinwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.” Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka. “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota. Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi. Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.” Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku. Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 11

Mateo 11:7-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here? Ko makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo. Asi makanga mabudireiko? Kuzoona muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri, anopfuura kwazvo muporofita. Nokuti ndiye akanyorwa pamusoro pake, zvichinzi, ‘Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, Achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’ Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kunaJohani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwedenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwedenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba. Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kusvikira kuna Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achinzi anouya. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe. “Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare, vanodanidzira kushamwari dzavo, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takaungudza, mukasachema.’ Nokuti Johani akauya, asingadyi, asinganwi, zvino vanoti, ‘Ane mweya wakaipa.’ “Mwanakomana womunhu akauya, achidya, achinwa, zvino voti, ‘Tarirai munhu anokara, nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi!’ Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.” Zvino akatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati, “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare vakaisa masaga nedota. “Asi ndinoti kwamuri, Tire neSidhoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuuremi. Iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipo nanhasi. “Asi ndinoti kwamuri, ‘Nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuura iwe.’ ” Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche. Hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna anoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna anoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye waanenge Mwanakomana achida kumuzivisa iye. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 11

Mateo 11:7-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Nhumwa dziya padzakanga dzavakuenda, Jesu akatanga kutaura kuruzhinji rwavanhu nezvaJohani, achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here? Ko makaenderei? Kundoona munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Munoziva kuti vanopfeka hanzu dzakapfavirira vari mudzimba dzamadzimambo. Ko zvino makaenderei? Kundoona muporofita here? Ndinokutii, ‘Hongu, uye munhu anotopfuura muporofita.’ Uyu ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi, “ ‘Tarira ndinotuma nhume yangu; ichafanokugadzirira nzira yako pamberi pako.’ Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vose vakazvarwa navakadzi, hakuna mukuru kupinda Johani Muombeki asi mudiki wokupedzisira muumambo hwedenga mukuru kwaari. Kubvira pamazuva aJohani Muombeki kusvikira iye zvino, umambo hwedenga hwakapinda mukurwiswa uye vanhu vechisimba vari kuhupamba. Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kudzamara pana Johani. Kana muchida zvenyu kuzvibvuma iye ndiye Eriya uya ainzi achauya. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Ko chizvarwa chino ndingachienzanise neiko? Chakafanana navana vagere pamisika vachidaidzira kuna vamwe vavo vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba. Takaungudza, asi imi hamuna kuchema; nokuti Johani akauya asingadyi kana kunwa asi vanhu vakati ano mweya wakaipa. Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa.’ Vanhu vakati, ‘Tarisai muone munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi ungwaru hunopembedzwa namabasa aho.” Jesu akatanga kutsiura maguta maakanga aita zvishamiso zvake zvizhinji nokuti havana kutendeuka. Akati, “Zvichakuwana zvako iwe Korezeini; zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare vakatopfeka masaga nokuzvizora madota. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, zvichava nyore kuguta reTire nereSidhoni panemi. Ko iwe Kapenaumu uchasimudzirwa kudenga here? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakaitwa muguta reSodhomu ringadai richimire nanhasi uno. Chandinokutaurirai ndechokuti, ‘Pazuva rokutongwa, zvichava nyore kunyika yeSodhomu panewe.’ ” Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba, aya madiro enyu. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba uyewo hakuna anoziva Baba kusiya Mwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari. “Uyai kwandiri imi mose makaremerwa, makatakura mutoro unorema, ini ndichakuzorodzai. Torai joko rangu mudzidze kwandiri nokuti ndine mwoyo munyoro uye ndakazvirereka muchazviwanira mwoyo yenyu zororo nokuti joko rangu rakanaka uye mutoro wangu wakareruka.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 11

Mateo 11:7-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Aʋa ʋakati ʋacienda, Jesu akataŋga kuʋudza ʋanhu ʋazhinji pamsoro paJohane, akati: Makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko kurenje? Rutsaŋga runozunuŋguswa nemhepo here? Ko makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Munhu wakapfeka ŋguʋo nyoro here? Tarirai, ʋanopfeka ŋguʋo nyoro ʋari mudzimba dzamadzimambo. Asi makaŋga maɓuɗireiko? Kuzoʋona muprofita here? Hoŋo, ndinoti kwamuri, unopfuʋura kwaɀo muprofita. Nokuti ndiye wakanyorwa pamsoro pake, ɀicinzi: Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako, Ucakugadzirira nzira yako pamberi pako. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kunaʋakaɓerekwa naʋakadzi, hakuna‐kumuka mukuru kunaJohane Mubapatidzi; asi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga mukuru kwaari. Kubva pamazuʋa aJohane Mubapatidzi kuȿikira ɀino, ʋushe bgokuɗeŋga bgunopambga, ʋapambi ʋanobgutora nesimba. Nokuti ʋaprofita ʋose nomurairo ʋakaprofita kuȿikira kunaJohane. Kana muciɗa kuɀigamucira, ndiye Eria wakaŋga acinzi unoʋuya. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Asi ndicafananidza rudzi urwu neiko? rwakafanana naʋana ʋagere paɗare, ʋanoɗanidzira kushamŋari dzaʋo, ʋaciti: Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasacema. Nokuti Johane wakaʋuya, asiŋgadyi, asiŋganwi, ɀino ʋanoti: Unomŋeya wakaipa. Mŋanakomana womunhu wakaʋuya, acidya, acinwa, ɀino ʋoti: Tarirai munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi! Kucenjera kwakaruramiswa namaɓasa ako. Ɀino wakataŋga kutuka maguta makaŋga maitwa maɓasa ake esimba mazhinji, nokuti haana‐kutendeʋuka, akati: Unenhamo iwe, Korazini! Unenhamo iwe, Betsaida! Nokuti maɓasa akaitwa mukati menyu, ɗai aiitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare ʋanamasaga neɗota. Asi ndinoti kwamuri: Tire neSidoni acarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋuremi. Iwe Kapernaume, ucasimudzirwa kuɗeŋga here? Ucaɓurukira kuHadesi, nokuti ɗai iwo maɓasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodoma, riŋgaɗai rici’po nanhasi. Asi ndinoti kwamuri: Nyika yeSodoma icarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋura iwe. Neŋguʋa iyo Jesu akapindura, akati: Ndinokutendai, Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀoɀi, mukaɀizarurira ʋacece. Hoŋo, Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai. Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu, hakuna‐unoziʋa Mŋanakomana, asi Ƃaɓa; hakuna‐unoziʋa Ƃaɓa, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye. Ʋuyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndicakuzorodzai. Muise joko raŋgu pamsoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomŋoyo unoɀininipisa, kuti muwane zororo pamŋeya yenyu. Nokuti joko raŋgu rakanaka, nomutoro waŋgu unorerukira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 11

Mateo 11:7-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)