Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 11:7-30

Mateu 11:7-30 SNA2002

Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here? Ko makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo. Asi makanga mabudireiko? Kuzoona muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri, anopfuura kwazvo muporofita. Nokuti ndiye akanyorwa pamusoro pake, zvichinzi, ‘Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, Achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’ Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kunaJohani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwedenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwedenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba. Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kusvikira kuna Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achinzi anouya. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe. “Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare, vanodanidzira kushamwari dzavo, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takaungudza, mukasachema.’ Nokuti Johani akauya, asingadyi, asinganwi, zvino vanoti, ‘Ane mweya wakaipa.’ “Mwanakomana womunhu akauya, achidya, achinwa, zvino voti, ‘Tarirai munhu anokara, nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi!’ Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.” Zvino akatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati, “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare vakaisa masaga nedota. “Asi ndinoti kwamuri, Tire neSidhoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuuremi. Iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipo nanhasi. “Asi ndinoti kwamuri, ‘Nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuura iwe.’ ” Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche. Hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna anoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna anoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye waanenge Mwanakomana achida kumuzivisa iye. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”

Verenga chikamu Mateu 11