Mateo 11:26-30
Mateo 11:26-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
Mateo 11:26-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna anoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna anoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye waanenge Mwanakomana achida kumuzivisa iye. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”
Mateo 11:26-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hongu Baba, aya madiro enyu. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba uyewo hakuna anoziva Baba kusiya Mwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari. “Uyai kwandiri imi mose makaremerwa, makatakura mutoro unorema, ini ndichakuzorodzai. Torai joko rangu mudzidze kwandiri nokuti ndine mwoyo munyoro uye ndakazvirereka muchazviwanira mwoyo yenyu zororo nokuti joko rangu rakanaka uye mutoro wangu wakareruka.”
Mateo 11:26-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hoŋo, Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai. Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu, hakuna‐unoziʋa Mŋanakomana, asi Ƃaɓa; hakuna‐unoziʋa Ƃaɓa, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye. Ʋuyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndicakuzorodzai. Muise joko raŋgu pamsoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomŋoyo unoɀininipisa, kuti muwane zororo pamŋeya yenyu. Nokuti joko raŋgu rakanaka, nomutoro waŋgu unorerukira.
Mateo 11:26-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)