Mateo 10:1-31
Mateo 10:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Jesu akadaidza kwaari vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaidzinge nesimba rokurapa zvirwere zvose namatenda ose. Mazita avapositori gumi navaviri ndaaya: wokutanga ndiSimoni anonzi Pita nomunun'una wake Andireya, kouya Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake. Kozouya Firipi naBhatoromeo kwoti Tomasi naMateu, muteresi, kwozoti Jemusi mwanakomana waArifeosi naTadheo. Kwozotiwo Simoni muKenani naJudhasi Isikarioti uya akazomupandukira. Jesu akatuma vane gumi navaviri ava achivakomera achiti, “Musaende kune vechirudzi uye musapinde muguta ravaSamaria asi endai kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri muparidze pamunenge muchifamba muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwavapedyo.’ Rapai vanorwara, mutsai vakafa, murape vana maperembudzi mudzinge mweya yakaipa. Makapiwa pachena, imi ipaiwo pachena. Musatakure mari yendarama kana yesirivha kana yekopa muzvikwama zvenyu, kana tsapo yeparwendo kana hembe mbiri kana shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anokodzera kupiwa zvokudya. “Guta riri rose ramunopinda kana musha uri wose wamunopinda bvunzai kuti ndiani anokodzera mauri. Garai naye kusvikira mabvamo. Pamunopinda imomo kwazisai vomumbamo. Kana imba iyoyo ichikodzera, rugare rwenyu ngaruende pairi. Asi kana isingakodzeri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana munhu asingadi kukugamuchirai kana kuteerera mazwi enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mava kubva pamba ipapo kana guta iroro. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, ‘Pazuva rokutongwa zvicharerukira nyika yeSodhomu neGomora kupinda guta iroro.’ “Tarirai, ndinokutumai sehwai mukati memhumhi, nezvo ngwarai senyoka asi makarurama senjiva. Ngwarirai vanhu, nokuti vachakukwirirai matare vachikurovai mumasinagogu avo. Muchakwekweretserwa kuvatongi namadzimambo, pamusana pangu, kuti mupe uchapupu pamberi pavo nokune vechirudzi. Kana vakukwirirai musazvinetse kuti muchataura sei kana kuti muchataurei nokuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva iyoyo, nokuti hamusirimi munenge muchitaura asi Mweya waBaba venyu anenge achitaura nemamuri. “Mukoma nomunun'una vachakwirirana kumatare kusvikira pakuuraisana. Babawo vachakwirira mwana wavo. Vana vachamukira vabereki kuti vauraiwe uye muchavengwa navose pamusana pezita rangu asi uyo anotirira kusvika pamugumo achaponeswa. Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya. Mudzidzi haasi mukuru pane mudzidzisi wake nomurandawo haasi mukuru pana tenzi wake. Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake? “Naizvozvo musavatye. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswa pachena kana chakavandika chisingazozivikanwa. “Zvandinokutaurirai murima zvitaurei masikati machena, zvamunonzwa nakazevezeve zviparidzei muri pamusoro pemba. Musatye avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya asi ityai uyo anogona kuuraya mweya nomuviri mugomba romoto. Tushiri tudiki tuviri hatutengeswi nesendi here? Asi hapana kamwe katwo kanowira pasi, kusiri kuda kwaBaba venyu. Kana murimi zvenyu, kunyange vhudzi romusoro wenyu rose rakaverengwa. Saka musatye; munotokosha kupinda tushiri tuzhinji.
Mateo 10:1-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha. Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri: wokutanga ndiSimoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea; Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani; Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateo muteresi; Jakobho mwanakomana waArifeasi naTadheo; Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira. Jesu akatuma gumi navaviri ava, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yeveDzimwe Ndudzi kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria. Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’ Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo. Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu; musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake. “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo. Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo. Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro. Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva. “Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo. Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokune veDzimwe Ndudzi. Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura, nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri. “Mukoma achaurayisa mununʼuna wake, nababa mwana wavo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa. Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungatizira kumaguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka. “Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake. Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake! “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi. Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba. Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira. Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa. Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.
Mateo 10:1-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akadanira kwaari vadzidzi vake vane gumi navaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaibudise, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose. Mazita avapostori vane gumi navaviri ndiwaya: Wokutanga Simoni, ainzi Petirosi, naAndireya, munun'una wake; Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake; Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateu, muteresi; Jakobho, mwanakomana waArifeo, naTadheo; Simoni muKanani, naJudhasi Isikarioti, uya wakamupandukira. Ava vane gumi navaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti, “Musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria; asi zviri nani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsiraeri. Mufambe, muparidze, muchiti, ‘Ushe hwekudenga hwaswedera.’ Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperembudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu, chingopai henyu. Musatora ndarama kana sirivha, kana ndarira muzvikwama zvenyu; kana hombodo yorwendo, kana nguo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo; nokuti mushandi akafanira kuti apiwe zvokudya zvake. “Muguta kana mumusha mamunopinda, bvunzai kuti ndiani arimo akafanira; mugarepo kusvikira muchibva. “Kana muchipinda mumba muikwazise. Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo, asi kana isina kufanira, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Ani naani asingakugamuchirii, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzunze guruva riri patsoka dzenyu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nyika dzeSodhoma neGomora dzicharerukirwa nezuva rokutongwa, kupfuura guta iro. “Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka, mururame senjiva. Asi chenjerai vanhu, nokuti vachakuisai kumatare amakurukota, nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo. Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni. Asi kana vachikuisai, musafunganya muchiti, muchataura sei, kana tichataurei, nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura. “Nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mukati menyu. “Mukoma achaisa munun'una parufu, nababa mwana wavo; vana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa. Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hamungapedzi maguta avaIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati asvika.’ “Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake! “Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozaruwi; kana chakavanzika, chisingazobudi pachena. Zvandinokuudzai murima, taurai pachena; zvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pedzimba. Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo anogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena. Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwababa venyu. Kana murimi, nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya; munopfuura shiri zhinji.
Mateo 10:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akadaidza kwaari vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaidzinge nesimba rokurapa zvirwere zvose namatenda ose. Mazita avapositori gumi navaviri ndaaya: wokutanga ndiSimoni anonzi Pita nomunun'una wake Andireya, kouya Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake. Kozouya Firipi naBhatoromeo kwoti Tomasi naMateu, muteresi, kwozoti Jemusi mwanakomana waArifeosi naTadheo. Kwozotiwo Simoni muKenani naJudhasi Isikarioti uya akazomupandukira. Jesu akatuma vane gumi navaviri ava achivakomera achiti, “Musaende kune vechirudzi uye musapinde muguta ravaSamaria asi endai kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri muparidze pamunenge muchifamba muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwavapedyo.’ Rapai vanorwara, mutsai vakafa, murape vana maperembudzi mudzinge mweya yakaipa. Makapiwa pachena, imi ipaiwo pachena. Musatakure mari yendarama kana yesirivha kana yekopa muzvikwama zvenyu, kana tsapo yeparwendo kana hembe mbiri kana shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anokodzera kupiwa zvokudya. “Guta riri rose ramunopinda kana musha uri wose wamunopinda bvunzai kuti ndiani anokodzera mauri. Garai naye kusvikira mabvamo. Pamunopinda imomo kwazisai vomumbamo. Kana imba iyoyo ichikodzera, rugare rwenyu ngaruende pairi. Asi kana isingakodzeri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana munhu asingadi kukugamuchirai kana kuteerera mazwi enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mava kubva pamba ipapo kana guta iroro. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, ‘Pazuva rokutongwa zvicharerukira nyika yeSodhomu neGomora kupinda guta iroro.’ “Tarirai, ndinokutumai sehwai mukati memhumhi, nezvo ngwarai senyoka asi makarurama senjiva. Ngwarirai vanhu, nokuti vachakukwirirai matare vachikurovai mumasinagogu avo. Muchakwekweretserwa kuvatongi namadzimambo, pamusana pangu, kuti mupe uchapupu pamberi pavo nokune vechirudzi. Kana vakukwirirai musazvinetse kuti muchataura sei kana kuti muchataurei nokuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva iyoyo, nokuti hamusirimi munenge muchitaura asi Mweya waBaba venyu anenge achitaura nemamuri. “Mukoma nomunun'una vachakwirirana kumatare kusvikira pakuuraisana. Babawo vachakwirira mwana wavo. Vana vachamukira vabereki kuti vauraiwe uye muchavengwa navose pamusana pezita rangu asi uyo anotirira kusvika pamugumo achaponeswa. Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya. Mudzidzi haasi mukuru pane mudzidzisi wake nomurandawo haasi mukuru pana tenzi wake. Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake? “Naizvozvo musavatye. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswa pachena kana chakavandika chisingazozivikanwa. “Zvandinokutaurirai murima zvitaurei masikati machena, zvamunonzwa nakazevezeve zviparidzei muri pamusoro pemba. Musatye avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya asi ityai uyo anogona kuuraya mweya nomuviri mugomba romoto. Tushiri tudiki tuviri hatutengeswi nesendi here? Asi hapana kamwe katwo kanowira pasi, kusiri kuda kwaBaba venyu. Kana murimi zvenyu, kunyange vhudzi romusoro wenyu rose rakaverengwa. Saka musatye; munotokosha kupinda tushiri tuzhinji.
Mateo 10:1-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakaɗanira kwaari ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri, akaʋapa simba pamsoro pemŋeya yetȿina, kuti ʋaiɓuɗise, nokuporesa kurwara kwose noʋukosha bgose. Mazita aʋaapostora ʋanegumi naʋaʋiri ndiwawa: Wokutaŋga Simoni, wainzi Petro, naAndrea, munuŋuna wake; Jakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane, munuŋuna wake; Firipo naBartoromeo; Tomasi naMateo, muteresi; Jakobo, mŋanakomana waArfeo, naTadeo; Simoni muKanani, naJudasi Iskarioti, uya wakamupandukira. Aʋa ʋanegumi naʋaʋiri Jesu wakaʋatuma, akaʋaraira, aciti: Musaenda munzira yaʋahedeni, musapinda muguta raʋaSamaria; asi ɀirinani muende kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri. Mufambe, muparidze, muciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera. Poresai ʋanorwara, mutsai ʋakafa, natsai ʋanamaperembudzi, ɓuɗisai mŋeya yakaipa. Makaŋgopiwa henyu, ciŋgopai henyu. Musatora ndarama kana sirveri, kana ndarira muɀikwama ɀenyu; kana homboɗo yorwendo, kana ŋguʋo mbiri, kana shaŋgu, kana tȿimbo; nokuti muɓati wakafanirwa neɀokudya ɀake. Muguta kana musha pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani uri’mo wakafanira; mugare’po kuȿikira mucibva. Kana mucipinda mumba muikwazise. Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ŋgaruʋuye pamsoro payo, asi kana isina‐kufanira, rugare rwenyu ŋgarudzokere kwamuri. Aninani usiŋgakugamuciriyi, kana kunzwa mashoko enyu, kana mucibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, nyika dzeSodoma neGomora dzicarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa, kupfuʋura guta iro. Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka cenjerai senyoka, mururame senjiʋa. Asi cenjerai ʋanhu, nokuti ʋacakuisai kuʋuŋgano dzamakurukota, nokukuroʋai ɀikuru mumasinagoge aʋo. Mucaiswa ʋo pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, muʋe ɀapupu kwaʋari nokuʋahedeni. Asi kana ʋacikuisai, musafuŋganya muciti mucataura sei, kana inyiko, nokuti mucapiwa neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura. Nokuti hamuzimi munotaura, asi Mŋeya waƂaɓa ʋenyu unotaura mukati menyu. Mukoma ucaisa munuŋuna parufu, naɓaɓa mŋana waʋo; ʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋuraya. Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋgirira kuȿikira pakuguma, ucaponeswa. Asi kana ʋacikutambudzai muguta rimŋe, tizirai kunerimŋe; nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hamuŋgapedzi maguta aʋaIsraeri, Mŋanakomana womunhu asati aȿika. Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Ɀakariŋganira mudzidzi kuti aʋe somudzidzisi wake, nomuranda aʋe sashe wake. Ɀaʋakaidza mŋene weimba Beerzeburi, ʋacaɗaro ɀikuru sei ʋeimba yake! Naiɀoɀo musaʋatya; nokuti hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. Ɀandinokuʋudzai murima, taurai pacena; ɀamunonzwa munzeʋe, paridzirai pamsoro pedzimba. Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, asi ʋasiŋgagoni kuʋuraya mŋeya; ɀikuru mutye uyo unogona kuʋuraya mŋeya nomuʋiri ɀose muGehena. Ko shiri ɗuku mbiri hadziteŋgeswi nehafu yepeni here? Asi imŋe yaɀo haiŋgawiri pasi kunze kwaƂaɓa ʋenyu. Kana muri’mi, nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Naiɀoɀo musatya; munopfuʋura shiri zhinji.