Ɀino wakaɗanira kwaari ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri, akaʋapa simba pamsoro pemŋeya yetȿina, kuti ʋaiɓuɗise, nokuporesa kurwara kwose noʋukosha bgose.
Mazita aʋaapostora ʋanegumi naʋaʋiri ndiwawa: Wokutaŋga Simoni, wainzi Petro, naAndrea, munuŋuna wake; Jakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane, munuŋuna wake; Firipo naBartoromeo; Tomasi naMateo, muteresi; Jakobo, mŋanakomana waArfeo, naTadeo; Simoni muKanani, naJudasi Iskarioti, uya wakamupandukira. Aʋa ʋanegumi naʋaʋiri Jesu wakaʋatuma, akaʋaraira, aciti:
Musaenda munzira yaʋahedeni, musapinda muguta raʋaSamaria; asi ɀirinani muende kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri. Mufambe, muparidze, muciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera. Poresai ʋanorwara, mutsai ʋakafa, natsai ʋanamaperembudzi, ɓuɗisai mŋeya yakaipa. Makaŋgopiwa henyu, ciŋgopai henyu. Musatora ndarama kana sirveri, kana ndarira muɀikwama ɀenyu; kana homboɗo yorwendo, kana ŋguʋo mbiri, kana shaŋgu, kana tȿimbo; nokuti muɓati wakafanirwa neɀokudya ɀake. Muguta kana musha pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani uri’mo wakafanira; mugare’po kuȿikira mucibva. Kana mucipinda mumba muikwazise. Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ŋgaruʋuye pamsoro payo, asi kana isina‐kufanira, rugare rwenyu ŋgarudzokere kwamuri. Aninani usiŋgakugamuciriyi, kana kunzwa mashoko enyu, kana mucibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, nyika dzeSodoma neGomora dzicarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa, kupfuʋura guta iro.
Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka cenjerai senyoka, mururame senjiʋa. Asi cenjerai ʋanhu, nokuti ʋacakuisai kuʋuŋgano dzamakurukota, nokukuroʋai ɀikuru mumasinagoge aʋo. Mucaiswa ʋo pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, muʋe ɀapupu kwaʋari nokuʋahedeni. Asi kana ʋacikuisai, musafuŋganya muciti mucataura sei, kana inyiko, nokuti mucapiwa neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura. Nokuti hamuzimi munotaura, asi Mŋeya waƂaɓa ʋenyu unotaura mukati menyu. Mukoma ucaisa munuŋuna parufu, naɓaɓa mŋana waʋo; ʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋuraya. Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋgirira kuȿikira pakuguma, ucaponeswa. Asi kana ʋacikutambudzai muguta rimŋe, tizirai kunerimŋe; nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hamuŋgapedzi maguta aʋaIsraeri, Mŋanakomana womunhu asati aȿika.
Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Ɀakariŋganira mudzidzi kuti aʋe somudzidzisi wake, nomuranda aʋe sashe wake. Ɀaʋakaidza mŋene weimba Beerzeburi, ʋacaɗaro ɀikuru sei ʋeimba yake! Naiɀoɀo musaʋatya; nokuti hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. Ɀandinokuʋudzai murima, taurai pacena; ɀamunonzwa munzeʋe, paridzirai pamsoro pedzimba. Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, asi ʋasiŋgagoni kuʋuraya mŋeya; ɀikuru mutye uyo unogona kuʋuraya mŋeya nomuʋiri ɀose muGehena. Ko shiri ɗuku mbiri hadziteŋgeswi nehafu yepeni here? Asi imŋe yaɀo haiŋgawiri pasi kunze kwaƂaɓa ʋenyu. Kana muri’mi, nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Naiɀoɀo musatya; munopfuʋura shiri zhinji.