Mateo 1:18-21
Mateo 1:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, akati akaroorwa naJosefa, vasati vasangana, akaonekwa ava napamuviri naMweya Mutsvene. Zvino Josefa, murume wake, zvaakanga ari munhu akarurama, asingadi kumunyadzisa, akafunga kumuramba chinyararire. Zvino akati acharangarira izvozvo, tarira, mutumwa waIshe akazviratidza kwaari pakurota, akati, “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakaumbwa mukati make ndechaMweya Mutsvene. Iye achazvara mwanakomana, agomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”
Mateo 1:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene. Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji. Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene. Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.”
Mateo 1:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, akati akaroorwa naJosefa, vasati vasangana, akaonekwa ava napamuviri naMweya Mutsvene. Zvino Josefa, murume wake, zvaakanga ari munhu akarurama, asingadi kumunyadzisa, akafunga kumuramba chinyararire. Zvino akati acharangarira izvozvo, tarira, mutumwa waIshe akazviratidza kwaari pakurota, akati, “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakaumbwa mukati make ndechaMweya Mutsvene. Iye achazvara mwanakomana, agomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”
Mateo 1:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu. Amai vake Maria vakanga vachangoroorwa naJosefi. Vasati vagara vose Maria akaonekwa ava napamuviri nesimba raMweya Mutsvene. Murume wake Josefi somunhu akanga akarurama, uye pamusana pokusada kumufumura, akafunga zvokumuramba chinyararire. Paakanga achiri kufunga izvi, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari mukurota achiti, “Josefi mwanakomana waDhavhidhi usatye zvako kutora Maria mukadzi wako nokuti pamuviri paanapo akapaita nesimba raMweya Mutsvene. Achapona Mwanakomana waunofanira kutumidza zita rokuti Jesu nokuti achaponesa vanhu vake kuzvitadzo zvavo.”
Mateo 1:18-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuɓerekwa kwaJesu Kristu kwaiʋa kuɗai: Maria, mai ʋake, wakati anyeŋgwa naJosefa, ʋasati ʋasoŋgana, wakaʋonekwa aʋa nemimba noMŋeya Mutȿene. Ɀino Josefa, murume wake, ɀaakaŋga ari munhu wakarurama, asiŋgaɗi kumunyadzisa, wakafuŋga kumurega cinyararire. Ɀino wakati acaraŋgarira iɀoɀo, tarira, mutumŋa waShe akaɀiratidza kwaari pakurota, akati: Josefa, mŋanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti cakagamucidzwa mukati make ndecoMŋeya Mutȿene. Iye ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye ucaponesa ʋanhu ʋake paɀiʋi ɀaʋo.
Mateo 1:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)