Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 1:18-21

Mateo 1:18-21 SUB1949

Kuɓerekwa kwaJesu Kristu kwaiʋa kuɗai: Maria, mai ʋake, wakati anyeŋgwa naJosefa, ʋasati ʋasoŋgana, wakaʋonekwa aʋa nemimba noMŋeya Mutȿene. Ɀino Josefa, murume wake, ɀaakaŋga ari munhu wakarurama, asiŋgaɗi kumunyadzisa, wakafuŋga kumurega cinyararire. Ɀino wakati acaraŋgarira iɀoɀo, tarira, mutumŋa waShe akaɀiratidza kwaari pakurota, akati: Josefa, mŋanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti cakagamucidzwa mukati make ndecoMŋeya Mutȿene. Iye ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye ucaponesa ʋanhu ʋake paɀiʋi ɀaʋo.

Verenga chikamu Mateo 1