Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maraki 1:1-14

Maraki 1:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Chirevo: Shoko raJehovha kuna Israeri kubudikidza naMaraki. Jehovha anoti, “Ndakakudai.” Asi imi munobvunza muchiti, “Makatida seiko?” Jehovha anoti, “Ko, Esau akanga asiri mukoma waJakobho here? Asi Esau ndakamuvenga, uye ndakashandura makomo ake akava matongo ndikapa nhaka yake kumakava murenje.” Edhomu angati, “Kunyange takaparadzwa hedu, tichavakazve matongo.” Asi zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vangavaka havo, asi ndichakoromora. Vachanzi Nyika Yakaipa, vanhu vachagara vakatsamwirwa naJehovha. Muchazvionera nameso enyu mugoti, ‘Jehovha mukuru zvokutopfuura miganhu yeIsraeri!’ ” Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Mwanakomana anokudza baba vake, uye muranda anokudza tenzi wake. Kana ndiri baba, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kuremekedzwa kwangu kuripiko? Ndimi, iyemi vaprista, munozvidza zita rangu. “Asi munobvunza muchiti, ‘Takazvidza zita renyu seiko?’ ” “Munondivigira zvokudya zvakasvibiswa paaritari yangu. “Asi imi munobvunza muchiti, ‘Takakusvibisai neiko?’ ” Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Pakutaura kwenyu muchiti tafura yaJehovha inozvidzika. Pamunouya nezvipfuwo zvakapofumara kuti zvibayirwe, hazvina kuipa here? Pamunobayira zvipfuwo zvakaremara kana zvinorwara, hazvina kuipa here? Chimboedzai kuzvivigira mubati wenyu! Angafadzwa nemi here? Angakugamuchirai here?” Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Zvino kumbirai Mwari kuti atiitire nyasha. Nezvipo zvakadai zvinobva mumaoko enyu, angakugamuchirai here?” “Haiwa, dai mumwe wenyu aipfiga mikova yetemberi, kuitira kuti murege kubatidza moto isina maturo paaritari yangu! Handifadzwi nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye handingagamuchiri zvipiriso zvinobva mumaoko enyu. Zita rangu richava guru pakati pendudzi, kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Zvinonhuhwira nezvipiriso zvitsvene zvichauyiswa kuzita rangu munzvimbo dzose, nokuti zita rangu richava guru pakati pendudzi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Asi munoizvidza pamunoti, ‘Tafura yaJehovha yakasvibiswa, uye zvokudya zvayo zvakashoreka.’ Uye munoti, ‘Zvinorema sei!’ uye munoifembedza muchiizvidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Pamunouyisa zvipfuwo zvakakuvara, zvakaremara kana zvinorwara kuzozvipa sezvibayiro, ndingazvigamuchira kubva pamaoko enyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ngaatukwe munyengeri ane gondobwe rakanaka pakati pamakwai ake, anopika kuti acharipa, asi agobayira chipfuwo chine chakaipa pachiri kuna Ishe. Nokuti ndiri mambo mukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye zita rangu rinofanira kutyiwa pakati pendudzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Maraki 1

Maraki 1:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Chirevo cheshoko raJehovha kuna Isiraeri chakatumwa naMaraki. “Ndakakudai ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyange zvakadaro imi munoti, ‘Makatida neiko?’ Ko Esau akanga asi mukoma waJakobho here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvakadaro ini ndakada Jakobho; asi Esau ndakamuvenga, ndikaita makomo ake matongo, ndikapa makava amarenje nhaka yake. “Kunyange Edhomu vakati, ‘Takaparadzwa hedu, asi tichadzoka tikavakazve matongo,’ zvanzi naJehovha wehondo, ‘Vachavaka, asi ini ndichakoromora;’ vanhu vachavatumidza, nyika yezvakaipa, uye vanhu vakatsamwirwa naJehovha nokusingaperi. “Meso enyu achaona, mukati, ‘Jehovha anokudzwa munyika yose yaIsiraeri.’ “Mwanakomana anokudza baba vake, nomuranda anokudza tenzi wake; zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kwamuri, imi vapristi vanozvidza zita rangu. Zvino imi moti, ‘Tinozvidza zita renyu neiko?’ Munondivigira chingwa chine tsvina paatari yangu. Zvino moti, ‘Takakusvibisai neiko?’ Pakutaura kwenyu muchiti, ‘Tafura yaJehovha ngaizvidzwe hayo.’ Kana muchindivigira chakapofumara chive chibayiro, hazvina kuipa here? Kana muchindivigira chinokamhina nechinorwara hazvina kuipa here? Chizvivigirai mubati wenyu; ungakufarirai here? Kana ungakugamuchirai here? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. “Zvino chikumbirai henyu nyasha dzaMwari, kuti atinzwire ngoni. Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Aiwa, dai kwaiva nomumwe wenyu waizarira hake mikova, kuti murege kubatidza moto paatari yangu pasina! Handikufaririyi imi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu. Nokuti kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni; pose-pose zvinonhuwira zvichavigirwa zita rangu, uye chipiriso chisina tsvina; nokuti zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Asi imi munozvimhura, zvamunoti, ‘Tafura yaJehovha yakasvibiswa, zvibereko zvayo, izvo zvokudya zvayo, ngazvizvidzwe hazvo.’ Munotiwo, ‘Tarirai zvinonetsa sei!’ Mazvishora ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Asi munyengeri ngaatukwe ane gondohwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Maraki 1

Maraki 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Chirevo: Shoko raTenzi kuvaIsiraeri raakataura nomuromo waMaraki. “Ndakakudai.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Asi imi munoti, “Makatida nomutowo upi? Handiti Esau mukoma waJakobho here?” Ndizvo zviri kubvunzwa naTenzi, “Asi wandakada ndiJakobho, asi Esau ndakamuramba. Nyika yake yamakomo ndakaiita renje zvaro ndikasiyira nhaka yake kumakava okugwenga'ku.” Dai kuri kuti Edhomu inoti, “Takaputswa asi tichavaka hedu matongo acho.” Tenzi wehondo nehondo ari kuti, “Kuvaka, vangavake havo asi ini ndichavapaza kudzamara vava kunzi, ‘Nyika youipi yavanhu vakagara vakashatirirwa naTenzi narinhi wose.’ ” Muchatozozvionerawo nemeso enyu uye muchatozoti, “Tenzi mukuru ikoko kure nenyika yeIsiraeri.” Inga wani mwanakomana anoremekedza baba vake, muranda anoremekedza vatenzi vake. “Zvino kana ini ndiri baba, kuremekedzwa kwangu kuripi? Kana ini ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripi? Ndizvo zviri kureva TENZI wehondo nehondo kwamuri iyemi vapristi munozvidza zita rangu. Munotika imi takazvidza zita renyu sei, nokupira chokudya chakan'ora paatari yangu. Uye munoti takachin'oresa sei, nokufungaka kwenyu kuti tebhuru yaTenzi inogona kushorwa zvayo. Kana imi muchipira sechibayiro mhuka dzakapofomara maziso, hausi huipi here ihwohwo? Ko kana muchipira dzakaremara kana dzine chirwere, hausi huipi here ihwohwo? Endai muzvipe kumutongi wenyu, anofadzwa nemi kana kukuitiraiwo zvakanaka here?” Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Zvino chikumbirai Mwari tione kuti atiitire tsiye nyoro agotinzwirawo ngoni. Imi mune chipo chakadaro mumaoko menyu angakuitirei tsiye nyoro here? Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. “Dai zvazvo pane mumwe pakati penyu anopfiga zvake misuo kuti imi murege kubatidza moto paatari yangu zvisina maturo! Handichakufarirai. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo uye handichambogamuchira mupiro wamunopira imi namaoko enyu nokuti kubvira kunobuda zuva kudzamara kwarinodokera zita rangu iguru pakati pemarudzi uye munzvimbo dzose rusenzi runopirwa kuzita rangu pamwechete nemipiro mitsvene nokuti zita rangu, izita guru mukati memarudzi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Asi imi munorin'oresa muchiti teburu yaTenzi yakasvibiswa muchipira zvenyu pairi chokudya chakazvidzika. Munototi zvenyu, ‘Haiwaiwa zvinonetsa izvi,’ izvozvo muchitondifinyamisira mhuno imi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Munounzaka imi zvinhu zvakatorerwa vanhu nechisimba kana zvakaremara kana zvinorwara ndozvamunouya nazvo somupiro wenyu? Ini ndigamuchire zvakadaro kwamuri here ini? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ngaawirwe norushambwa munyengedzi ane chipfuwo chikono mudanga make chaanoti iye atsidza kuzochipira pidigu opira kuna Tenzi chibayiro chinoshoreka nokuti ini ndiri Mambo mukuru ini. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo, uye zita rangu rinotyiwa mukati memarudzi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Maraki 1

Maraki 1:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Cireʋo ceshoko raJehova kunaIsraeri cakatumŋa naMaraki. Ndakakuɗai — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro imi munoti: Makatiɗa neiko? Ko Esau wakaŋga asi mukoma waJakobo here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakaɗa Jakobo; asi Esau ndakamuʋeŋga, ndikaita makomo ake matoŋgo, ndikapa makaʋa amarenje nhaka yake. Kunyaŋge Edomi ʋakati: Takaparadzwa heɗu, asi ticadzoka tikaʋaka ɀe matoŋgo; ɀanzi naJehova wehondo: Ʋacaʋaka, asi ini ndicakoromora; ʋanhu ʋacaʋatumidza, nyika yeɀakaipa, ʋuye ʋanhu ʋakatsamŋirwa naJehova nokusiŋgaperi. Meso enyu acaʋona, mukati: Jehova unokudzwa munyika yose yaIsraeri. Mŋanakomana unokudza ɓaɓa ʋake, nomuranda unokudza tenzi wake; ɀino kana ndiri ɓaɓa ʋenyu, kukudzwa kwaŋgu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwaŋgu kuripiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo kwamuri, imi ʋaprista ʋanoɀidza zita raŋgu. Ɀino imi moti: Tinoɀidza zita renyu neiko? Munondiʋigira ciŋgwa cinetȿina paartari yaŋgu. Ɀino moti: Takakuȿiɓisai neiko? Pakutaura kwenyu muciti: Tafura yaJehova ŋgaiɀidzwe hayo. Kana mucindiʋigira cakapofumara ciʋe ciɓayiro, haɀina‐kuipa here! Kana mucindiʋigira cinokamhina necinorwara haɀina‐kuipa here? Ciɀiʋigirai muɓati wenyu; uŋgakufarirai here? Kana uŋgakugamucirai here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Ɀino cikumbirai henyu nyasha dzaMŋari, kuti atinzwire ŋgoni. Ndiɀo ɀakaitwa namaʋoko enyu; ko uŋgagamucira mumŋe wenyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Haiwa, ɗai kwaiʋa nomumŋe wenyu waizarira hake mikoʋa, kuti murege kuɓatidza mŋoto paartari yaŋgu pasina! Handikufaririyi imi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — handiŋgagamuciri camunondiʋigira namaʋoko enyu. Nokuti kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni; pose‐pose ɀinonhuwira ɀicaʋigirwa zita raŋgu, ʋuye cipiriso cisinetȿina; nokuti zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Asi imi munoɀimhura, ɀamunoti: Tafura yaJehova yakaȿiɓiswa, ɀiɓereko ɀayo, iɀo ɀokudya ɀayo, ŋgaɀiɀidzwe haɀo. Munoti ʋo: Tarirai ɀinonetsa sei! Maɀishoʋora — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; makandiʋigira ɀakapambga, neɀinokamhina, neɀinorwara; ndiɀo ɀamunondiʋigira cipiriso; ɀino ndiŋgaɀigamucira pamaʋoko enyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Asi munyeŋgeri ŋgaatukwe unegondobge pakati pamakwai ake, ndokupika nokuɓayira Ishe cinhu cakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — zita raŋgu rinotyisa pakati paʋahedeni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Maraki 1

Maraki 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)