Cireʋo ceshoko raJehova kunaIsraeri cakatumŋa naMaraki. Ndakakuɗai — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro imi munoti: Makatiɗa neiko? Ko Esau wakaŋga asi mukoma waJakobo here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakaɗa Jakobo; asi Esau ndakamuʋeŋga, ndikaita makomo ake matoŋgo, ndikapa makaʋa amarenje nhaka yake. Kunyaŋge Edomi ʋakati: Takaparadzwa heɗu, asi ticadzoka tikaʋaka ɀe matoŋgo; ɀanzi naJehova wehondo: Ʋacaʋaka, asi ini ndicakoromora; ʋanhu ʋacaʋatumidza, nyika yeɀakaipa, ʋuye ʋanhu ʋakatsamŋirwa naJehova nokusiŋgaperi. Meso enyu acaʋona, mukati: Jehova unokudzwa munyika yose yaIsraeri. Mŋanakomana unokudza ɓaɓa ʋake, nomuranda unokudza tenzi wake; ɀino kana ndiri ɓaɓa ʋenyu, kukudzwa kwaŋgu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwaŋgu kuripiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo kwamuri, imi ʋaprista ʋanoɀidza zita raŋgu. Ɀino imi moti: Tinoɀidza zita renyu neiko? Munondiʋigira ciŋgwa cinetȿina paartari yaŋgu. Ɀino moti: Takakuȿiɓisai neiko? Pakutaura kwenyu muciti: Tafura yaJehova ŋgaiɀidzwe hayo. Kana mucindiʋigira cakapofumara ciʋe ciɓayiro, haɀina‐kuipa here! Kana mucindiʋigira cinokamhina necinorwara haɀina‐kuipa here? Ciɀiʋigirai muɓati wenyu; uŋgakufarirai here? Kana uŋgakugamucirai here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Ɀino cikumbirai henyu nyasha dzaMŋari, kuti atinzwire ŋgoni. Ndiɀo ɀakaitwa namaʋoko enyu; ko uŋgagamucira mumŋe wenyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Haiwa, ɗai kwaiʋa nomumŋe wenyu waizarira hake mikoʋa, kuti murege kuɓatidza mŋoto paartari yaŋgu pasina! Handikufaririyi imi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — handiŋgagamuciri camunondiʋigira namaʋoko enyu. Nokuti kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni; pose‐pose ɀinonhuwira ɀicaʋigirwa zita raŋgu, ʋuye cipiriso cisinetȿina; nokuti zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Asi imi munoɀimhura, ɀamunoti: Tafura yaJehova yakaȿiɓiswa, ɀiɓereko ɀayo, iɀo ɀokudya ɀayo, ŋgaɀiɀidzwe haɀo. Munoti ʋo: Tarirai ɀinonetsa sei! Maɀishoʋora — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; makandiʋigira ɀakapambga, neɀinokamhina, neɀinorwara; ndiɀo ɀamunondiʋigira cipiriso; ɀino ndiŋgaɀigamucira pamaʋoko enyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Asi munyeŋgeri ŋgaatukwe unegondobge pakati pamakwai ake, ndokupika nokuɓayira Ishe cinhu cakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — zita raŋgu rinotyisa pakati paʋahedeni.
Verenga chikamu Maraki 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Maraki 1:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo