Ruka 9:57-62
Ruka 9:57-62 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe murume akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.” Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.” Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.” Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.” Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”
Ruka 9:57-62 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari, “Ndichakuteverai pose pamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Mhungubwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Akati kune mumwe, “Nditevere.” Iye akati, “Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.” Asi iye akati kwaari, “Rega, vakafa ngavavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza ushe hwaMwari.” Mumwezve akati, “Ndichakuteverai Ishe, asi munditendere henyu ndimbondoonekana navari mumba mangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu angati kana aisa ruoko rwake pabadza, akacheukira shure, angafanirwa noushe hwaMwari.”
Ruka 9:57-62 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavainge vachifamba nenzira, mumwe murume akati kwaari, “Ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru uye shiri dzedenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana kana pokutsamira musoro wake.” Akatiwo kunomumwe, “Nditevere.” Asi iye akati, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi iye akamuti, “Rega vafi vavige vakafa vavo. Chako iwe kuenda kundoparidza umambo hwaMwari.” Mumwewo akati, “Ndichakuteverai, Tenzi, asi regai nditange ndambondoonekana nevari kumusha kwangu.” Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu anobata gejo asi iye achicheuka shure angakodzere umambo hwaMwari.”
Ruka 9:57-62 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, mumŋe munhu akati kwaari: Ndicakuteʋerai pose pamunoenda. Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere, asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake. Akati kunomumŋe: Nditeʋere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu. Asi iye akati kwaari: Rega, ʋakafa ŋgaʋaʋige ʋakafa ʋaʋo; asi iwe, enda undoparidza ʋushe bgaMŋari. Mumŋe ɀe akati: Ndicakuteʋerai Ishe, asi munditenderei henyu ndimbondowonekana naʋari mumba maŋgu. Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu uŋgati kana aisa ruʋoko rwake paɓadza, akaceukira shure, uŋgafanirwa noʋushe bgaMŋari.
Ruka 9:57-62 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)