Ruka 5:1-39
Ruka 5:1-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari, uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka mambure avo. Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.” Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.” Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!” Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata, uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.” Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera. Jesu paakanga achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari. Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.” Asi mukurumbira wake wakapararira kwazvo, zvokuti vanhu vazhinji zhinji vakauya kuzomunzwa uye kuti vaporeswe zvirwere zvavo. Asi, kazhinji Jesu aizvitsaura achienda kusina vanhu kuti andonyengetera. Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara. Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu. Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfiriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.” VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko munhu uyu anotaura achimhura Mwari. Ndianiko anoregerera zvivi kunze kwaMwari chete?” Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, “Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu? Ndezvipiko zvakareruka: kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kumurume akanga akaoma mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba.” Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora rukukwe rwaakanga avete parwuri akaenda kumba achirumbidza Mwari. Munhu wose akashamiswa nazvo akarumbidza Mwari. Vakazadzwa nokutya vakati, “Taona zvinhu zvinoshamisa nhasi.” Shure kwaizvozvo, Jesu akabuda akaona muteresi ainzi Revhi akagara paimba yake yokuteresa. Jesu akati kwaari, “Nditevere.” Revhi akasimuka, akasiya zvinhu zvose akamutevera. Ipapo Revhi akaitira Jesu mabiko makuru pamba pake, uye vateresi vazhinji kwazvo navamwewo vakadya navo. Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vari veboka ravo vakagununʼuna vakati kuvadzidzi vake, “Seiko muchidya navateresi navatadzi?” Jesu akavapindura akati, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.” Ivo vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji uye vachinyengetera, uye vadzidzi vavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanoramba vachidya nokunwa.” Jesu akavapindura akati, “Mungaite here kuti shamwari dzechikomba dzitsanye iye achinavo? Asi nguva ichauya apo chikomba chichabviswa kwavari; mumazuva iwayo vachatsanya.” Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Hakuna munhu anobvarura chigamba kubva panguo itsva achichisonera panguo tsaru. Kana akadaro, anenge abvarura nguo itsva, uye chigamba chinobva panguo itsva hachibatsiri panguo tsaru. Uye hakuna anodira waini itsva mumaguchu amatehwe matsaru. Kana akadaro, waini itsva ichatsemura matehwe, waini itsva ichateuka uye maguchu ewaini achaparadzwa. Kwete, waini itsva inofanira kudirwa mumaguchu amatehwe matsva. Uye hakuna munhu anoti ambonwa waini tsaru ozoda waini itsva, nokuti anoti, ‘Tsaru iri nani.’ ”
Ruka 5:1-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, vanhu vazhinji vakati vachimumanikidza kuti vanzwe shoko raMwari, iye amire pagungwa reGenesareti, akaona magwa maviri ari pagungwa, asi vabati vehove vakanga vabuda maari, vachisuka husvasvi hwavo. Akapinda mune rimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishona apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari muigwa. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Endai kwakadzika, mukande husvasvi hwenyu, kuti mubate.” Simoni akapindura, akati, “Tenzi, takatambura usiku hwose, tisingabati chinhu; asi zvamadaro imi, ndichakanda husvasvi.” Vakati vaita izvozvo, vakakuva hove zhinji, husvasvi hwavo hukabvaruka. Vakaninira shamwari dzavo mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri, akanga onyura. Zvino, Simoni Pita wakati achizviona, akazviwisira pasi pamabvi aJesu, akati, “Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.” Nokuti akanga ashamiswa iye, navose vaakanga anavo nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. Ndizvo zvanga zvaitawo Jakobho, naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva shamwari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.” Zvino, vakati vaisa magwa kunyika, vakasiya zvose vakamutevera. Akati ari kune rimwe guta, tarira, kwakanga kune murume akanga anamaperembudzi muviri wose; iye akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Ipapo akatambanudza ruoko, akamubata, achiti, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. Akamurayira kuti asaudza munhu, akati, “Enda unozviratidza kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.” Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuurisa; vanhu vazhinji-zhinji vakaungana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda avo. Asi iye akaenda mumarenje, akandonyengetera. Nerimwe ramazuva iwayo akanga achidzidzisa; vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGariria neJudhea neJerusaremu; simba raIshe rokuporesa rakanga rinaye. Zvino, tarira, vamwe varume vakanga vakatakura munhu akanga akafa mitezo, ari panhoo, vakatsvaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake. Zvino, vakati vachishayiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhoo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. Iye akati achiona kutenda kwavo, akati, “Murume, wakanganwirwa zvivi zvako.” Vanyori navaFarisi vakatanga kufunga, vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndianiko angakanganwira zvivi, asi Mwari oga?” Zvino Jesu, zvaaiziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari, “Munofungeiko mumwoyo yengu? Chiiko chakareruka, kuti, ‘Wakanganwirwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’ “Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu anesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kune akafa mitezo, ‘Ndinoti kwauri, simuka, utore nhoo yako, uende kumba kwako.’ ” Akasimuka pakarepo pamberi pavo, akatora chaakanga avete pamusoro pacho, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari. Vakashamiswa vose, vakarumbidza Mwari, vakatya kwazvo, vachiti, “Taona madambi nhasi!” Shure kwaizvozvo, akabuda, akaona muteresi, ainzi Revhi, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!” Iye akasiya zvose, akasimuka, akamutevera. Revhi akamuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo vazhinji-zhinji vavateresi navamwe, vakanga vagere navo pakudya. VaFarisi navanyori vavo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti, “Munodyireiko navateresi navatadzi, nokunwa navo?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki n'anga, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi, kuti vatendeuke.” Zvino vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanozvinyima zvokudya kazhinji, vachikumbira; navavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.” Jesu akati kwavari, “Mungadzivisa shamwari dzemuwani kudya, muwani achiri kwavari here? Asi mazuva achasvika; zvino kana muwani azobviswa kwavari, vachazvinyima zvokudya namazuva iwayo.” Akataura navo nomufananidzo, akati, “Hakuna munhu achabvarura chiremo panguo itsva, akachiisa panguo yakasakara; nokuti chichabvarura nguo itsva, uye chiremo chenguo itsva hachinganzwani neyakasakara. Hakuna munhu achadira waini itsva muhombodo tsaru kana akadaro waini itsva ichaparusa hombodo, ikateuka, nehombodo dzikafawo; asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva. Hakuna munhu anoti kana anwa waini tsaru, angazoda itsva; nokuti anoti, ‘Tsaru ndiyo yakaisvonaka.’ ”
Ruka 5:1-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu zvavakanga vachiti unga–unga padyo naJesu vachida kunzwa shoko raMwari, iye akanga akamira pamahombekombe egungwa reGenesareti. Akaona magwa maviri ari kumucheto kwegungwa asi vabvuvi vakanga vabuda maari, vava kusuka usvasvi hwavo. Jesu akapinda mune rimwe igwa raiva riri raSimoni, akamukumbira kuti asuduruke abve kumucheto zvishoma. Zvino akagara mugwa muya akadzidzisa vanhu vazhinji arimo. Kuzoti apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Enda kwakadzika, mudzikise usvasvi hwenyu mubate hove.” Simoni akapindura akati, “Mudzidzisi, tabinduka usiku hwose, tikasabata chinhu, asi pamusana pokuti mazvitaura ndichadzikisa usvasvi mumvura.” Vakati vaita izvozvo, vakakukuzva hove zhinji, usvasvi hwavo hukatenge hoda kubvaruka. Zvino vakaninira vamwe vavo, vaiva mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri zvokuti akanga oda kutonyura. Zvino Simoni Pita akati aona izvi, akazviwisira pasi pamabvi aJesu achiti, “Tenzi, ibvai henyu kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.” Nokuti iye, navose vaaiva navo, vakanga vashamiswa nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. Ndizvo zvakaitawo vana Jemusi naJohani, vanakomana vaZebhedhi vaiita mushandirapamwe naSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatye hako, kubvira zvino uchava mubvuvi wavanhu.” Pavakasvitsa magwa avo pamahombekombe, vakasiya zvose vakamutevera. Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.” Ipapo Jesu akatambanudza ruoko rwake ndokumubata achiti, “Ndinoda, chichenurwa uporeswe hako.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera. Jesu akamukohomedza kuti asaudze munhu. Asi akati, “Enda, undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako, sokutemwa kwazvakaitwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” Asi mukurumbira wake wakatopararira kwose kwose. Uzhinji hwavanhu hwakaungana kuzomunzwa nokuporeswa matenda avo. Asi Jesu aimbobva achienda kunzvimbo isina vanhu kundonamata. Rimwe zuva Jesu paakanga achidzidzisa, paiva navaFarisei navadzidzisi voMutemo, vakanga vagerepo vaibva mumisha yose yeGarirea neyeJudhea nokuJerusaremu. Simba raTenzi rokuporesa rakanga riinaye. Havo vamwe varume vakauya vakatakura pabanda, munhu akanga akatonhora mitezo, vakada kupinda naye nokumuisa pamberi paJesu. Pavakatadza kupinda naye pamusana pokuwanda kwavanhu vakakwira pamusoro pemba, vakabvisa mafendefa edenga remba, ndokumudzikisa ari pauvato pamberi paJesu mukati mavanhu. Zvino paakaona chitendero chavo, Jesu akati, “Hama zvitadzo zvako zvaregererwa.” Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndiani angagone kuregerera zvitadzo kunze kwaMwari oga?” Asi Jesu akaona pfungwa dzavo akavapindura achiti, “Munofungireiko zvakadai mumwoyo menyu? Chakareruka ndechipi, kuti, ‘Waregererwa zvitadzo zvako,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ ” Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo, akati kuno munhu akanga akatonhora mitezo, “Ndinoti kwauri, simuka, utore uvato hwako, uende kumusha.” Pakarepo munhu uya akabva asimuka vose vachizviona, ndokutora chaakanga avete chiya ndokuenda kumusha achirumbidza Mwari. Vanhu vose zvakavakatyamadza kwazvo, vakarumbidza Mwari, uye vakaputirwa nokutya vachiti, “Nhasi taona zvinoshamisa.” Shure kwaizvozvo Jesu akabuda, ndokuona muteresi ainzi Revhi, agere pahofisi yomutero, ndokuti kwaari, “Nditevere.” Iye akasiya zvose, akasimuka ndokumutevera. Revhi akagadzirira Jesu mabiko makuru mumba make. Vateresi vazhinji navamwe vanhu vakagara navo pakudya. VaFarisei nenyanzvi dzoMutemo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti, “Munodyireiko navateresi navatadzi, muchinwa navo?” Jesu akavapindura achiti, “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. Handina kuuya kuzodaidza vakarurama kwete, asi vatadzi kuti vapinduke.” Vanhu vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji, vachiita minamato, navadzidzi vavaFarisei vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.” Jesu akati kwavari, “Mungaite kuti vanhu vari pamuchato vatsanye, iye muwani vachinaye here? Asi mazuva achauya avachatorerwa muwani. Pamazuva iwayo ndipo pavachazotsanya.” Akavataurirazve nomuenzaniso achiti, “Hakuna munhu anobvarura jira rechigamba pahanzu itsva achichisonerera pahanzu tsaru. Kana akadaro achabvarura hanzu itsva, uyezve chigamba chehanzu itsva hachipindirani nehanzu tsaru. Hakuna munhu angadururire, waini itsva muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Kana akadaro, waini itsva inoputitsa zvigubhu izvozvo, waini ichadeuka nezvigubhu zvichaparadzika. Asi waini itsva inofanira kudirwa muzvigubhu zvitsva. Uye hakuna munhu anoti kana anwa waini yakare angazoda itsva, nokuti anoti, ‘Yakare ndiyo yakanaka.’ ”
Ruka 5:1-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimumanikidza kuti ʋanzwe shoko raMŋari, iye amire paguŋgwa reGenesareta, akaʋona magwa maʋiri ari paguŋgwa, asi ʋaɓati ʋehoʋe ʋakaŋga ʋaɓuɗa maari, ʋacisuka ʋutaʋa bgaʋo. Akapinda munerimŋe igwa, raiʋa raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paɗuku apinde mumʋura. Ɀino akagara, akadzidzisa ʋanhu ʋazhinji, ari mugwa. Wakati apedza kutaura, akati kunaSimoni: Pindai kwakadzika, mukande ʋutaʋa bgenyu, kuti muɓate. Simoni akapindura, akati: Tenzi, takatambura ʋusiku bgose, tisiŋgaɓati cinhu; asi ɀamaɗaro imi, ndicakanda ʋutaʋa. Ʋakati ʋaita iɀoɀo, ʋakakomba hoʋe zhinji; ʋutaʋa bgaʋo bgukabvaruka. Ʋakaninira shamŋari dzaʋo munerimŋe igwa, kuti ʋaʋuye kuzoʋaɓatsira. Ʋakaʋuya, ʋakazadza magwa ose ari maʋiri, akaŋga onyura. Ɀino, Simoni Petro wakati aciɀiʋona, akaɀiwisira pasi pamabvi aJesu, akati: Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi. Nokuti wakaŋga ashamiswa iye, naʋose ʋaakaŋga anaʋo nokuwanda kwehoʋe dzaʋakaŋga ʋaɓata. Ndiɀo ɀaŋga ɀaita ʋo Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋaiʋa shamŋari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kunaSimoni: Usatya, kubva ɀino ucaɓata ʋanhu. Ɀino, ʋakati ʋaisa magwa kunyika, ʋakasiya ɀose ʋakamuteʋera. Wakati ari kunerimŋe guta, tarira, kwakaŋga kunomurume wakaŋga anamaperembudzi pamuʋiri wose; iye akati aciʋona Jesu, akaɀiwisira pasi neciso, ndokukumbira kwaari, aciti: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. Ipapo akatambanudza ruʋoko, akamuɓata, aciti: Ndinoɗa, cinatswa! Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. Akamuraira kuti asaʋudza munhu, akati: Enda undoɀiratidza kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuʋurisa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda aʋo. Asi iye wakaenda mumarenje, akandonyeŋgetera. Nerimŋe ramazuʋa iwayo wakaŋga acidzidzisa; ʋaFarise naʋadzidzisi ʋomurairo ʋakaŋga ʋagere’po, ʋaibva kumisha yose yeGarirea neJudea neJerusarema; simba raShe rokuporesa rakaŋga rinaye. Ɀino, tarira, ʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋakatakura munhu wakaŋga akafa miteɀo, ari panhoʋo, ʋakatȿaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake. Ɀino, ʋakati ʋacishaiwa paʋaŋgamupinza napo, nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakakwira pamsoro peimba, ʋakamuɓurusira mukati nenhoʋo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. Iye akati aciʋona kutenda kwaʋo, akati: Murume, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ʋanyori naʋaFarise ʋakataŋga kufuŋga, ʋaciti: Ndianiko uyu unotaura acimhura Mŋari? Ndianiko uŋgakaŋganwira ɀiʋi, asi Mŋari oga? Ɀino Jesu, ɀaaiziʋa mifuŋgo yaʋo, akapindura, akati kwaʋari: Munofuŋgeiko mumŋoyo yenyu? Cinyiko cakareruka, kuti: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, ufambe? Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kunowakafa mitezo:) Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhoʋo yako, uende kumba kwako. Akasimuka pakarepo pamberi paʋo, akatora caakaŋga aʋete pamsoro paco, akaenda kumba kwake, acirumbidza Mŋari. Ʋakashamiswa ʋose, ʋakarumbidza Mŋari, ʋakatya kwaɀo, ʋaciti: Taʋona maɗambi nhasi! Shure kwaiɀoɀo, wakaɓuɗa, akaʋona muteresi, wainzi Revi, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere! Iye akasiya ɀose, akasimuka, akamuteʋera. Revi akamuitira mutambo mukuru mumba make; kukaʋa’po ʋazhinji‐zhinji ʋaʋateresi naʋamŋe, ʋakaŋga ʋagere naʋo pakudya. ƲaFarise naʋanyori ʋaʋo ʋakanyunyutira ʋadzidzi ʋake, ʋaciti: Munodyireiko naʋateresi naʋatadzi, nokunwa naʋo? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara. Handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi, kuti ʋatendeʋuke. Ɀino ʋakati kwaari: Ʋadzidzi ʋaJohane ʋanoɀinyima ɀokudya kazhinji, ʋacikumbira; naʋaʋaFarise ʋanoɗaro ʋo, asi ʋenyu ʋanodya nokunwa. Jesu akati kwaʋari: Muŋgadziʋisa shamŋari dzecikomba kudya, cikomba ciri kwaʋari here? Asi mazuʋa acaȿika; ɀino kana cikomba cazobviswa kwaʋari, ʋacaɀinyima ɀokudya namazuʋa iwayo. Akataura naʋo nomufananidzo, akati: Hakunomunhu ucabvarura ciremo paŋguʋo itȿa, akaciisa paŋguʋo yakasakara; nokuti ucabvarura nguʋo itȿa, ʋuye ciremo ceŋguʋo itȿa haciŋganzwani neyakasakara. Hakunomunhu ucaɗira waini itȿa muhomboɗo tsaru; nokuti waini itȿa icaparusa homboɗo, ikateʋuka, nehomboɗo dzikafa ʋo; asi waini itȿa inofanira kuɗirwa muhomboɗo itȿa. Hakunomunhu unoti kana anwa tsaru, uŋgazoɗa itȿa; nokuti unoti: Tsaru ndiyo yakaiȿo‐naka.
Ruka 5:1-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)