Vanhu zvavakanga vachiti unga–unga padyo naJesu vachida kunzwa shoko raMwari, iye akanga akamira pamahombekombe egungwa reGenesareti. Akaona magwa maviri ari kumucheto kwegungwa asi vabvuvi vakanga vabuda maari, vava kusuka usvasvi hwavo. Jesu akapinda mune rimwe igwa raiva riri raSimoni, akamukumbira kuti asuduruke abve kumucheto zvishoma. Zvino akagara mugwa muya akadzidzisa vanhu vazhinji arimo. Kuzoti apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Enda kwakadzika, mudzikise usvasvi hwenyu mubate hove.” Simoni akapindura akati, “Mudzidzisi, tabinduka usiku hwose, tikasabata chinhu, asi pamusana pokuti mazvitaura ndichadzikisa usvasvi mumvura.” Vakati vaita izvozvo, vakakukuzva hove zhinji, usvasvi hwavo hukatenge hoda kubvaruka. Zvino vakaninira vamwe vavo, vaiva mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri zvokuti akanga oda kutonyura. Zvino Simoni Pita akati aona izvi, akazviwisira pasi pamabvi aJesu achiti, “Tenzi, ibvai henyu kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.” Nokuti iye, navose vaaiva navo, vakanga vashamiswa nokuwanda kwehove dzavakanga vabata.
Ndizvo zvakaitawo vana Jemusi naJohani, vanakomana vaZebhedhi vaiita mushandirapamwe naSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatye hako, kubvira zvino uchava mubvuvi wavanhu.” Pavakasvitsa magwa avo pamahombekombe, vakasiya zvose vakamutevera.
Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.” Ipapo Jesu akatambanudza ruoko rwake ndokumubata achiti, “Ndinoda, chichenurwa uporeswe hako.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera. Jesu akamukohomedza kuti asaudze munhu. Asi akati, “Enda, undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako, sokutemwa kwazvakaitwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” Asi mukurumbira wake wakatopararira kwose kwose. Uzhinji hwavanhu hwakaungana kuzomunzwa nokuporeswa matenda avo. Asi Jesu aimbobva achienda kunzvimbo isina vanhu kundonamata.
Rimwe zuva Jesu paakanga achidzidzisa, paiva navaFarisei navadzidzisi voMutemo, vakanga vagerepo vaibva mumisha yose yeGarirea neyeJudhea nokuJerusaremu. Simba raTenzi rokuporesa rakanga riinaye. Havo vamwe varume vakauya vakatakura pabanda, munhu akanga akatonhora mitezo, vakada kupinda naye nokumuisa pamberi paJesu. Pavakatadza kupinda naye pamusana pokuwanda kwavanhu vakakwira pamusoro pemba, vakabvisa mafendefa edenga remba, ndokumudzikisa ari pauvato pamberi paJesu mukati mavanhu. Zvino paakaona chitendero chavo, Jesu akati, “Hama zvitadzo zvako zvaregererwa.”
Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndiani angagone kuregerera zvitadzo kunze kwaMwari oga?” Asi Jesu akaona pfungwa dzavo akavapindura achiti, “Munofungireiko zvakadai mumwoyo menyu? Chakareruka ndechipi, kuti, ‘Waregererwa zvitadzo zvako,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ ” Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo, akati kuno munhu akanga akatonhora mitezo, “Ndinoti kwauri, simuka, utore uvato hwako, uende kumusha.” Pakarepo munhu uya akabva asimuka vose vachizviona, ndokutora chaakanga avete chiya ndokuenda kumusha achirumbidza Mwari. Vanhu vose zvakavakatyamadza kwazvo, vakarumbidza Mwari, uye vakaputirwa nokutya vachiti, “Nhasi taona zvinoshamisa.”
Shure kwaizvozvo Jesu akabuda, ndokuona muteresi ainzi Revhi, agere pahofisi yomutero, ndokuti kwaari, “Nditevere.” Iye akasiya zvose, akasimuka ndokumutevera. Revhi akagadzirira Jesu mabiko makuru mumba make. Vateresi vazhinji navamwe vanhu vakagara navo pakudya. VaFarisei nenyanzvi dzoMutemo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti, “Munodyireiko navateresi navatadzi, muchinwa navo?” Jesu akavapindura achiti, “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. Handina kuuya kuzodaidza vakarurama kwete, asi vatadzi kuti vapinduke.”
Vanhu vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji, vachiita minamato, navadzidzi vavaFarisei vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.” Jesu akati kwavari, “Mungaite kuti vanhu vari pamuchato vatsanye, iye muwani vachinaye here? Asi mazuva achauya avachatorerwa muwani. Pamazuva iwayo ndipo pavachazotsanya.”
Akavataurirazve nomuenzaniso achiti, “Hakuna munhu anobvarura jira rechigamba pahanzu itsva achichisonerera pahanzu tsaru. Kana akadaro achabvarura hanzu itsva, uyezve chigamba chehanzu itsva hachipindirani nehanzu tsaru. Hakuna munhu angadururire, waini itsva muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Kana akadaro, waini itsva inoputitsa zvigubhu izvozvo, waini ichadeuka nezvigubhu zvichaparadzika. Asi waini itsva inofanira kudirwa muzvigubhu zvitsva. Uye hakuna munhu anoti kana anwa waini yakare angazoda itsva, nokuti anoti, ‘Yakare ndiyo yakanaka.’ ”